English Manyika Ndau Shona 


Pfurutsa Mabasa Awo.

Svondo, 28 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Zvino tingotawura hungwaru pakati pewadokwana,hungwaru husiri hwepanyika panapaba,uhwo husina shingombundaba.(1 WaKorinde 2 ndima 6).

Zvidokosha kuti unyatse kuti uziwe Soko ngekuribvumidza kukara mawuri zvidopfuma. Izvi zvidokosha maningi ngekuti tati mumazuwa ekugumisira, wena wanhu ngezvina zvikwata wane hurongwa hwekukonzesa wanhu, kutambudzika kusingatawurikiba,nzara,kuparadzwa ngekupfa munyika. Asi ngeSoko raMwari mumwoyo kana pamuromo pako, ungokwanisa kumisa hurongwa hwawo uhu kuti zvishaye basa.

Ndima yatavhura ndiyo muBhayibheri reAmplified Classic ringoti, "kana tiri pakati pewakura....tingopa hungwaru ngeruziwo rwehurongwa hwaMwari hudonga hudozezwa; asi tsandi nzero dzenguwa kana dzepanyika panapa, kana watongi ngewatungamiriri wenguwa inoyi, wane mugumo usina shiroba, wadotongerwa kuparadzwa."

Hona kuti ngekuda kwekutawura hungwaru, ikoyiko kutawura Soko raMwari,muwengi haagadzikaniba;hurongwa hwashe hungovhiringika huyiwa pasinaba. Mwari hawaruyita izvi warudengaba,Uuba! Zviruyitika kuburikidza ndisu. Tisu demo rashe ngezvombo zvawo zvehondo. Tingowerenga izvi pana Jeremiya 51 ndima 20.

Pakutawura ngezviruyitwa ngewadonyangara, watongi ngewasinganzwisisiba awo wangoda kukarisa wanhu ngenyika dziri muhusungwa,tawura zvingotawura Soko raMwari basi pamutsoro pawo. Soko ringoti hawaruzobudiriraba. Tawura idi pamutsoro pekumbunda kwawo uku.

Tawura kuti mukati mezvirongwa zvawo izvezvo,hawaruzowona pekubatiriraba,hapana kuyenderera mberiba kana kukwanisa kukurira Chechi kana wanhu waMwari. Mukuru wacho angokara matiri. Saka manomano ngehurongwa hwaSatani ngezvina zvashe zvidonyangara hazvibudiririba tsezvo ifefe, Chechi,tirufamba mukukunda. Hareruya!

Inoyi hinguwa yeChechi, Mwari wadopa nguva ino kuwatsvene wawo. Hawana hurumende yawadobvumidza kuti itonge patsi retse panguwa inoyiba. Hapana munhu wawadopa simba rekutonga nyika inoyi panguwa inoyiba. Songano rewatsvene basi ndiro rirutonga. Zvaringotawura ndizvo zvega zvingobata patsi retse. Saka ifefe tine basa. Iri hibasa rekuwona kuti zvingofarirwa ndiMwari zvayitika. Saka tingorayira kuti zvingodiwa ndiMwari zviyitike panyika panapa. Tingotawura kusharezvi patingonamata. Tingozvitawurawo patingonga tirundotawura.

Munamato

Baba wandingoda, kururama kwanu ngerugare rwanu zvirutonga nyika dzepatsi rinori nyamusi. Runako rwanu rungonzwika ngekuwonekwa ngewanhu wetse,ngekuti nyika idozara ngehunaku hwanu. Mabasa etse emuwengi angopfurupfutswa,wane nzero dzidonyangara hadzishayendereri mberiba. Tingotonga kuburikidza ndiKristo panyika petse. Kururama kwanu kungosvimha mwoyo yewanhu. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
2 Vakorinde 10 ndima 4 kusvika 5
Varoma 8 ndima 31 kusvika 37

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church