English Manyika Ndau Shona 


Kunzwisisa Rudo Rwawo

Chipiri, 23 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

" kuyita kuti nyika iziwe kuti mudondituma, ngekuti mudowada,tsekuda uko mudondiyitawo inene." (Johane 17 ndima 22 kusvika 23).

Mwari wangokuda tsekuda kwawangoyita Jeso. Izvi zvati zvajeka yere kumwiya wako? Pazvingojeka, zvingotsandura zvetse zvehupenyu hwako. Makore adowanda adarika,pandidoziwa ndima iyi,ndidodayidzira,ndidorira,ndidodza ngekuridza mhere ngemufaro!

Rudo rwaMwari kwatiri harutsanangurikiba kana kunzwisisika ngenzero dzemunhu. Bhayibheri muna WaRoma 5 ndima 8, Asi Mwari wadopangidza rudo kwatiri, pakuti patidonga tishari wanyangadzi,Kristo adotipfira. Johane 3 ndima 16 ingoti, Ngekuti Mwari wadoda nyika maningi, wadopa Murumbwana wawo umwe basi wawadonga wabara, kuti wani nawani ungotenda maari haafaniri kupararaba, asi awe ngehupenyu husingaperiba."

Kukosha kwako kuna Mwari ndiwo mutengo wawadobhadhara kuti uwone ruponiso,weropa raJeso Kristo: Tsezvo mungoziwa kuti hamuna kudzikinurwa ngezviro zvingoworaba,tsesirivha kana ndarama.....Asi ngeropa ridokosha raKristo, tsere hwayana isina shayingopomherwaba kana magwamba magwamba."Tingowerenga izvi muna 1 Pita 1 ndima 18 kusvika 19.

Izvi zvingofanira kukubatsira kunyatsa kutenda kukura ngekusaguma kwerudo rwawo. Muna WaEfeso 3 ndima 17 kusvika 18, Mwiya Mutsvene, kuburikidza ndiPauro,wadonamata kuti ifefe,tidodzika midzi murudo,tikwanise kunzwisisa makuriro erudo rwaBaba urwo rusinganzwisisikiba. Tikayendazve pana WaRoma 8 ndima 32 Pauro adobvunza mubvunzo ungobata pfungwa apo ayiringa kukura kwerudo rwaMwari kwatiri. Adobvunza ayiti, Uyo usina kuramba ngeMurumbwana washeba,asi udomupira ngekuda kwasu tetse, ushambunda ngenyi, naye kutipawo zviro zvetse mahara? Apa parunzi,ngenyi una munhu ayikonzwa, kuneta, murombo, ayipemha,ayishaya mare,kushushikana kana kurarama hupenyu hwepatsi patsi, ngemadiro angotiyita Baba?

Kunzwisisa rudo rwaBaba wasu wekudenga kungobvisa kusha muhupenyu hwako,hosha ngezvetse zvine shekuyita naSatani ngedima. Matawurire aMatewu muna Matewu 9 ndima 35, ezvidoyitwa kupangidza rudo rwashe kuwanhu kungotsigira izvi. Adoti, "Zvino Jeso adopota ngemaguta ngemumisha,ayifundisa muma sinagogu, ngekuparidza vhangeri rehumambo ngekuporesa wakonzwi ngehosha dzetse pakati pewanhu. Hareruya!

Munamato

Baba wane rudo rusingaperiba, ndingokutendani ngerudo rwanu rusingatsanangurikiba kana kupimika urwo mudozaza pandiri. Zvingofadza maningi kuziwa kuti ndidokosha maningi kwamuri. Ndingofamba mukuziwa rudo rwanu rusingambundiba nyamusi,ndiyiburitsa ngekupenyesa rudo rwanu kunyika yangu. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
VaEfeso 3 ndima 17 kusvika 19
1 Johane 4 ndima 9 kusvika 10

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church