English Manyika Ndau Shona 

Uri Mupenyu Muna Kristo Jeso

Mugovera, 4 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Kana mudomutswa pamwepo naKristo, tsvakani zviro zvekudzawuru, iyo Kristo adokara kuruhi rwaMwari. Farirani zviro zvekudenga, hayikona zvepanyikaba. Ngekuti mudopfa, hupenyu hwanu hudokotswa muna Kristo muna Mwari.? (WaKorose 3 ndima 1 kusvika 3)

Ndirutondera ndiyiwerenga mabhuku adoti kuti makore adowanda adarika ayo. Mabhuku aya ayitawura ngezvekuti tayifanira kutanga tapfa kunyama kuti tikwanise kufadza Mwari. Izvi zvidobata nzero dzangu tsemuKristo munyayi ayida kusenzera Mwari ngehupenyu hwashe. Ndayizvambarara pamubhedha wangu kwatunamata ndiyiti, "Tenzi ndingoda kupfa kunyama, kuti ndikwanise kukufadzani.? Ndidonamata zvidoshare dzamara ndazowerenga WaKorose weshitatu.

Apa, ndidonga ndafunda kugashira Soko raMwari tsekashiya. Saka ndidowerenga ndima mbiri dzekuwamba dzacho idzo dzidonditawurira kuti ndiyise rudo rwangu kuzviro zvekudenga hayikona zvepanyikaba. Ndidonga ndagadzirira ngekuzvipira kuyita izvezvo. Handina kunga ndirutasira zvidowuya mundima ingoteyera yacho yeshitatu iyo ingoti,Ngekuti mudopfa...?.?

Izvi zvidotsandura hupenyu hwangu! Ndidobva ndazowerengawo WaGaratiya 5 ndima 24 ingoti Asi awo wari waKristo wadonerera nyama pamwepo ngekuda ngekuchiwa kwayo." Ndidobva ndawamba kufamba ndidoswatuka tsemunhu aruziwa zvaari ngekuda kweruziwo urwu. Ndidoyenda kushamwari dzangu ndiyiti,"Femberani zvandatuziwa?Hatishafaniri kupfa kunyamaba ngekuti tidotopfa kara, nyama idonererwa pamuchinjiko;zvino tatine hupenyu hutsva muna Kristo Jeso.? Hareruya!

WaRoma 6 ndima 11 ingobva yapendera zvetse izvi. Ingoti, Saka nemwewo, zviyiteni kuti diko mudopfa kurutadzo,asi muri wapenyu kuna Mwari kuburikidza ndiJeso Kristo Tenzi wasu.? Tidopfa kurutadzo asi tiri wapenyu kuna Mwari! Zvirutawura kuti ungokwanisa kusenzera Tenzi urufara ngehushingi hwetse, uyirarama hupenyu hungomufadza.

Pupura Uyiti:

Ndidokara pamwepo naKristo munzvimbo yesimba ngekutonga. Ndingorarama ndiyitonga ngekukurira munzvimbo dzehupenyu kuburikidza ndiJeso Kristo,ndiyikara ngekuwona zviro ndiri pamutsoro. Hupenyu hwangu hungonakidza,ngehwepamutsoro hune minana ngekuti ndirufamba muMwiya. Rudo rwangu ruri pana Kristo ngezviro zvidonaka zvehupenyu hwehuMambo husingaperiba. Mwari ngawakudzwe!

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
VaEfeso 2 ndima 1
Vagaratiya 2 ndima 20
Vakorose 3 ndima 1 kusvika 4

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church