English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Wakashanduka Rudzi
China, 9 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Saka kana munhu ava muna Muponesi. Yava imwevo mhuka. Itsva. Zvaakanga ari kare hazvichisipo. Tarisa uvone. Zvavapo zvose zvava zvitsva (2 Vakorinde 5 ndima 17).
Ishe Jesu vakabhadharira zvivi zvenyika yose. Asi vakabhadharirwa vacho vatadzi. Vatsvene havana kubhadharirwa. Iyi imhaka yekuti Vatsvene havaverengerwi kuvatadzi. Vatsvene vanotova imwevo mhando yevanhu. Havasi vanhu venyika ino. Ivo Vamwari. Vakaunzwa naMuponesi Jesu panyika pano. Vakaunzwa paya pakafa Jesu. Vakazovigwa. Vakazomuka kuvakafa.
Iwe wakagamuchira Muponesi Jesu. Wakabva wabvuma kutongwa navo. Ipapo ndipo pawakabva wasikwa patsva. Ukazvarwa kechipiri. Ukauya washanduka rudzi. Wava weropa idzva. Izvi ndizvo zvatinovona muna Varoma yetanhatu ndima yechina. Inoti, Kureva kuti patakanyikwa kudai. Takafutsirwa pamwe chete navo. Kuti tigorarama hupenyu hutsva. Sezvo Muponesi vakamutswa kuvakafa. Vachimutswa nesimba raBaba. Saka isu takashandurwa rudzi. Tava Vamwari. Iwe wava chisikwa chitsva. Uri mhando itsva yevanhu. Iyo mhando iya yakauya pakamuka Jesu kuvakafa.
Saka wava munhu akachenurwa. Kureva kuti wakawanikwa usina mhosva yawakapara. Munhu akanga atadza wacho akafa. Akafa pamwe chete naMuponesi. Ipo paya pavakaroverwa paMuchinjikwa. Jesu ava vakazomuka kuvakafa. Iwe wakabva wamukavo navo. Wakamuka ipapo washanduka rudzi. Wava mhando itsva yemunhu. Wasikwa patsva. Wakanga wava munhu akarurama. Ari mutsvene saMwari.
Varoma yechina ndima yemakumi maviri neshanu inoti, Iye akavurawa. Achivurairwa kudarika kwedu. Akazomutswa kuvakafa. Kuti tiwanikwe tisina mhosva yatakapara. Mwari ngavakudzwe saMwari. Iwe wava chipuka chitsva. Ndiko kusaka usisina mhosva yaungapomerwa. Ndiko kusaka tichiparidza shoko reRuponeso. Tinoriparidza nekukasira. Tinoda kuti vanhu vapinde muna Muponesi. Vave zvipuka zvitsva. Tinoda kuti vazive kuti vanogona kuva muna Muponesi. Vachizova vanhu vakachenurwa. Vachiva vanhu vasina nhoroondo yehupenyu hwekare. Vanenge vava mhando itsva yevanhu.
Jemusi yekutanga ndima yegumi nesere inoti, Ndivo vakasarudza voga kutizvara. Vachishandisa Shoko ravo rechokwadi. Vachitsvaka kuti tive zvibereko zvavo. Zvekutanga. Zvavanokoshesa kudarika zvimwe zvisikwa zvavo zvose. Mundima iyi mune mashoko anoti, Vachitsvaka kuti tive zvibereko zvavo. Zvekutanga. Zvavanokoshesa kudarika zvimwe zvisikwa zvavo zvose. Iwe wasiyana nevanhu venyika ino. Wava mhando itsva yevanhu. Inova mhando yerudzi rwaMwari. Saka wava Mumwari. Wava kuera. Warurama. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ini ndava muna Muponesi. Saka ndakashanduka rudzi. Ndava weropa raMuponesi. Ndava chipuka chitsva. Ndakaruramiswa. Mwari vava kundivona semunhu mupenyu. Zvekare zvose handichisina. Zvinhu zvangu zvose zvava zvitsva. Ndinorarama semunhu anoziva kuti ndava Mumwari. Mwari vava kuvonekwa pandiri. Kururama kwaMwari kwava kuvonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 4 ndima 23 kusvika 25
Mabasa 13 ndima 38 kusvika 39
1 Pita 1 ndima 23
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church