English Manyika Ndau Shona 

Ngapasava NeChaunotya

China, 2 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

'Nokuti chinhu chinozvarwa naMwari. Chose zvacho. Chinokunda nyika ino. Uye ruvimbo rwedu muna Mwari ndiro simba rinokunda nyika ino' (1 Johane 5 ndima 4).

Munyika mazara mashoko ekuvhundusira vanhu. Saka kune vava kugara vachitya. Vanotya vacho ndevaya vasina kudzika midzi yavo muShoko raMwari. Asi kuda iwe uri Mukristu. Ugere pamwe chete naMuponesi. Paugere pacho ndipo panogara Vamwari. Vanhu vanogara apa vanotonga zvinhu zvenyika ino. Izvi zvinoreva kuti wakaita semunhu ari pamusoro pegomo.

Saka ungasangana nezvinhu. Zvinhu izvi zvingava zvinotsvaka kukushaisa mufaro. Zvingava zvinotsvaka kukukanganisa. Usavhunduka zvinhu izvi. Kuda ungaudzwa kuti une chirwere chawabata. Chirwere chacho chingava chakashata zvikuru. Usatya hako. Chirwere ichi hachigoni kukuuraya. Jesu vane mashoko avakataura. Tinoaverenga muna Ruka 10 ndima 19. Inoti, 'Asi ndakupai simba. Rekufamba nepamusoro penyoka. Nepamusoro pezvinyavada. Nepamusoro pemasimba ose emuvengi. Hapana chinhu chichagona kukukuvadzai. Kunyangwe chikaidza'.

Iwe wava munhu werudzi rweVamwari. Rarama semunhu anoziva izvi. Wava weropa reVamwari. Saka hauchararami neropa revanhu venyika ino. Wava kuraramiswa naMweya vaMwari. Mweya ava vanogara mauri. Izvi ndizvo zvatinovona muna Varoma 8 ndima 11. Inoti, 'Uye kana Mweya waiyeyu akamutsa Jesu kubva kuvakafa. Achigara mukati menyu. Iye wakamutsa Jesu kuvakafa. Achashandisa Mweya Mutsvene ava. Vari mamuri. Kuraramisa miviri yenyu iyi. Yanga ichifanira kufa'. Ndima iyi iri kutaura zvawava chaizvo. Haisi kutaura zvauchazova rimwe zuva. Mweya Mutsvene vava kugara mauri. Ndivo vava kuraramisa muviri wako wenyama.

Kuda wakatobatwa chirwere. Ukatonzi chirwere chacho hachirapiki. Usatya hako. Ramba uchitaura Shoko raMwari. Ritaure kusvika ropa reVamwari rava kutonga munyama yako. Taura semunhu anovimba naMwari. Utaure uchiti, 'Pana Mweya vanogara mandiri. Mweya ava ndivo vaya vakamutsa Jesu kuvakafa. Mweya ava vanoraramisa muviri wangu wenyama. Saka ndava mutano. Ndava mutano saMwari'.

Mira wakasimba. Uchivimba naMwari. Uchitaura zvakataurwa naMwari. Zvitaure kunyangwe uri kurwadziwa. Zvitaure kunyangwe zvinhu zvisina kukumirira zvakanaka. Mwari vane mashoko avakatotaura. Tinoawana muShoko ravo. Vakati iwe wakatokunda kare. Vakati une masimba anodarika aSatani. Vakati une masimba anodarika emweya yerima. Saka ibva wataura ikozvino. Taura kuti unogara uchikunda. Shoko raMwari ndiro rinokubatsira kukunda. Uye Mweya Mutsvene vanokubatsiravo kukunda kudai. Saka unokurira zvirwere. Unokurira matenda. Unokurira rufu. Hareruya!

Pupura Uchiti
Hupenyu hwangu ndehweVamwari. Hunoyevedza. Hapana chinofa muhupenyu hwangu. Ndinobudirira pane zvose zvandinoita. Ndinogara ndichikunda. Ndinogara ndiri mutano. Ndava munhu weropa reVamwari. Saka ndinogara ndichikurira zvinhu zvenyika ino. Izvo zviya zvinotsvaka kuparadza vanhu. Ndinorarama neShoko raMwari. Ndinoraramavo naMweya Mutsvene. Saka ndinokurira zvirwere. Ndinokurira matenda. Ndinokurira hutera hwose. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Johane 4 ndima 4
VaRoma 8 ndima 35 kusvika 37
VaRoma 8 ndima 10 kusvika 11 NIV

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church