English Shona 

Tisu Takatakura Tsitsi DzaMwari

Chipiri, 2 Gunyana 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Marudzi ose enyika achazikanwa nezita remwana wako. Marudzi aya achawana maropafadzo mumwana uyu (Mabasa 3 ndima 25).

Mwari ndivo vakadana Abhurahama. Vakabva vamuropafadza. Asi maropafadzo acho akanga asiri ake oga. Akanga ari evanhu vose. Vangava vaivapo panguva iyoyo. Kana vakanga vachazouya. Ndiko kusaka Jehovha vakataura vachiti, Marudzi ose enyika achazikanwa nezita remwana wako. Marudzi aya achawana maropafadzo mumwana uyu. Izvi ndizvo zvataverenga mundima yatavhura nayo.

Pita ane mashoko aakatauravo. Apa akanga ari kufemerwa naMweya Mutsvene. Akanga ari kutaura kuVajudha. Tinoverenga mashoko acho muna Mabasa yetatu ndima yemakumi maviri neshanu. Inoti, Zvino, imi muri vanakomana vevavoni ava. Muri vana vesungano. Vajudha ava vakanga vari vasanangurwa vaMwari. Izvi ndizvo zvavakanga vari kurangaridzwa naPita. Abhurahama akanga aita hake sungano naMwari. Asi Vajudha ava ndivo vaifanira kuzobatsirwa nesungano iyi. Zvino sungano iyi yava kubatsiravo vanhu vasiri Vajudha. Vanobatsirwa nayo ndevaya vanenge vagona kuvimba naMuponesi Jesu. Vachibva vauya kuna Mwari. Muponesi ndivo vakaita kuti izvi zviitike.

Asi sungano iyi haingotiwanisi zvinhu chete. Inotishanduravo rudzi. Izvi ndizvo zvakaziviswa Abhurahama. Akazviziviswa naMwari. Tinoverenga mashoko avo muna Genesi yegumi nembiri ndima yepiri. Inoti, Ndigokuropafadza. Nekuita kuti zita rako rive guru. Ugova chiropafadzo. Izvi zvinoreva kuti isu tava midziyo yaMwari. Tiri midziyo yavanoshandisa kuropafadza vanhu. Iwe wava chiropafadzo kumhuri yako. Wava chiropafadzo kuguta rako. Kunyika yako. Nekuvanhu vose vaunosangana navo. Ndiwe wakabatiswa tsitsi dzaMwari.

Genesi yegumi nembiri ndima yechipiri iyo ine shoko rainoshandisa. Shoko iri ndereChihebheru. Shoko racho nderinoti, Hesed. Rinotaura pamusoro petsitsi. Asi tsitsi dzacho hadzisi dzevanhu. Itsitsi dzaMwari. Itsitsi dzinomanikidza Mwari kutifarira. Asi tsitsi idzi dzinogona kuvonekwavo pauri iwe. Dzinovonekwa paunenge uri kuitira vamwe tsitsi. Uchikasira kuvaregerera. Uchivafarira. Uchitaura mashoko anoropafadza vanhu. Nekuita zvinhu zvinoropadza vanhu. Unenge uri kutaridza kuti uri werudzi rwaMwari kana uchidai.

Ndiwe wakabatiswa nyasha dzaMwari. Saka ungasvika panzvimbo. Mwari vanenge vatosvikavo panzvimbo iyi. Ndiwe unoshandiswa naMwari kusvitsa maropafadzo kuvanhu. Hupenyu hwevanhu vacho hunobva hwagadziriswa. Vamwe vachisimudzirwa. Vachizokudza zita raMwari. Chiropafadzo chaAbhurahama yakanga iri sungano. Isungano yaifumisa vanhu. Yaivaita kuti vabudirire pane zvose zvavanoita. Ichiita kuti vatonge zvinhu zvenyika ino. Ichiita kuti vafarirwe naMwari. Chiropafadzo ichi ndicho chava kushanda mauri nhasi. Chinokusimudzira. Chichikufumisa. Pamwe nekukukundisa zvose zvaunosangana nazvo. Mwari ngavakudzwe saMwari.

Pupura Uchiti
Ndiri mwana waAbhurahama. Ndini ndakabatiswa tsitsi dzaMwari. Idzo tsitsi dziya dzinovamanikidza kufarira vanhu. Ndakaropafadzwa. Saka ndava kuropafadzavo vamwe. Vanhu vanotora nyasha dzaMwari pandiri. Vanotora fuma yaMwari pandiri. Saka ndinosimudzira vanhu. Ndinogadzirisa zvinhu. Ndichiita kuti Mwari vakudzwe. Ndiripo kutaridza vanhu kuti Mwari vanovafarira. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Genesi 22 ndima 15 kusvika 18
Vagaratiya 3 ndima 16
VaGaratia 3:29
1 Petro 3:9

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/cpEYC48vkMCJlDJHOf8s45vaH?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/9qnXC58wlNC06X0COhXskuLB9?domain=bit.ly