English Manyika Ndau Shona 


Ramba Uyibara Zvibarwa

Chishanu, 19 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Hamuna kunditsarudzaba. Ndidokutsarudzani inene ndiyibva ndakutumani kuti mubare zvibarwa, mhando yezvibarwa zvingokara. Baba wangu washakupani chero shamushakumbira muZita rangu. (Johane 15 ndima 16 CEV).

Zvingofadza maningi kuziwa kuti Tenzi Jeso wadokutsarudza ngekukugadza kuti ubare zvibarwa zvingokara:zvisingaperi ngenguwaba! Shiro shetse shawungoyita shingotarisirwa kubudirira "shiyikara".

Bhayibheri ringotibhuyira nyaya yaJosefa uyo adowunzwa mumba maPotifa tsenhapwa. Zvisinenyi hazvoba,ngekuti Mwari wadonga wanaye, zviro zvetse zvaayiyita zvayibudirira. Apo tenzi washe,Potifa, adowona izvi,adobva amuyita mukuru angowona ngezveumba yashe yetse.
Potifa adowona kuti Josefa adonga adokomborerwa kuburitsa zvibarwa zvingokara.

Nyasha dzaMwari dziri pahupenyu hwako kuti dzibuditse kunakitsa muzviro zvetse zvawungoyita. Kara uyiziwa izvi. Shetse shawungofanira kuyita shingofanira kubudirira ngekuti uri mupwere waMwari,udogadzirirwa mabasa adonaka. WaEfeso 2 ndima 10 ingoti, Ngekuti tiri basa remawoko ashe, tidosikwa muna Kristo Jeso kuti tiyite mabasa adonaka, adorongwa kara ndiMwari kuti tifambe maari.

Ramba uyibara zvibarwa. Ramba uyikurira. Ramba uyisenza ngesimba. Petse pawuri ngapawonekwe musiyano. Kubudirira kudonaka kwaJosefa hakuna kuwonekwa paadonga ayitwa mukuruba. Kudowonekwa ashari nhapwa. Adozoyitwa mukuru ngekuda kwemasenzero ashe.

Tingotenda Mwari; Mwiya waMwari ari mawuri angokuyita munhu angotsandura zviro kuti zvinake petse paari. Bhayibheri ringoti muna Mabasa 1 ndima 8 AMPC: Asi mushagashira simba kana Mwiya Mutsvene wawuya pamutsoro panu.

Mapisarema 1 ndima 1 kusvika 3 ingotitsanangurirawo zvidozara pamutsoro pehupenyu hwako hwekubudirira ngekubara muna Kristo. Ingoti, Adokomborerwa uyo munhu asingafambi munzero dzewadonyangara,wasingadi Jehovhaba. Kana kumira munzira ngewatadzi,kana kukara pashigaro shewangotsvinya, wangodada. Asi mufaro washe uri mumurayiro waJehovha.; angofungisitsa ngezvemutemo waJehovha masikati ngehusiku. Ashafanana ngemuti udosimwa paruzi rwemvura,ungobara zvibarwa munguwa yawo; mashizha awo haasvawiba. Shiro shinganyi hasho shaashayita shishabudirira."

Munamato

Baba wandingoda, ndingokutendani ngekukwanisa kuri mandiri kwekuyita zviro ngemazvo. Ndingoburitsa zvibarwa zvingoshamisa zvingokara. Mudondigadzira ngekundigadza muhupenyu hwekuburitsa zvibarwa. Mubasa rangu rekuwunza wanhu kuna Mwari ngezvetse zvehupenyu hwangu, ndingobudirira maningi. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
2 VaKorinte 3 ndima 5 AMPC
Mapisarema 1 ndima 1 kusvika 3 TPT
Johane 15 ndima 16

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church