English Manyika Shona 


Takashinga. Uye Tinopinda Pose

China, 25 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Chinova chinhu chavakagara varonga. Kuti chizoitika muna Muponesi Jesu. Ishe wedu. Munova matinowana kushinga. Nenzira yekupinda nayo. Takashinga. Tiine ruvimbo mavari (Vaefeso 3 ndima 11 kusvika 12).

Mamwe maBhaibheri anoresva kunyora ndima iyi. Anoita sekuti takashinga kupinda pana Mwari. Izvi hazvisi izvo. Isu tiri muna Muponesi Jesu. Kureva kuti tinotova pana Mwari. Mweya Mutsvene ndivo vakatipinza panzvimbo iyi. Saka Pauro akanga ari kurevei mundima iyi?

Anoreva kuti takashinga kutaura zvatinoda. Nyika haidi kuti titaure zvatinoda. Asi Muponesi Jesu vanotitendera.

Tinotaura zvatinoda kuna Mwari Baba. Tinotaura zvatinoda ngirozi dzichinzwa. Tinotaura zvatinoda mweya yakaipa ichinzwa. Tinotauravo zvatinoda kuti zviitike.

Zvekare, tinogona kupinda pose patada. Hapana nyika ingakuvharira kunze. Unogona kupinda munyika yose yawada. Unogonavo kutora fuma yose yaungada. Rimwe Bhaibheri rinotipa ndima yegumi nembiri yacho richiti, Isu tingavimba navo. Tinobva tasungunuka kutaura zvose zvinofanira kutaurwa. Tichishinga kuenda kose kwatinofanira kuenda (MSG).

Bhaibheri iri rinobudisa ndima iyi zvakanaka haro. Asi harinatsi kutsanangura kupinda kwatinoita uku. Hatingopindi munzvimbo dzenyika ino chete. Tinopindavo munzvimbo dziri mumweya. Tinopindavo munzvimbo dzine mazano aMwari weMasimbaose. Zvekare, tinogona kutora fuma yaMuponesi. Iyo fuma iya isingaperi. Isingaverengeki.

Fuma yaunogona kutora yakawanda chose. Haiperi. Iri muna Muponesi. Iwe unganzwisisa izvi. Kupa hakuzombokunetsi. Unozopa wakafara. Uchipavhurira. Uine shungu dzekuti Ruponeso rusvike pasi rose. Unenge wava kuziva kuti fuma yako inobva mudura raMwari. Iro dura riya risingaperi. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ini ndinovimba naMuponesi Jesu. Saka ndakashinga kutaura zvandinoda. Uye hapana pandisingagoni kupinda. Muna Muponesi umu ndimo mune fuma yangu. Mwari vakagara varonga hupenyu hwangu. Ndinokurira zvinhu zvenyika ino. Ndinogona kuwana mazano enyu. Pamwe nefuma iri muna Muponesi. Iyo fuma iya isingaperi. Muzita raJesu. Hareruya!

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vahebheru 4 ndima 16
1 VaKorinte 3 ndima 21 kusvika 22
VaEfeso 3 ndima 11 kusvika 12 AMPC
Varoma 8 ndima 16 kusvika 17

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church