English Manyika Shona 


Nzwisisa Rudo Rwavo

Chipiri, 23 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ndakavaita verudzi rwenyu. Sezvamakandiitavo werudzi rwenyu. Kuti vafanane nesu. Ini ndive mavari. Imi muri mandiri. Tive chinhu chimwe navo. Kuti nyika izive. Kuti ndimi makandituma. Izivevo kuti imi makavada. Sekundida kwamakaita (Johane 17 ndima 22 kusvika 23).

Mwari vanokufarira. Vanokufarira sekufarira kwavanoita Jesu. Mweya wako wati wazvibata here izvozvo? Unofanira kuzvibata. Hupenyu hwako hwose hunozoshanduka. Ini ndine musi wandakazvinzwisisa. Aya akanga ari makore akawanda apfuura. Ndakafara musi uyu. Ndikapembera. Ndikachema. Ndikadzana.

Mwari vanotifarira. Vanotifarira zvisingagoni kunzwisiswa nevanhu. Varoma 5 ndima 8 inoti, Asi Mwari vakataridza kuti vanotida. Pakuti Muponesi vakatifira. Vakatifira tichiri vatadzi. Johane 3 ndima 16 inoti, Nokuti Mwari vakada nyika. Vakasvika pakuipa Mwanakomana wavo. Anova ndiye oga wavakanga vazvara. Vaida kuti vanhu vamugamuchire. Vasazoparara. Asi vawane hupenyu husingaperi.

Mwari vanokukoshesa. Wakavakoshera seropa raMuponesi Jesu. Ropa iri ndiro ravakashandisa kubhadharira ruponeso rwako. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna 1 Pita 1 ndima 18 kusvika 19. Inoti, Nokuti munoziva kuti hamuna kuponeswa nezvinhu zvinovora. Zvakaita sesirivheri. Kana ndarama. Asi makaponeswa neropa raMuponesi. Iro gwayana riya. Risina chitema. Risina ruvara. Kana charingapomerwa.

Saka rudo rwaMwari rwakakura. Mwari havana wavasingagoni kufarira. Izvi ndizvo zvativona mundima iyi. Mweya Mutsvene vane munamato wavakamboita. Vakashandisa Pauro kuunamata. Tinouverenga muna Vaefeso 3 ndima 17 kusvika 18. Vakanamata kuti midzi yedu idzike murudo rwaMwari. Tigogona kunzwisisa kukura kwerudo rwaMwari urwu.

Pauro anobvunzavo mumwe mubvunzo. Akanga ari kufungisisa pamusoro perudo rwaMwari. Urwo rudo ruya rusina charungaenzaniswa nacho. Mubvunzo wacho wakakosha zvikuru. Wakadzama. Tinouverenga muna Varoma 8 ndima 32. Akati, Ivo Mwari vasina kutinyima Mwanakomana wavo. Asi vakamupa kwatiri tose. Vangazokoniwa nei kutipavo zvimwe zvinhu zvose? Vachitipa pamwe naMuponesi ava?. Saka Mwari vanotifarira. Kureva kuti hapana munhu anofanira kurwara. Hapana anofanira kunge asina simba. Hapana anofanira kunge ari murombo. Hapana anofanira kunge achishaiwa. Hapana anofanira kunge akasuwa. Hapana anofanira kunge achitambura.

Iwe unofanira kunzwisisa kufarirwa kwatinoitwa naMwari. Izvozvo zvinozoita kuti pasava nechaunotya. Zvinozoita kuti usarwara. Kana kuva nezvinhu zvaSatani muhupenyu hwako. Kana zverima. Ivo Ishe Jesu vakatotaridza izvi. Tinozvivona pane zvavakamboita. Tinoverenga nhoroondo yezvinhu izvi muna Matiyo. Matiyo 9 ndima 35 yacho inoti, Zvino Jesu vakapota namaguta ose. Nemisha yose. Vachidzidzisa. Vachipinda mudzimba dzavo dzekunamatira. Vachivadzidzisa Shoko raMwari. Vakaparidzavo ruponeso rwovushe. Vakaporesavo hurwere hwose. Nehosha dzose dzaiva nevanhu. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba. Iyemi munofarira vanhu vose. Ndinokutendai. Munondifarira zvikuru. Vanhu havagoni kunzwisisa kufarira kwakadai. Zvinofadza kuziva kuti ndakakukosherai. Ndinorarama semunhu anoziva kuti anofarirwa naMwari. Nyika inovona rudo rwenyu pandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaEfeso 3 ndima 17 kusvika 19
1 Johane 4 ndima 9 kusvika 10

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church