English Manyika Ndau Shona 


Kukura Muyidi

China, 18 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Saka ndingorayira, kuti, kutanga kwezvetse, rukumbiro, minamato ngekutenda ,zviyitirwe wanhu wetse; Madzimambo,ngewetse wari pakutonga,kuti tikare ngekurarama murugare ngemurunyararo,muhuMwari hwetse ngekutendeka. Ngekuti ndizvo zvidonaka, zvingodiwa mumadziso aMwari Muponisi wasu. Uyo angoda kuti wanhu wetse waponeswe,ngekuti wasvike pakuziwa idi. (1 Timoti 2 ndima 1 kusvika 4).

Inzwi rekuti kuziwa mushiGiriki ngeringoti epignosis. Ringotawura ruziwo rudokwana, chayirwo chayirwo. Mwari wangoda kuti wanhu wetse waponeswe, wasvike pakuwa ngeruziwo chayiwo, rudozara rwediko. Dayi izvi zvanga zvisingayitikiba ,wangodayi wasidombotawura kusharoba. Ndizvo wangotsuwira izvezvo.

Ndiyo ndawa wadoyisa washumiri ngemapoka awo tsezvipo kuchechi: Zvino wadopa wena kuti wawe wapostori,wena waporofita, wena wavhangeri, wena wafudzi ngewafundisi. Kuyitira kunatswa kwewatsvene, kuti basa rekushumira ngekuwaka mwiri waKristo. Dakara tetse tasvika pahumwe hwerutendo, ngeruziwo rweMurumbwana waMwari kumunhu adonaka,pashipimo shekuzara kwaKristo."

Mwari wangoda kuti uwakwe ngekusimbiswa muSoko kusvika wasvika pamhimo yepamutsoro yerutendo ngeruziwo rweMurumbwana waMwariwakura ngekusimba muna Tenzi. Pawungonga urukura muna Kristo ngemuzviro zveMwiya, pawungonga urukura muruziwo rwudodzama rweSoko, ungonga watukwanisa kutiwisa mhirizhonga dzehupenyu uyirarama pamutsoro pezvinetswa zvepanyika.

Kana une ruziwo chayirwo rwediko-diko pamutsoro paKristo ngezvaadokuyitira,ngemawuri- hupenyu hwako hungowa hudotsetsenuka zvisingaperiba ngerugare,rufaro ngekukunda basi basi. Tsvaka kuziwa idi.

Tsezvingotawura Mapisarema 87 ndima 3 ingoti, Zviro zvidonakitsa zvingotawurwa pamutsoro pako, Iwewe guta raMwari. Muna Mapisarema 50 ndima 2 Bhayibheri ringobva ratizve, Kubva muZiyoni, iro ridonakitsisa, Mwari wadopenya. Hareruya! Mwari wangopenya kuburikidza ndiwe,hayikona gomararaba,hosha yeshuka, itsvo,nhamo kana zvidonyangara zvenyika. Uri kunaka kwerunako.

Ukamira pamberi pegirazi, zviringe uti ," Ndingoziwa kuti ndiri wani; Ari mandiri mhukuru kudarika uyo ari munyika. Hupenyu hwangu ngehwekukudzwa kwaMwari ngekuti Kristo angokara mandiri. Gwinyiswa mudiko iri. Hareruya!

Munamato

Baba wandingoda, ndingokutendani ngekundipa ruziwo chayirwo reSoko ranu, pasina kufungidziraba, kusagutsikana ngekusawa shuwaba. Ndingosenza ngeMwiya wehungwaru ngeruziwo muzviro zvangu zvetse,ndiyibara zvibarwa muzviro zvetse zvidonaka. Kristo kubwinya kwehupenyu hwangu,ngenyasha dzashe ndingokunda ngekubudirira nguwa dzetse. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
2 Petro 1 ndima 2 kusvika 4
Firimoni 1 ndima 6
VaKorose 1 ndima 9 kusvika 10

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church