English Manyika Ndau Shona 

Hupenyu Kuburikidza NgeMwiya Mutsvene

Svondo, 5 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi kana Mwiya weuyo udomutsa Jeso kubva kuwapfi uyikara mamuri, iyeye udomutsa Jeso kubva kuwapfi, ushararamisawo mwiri yanu ingopfa ngeMwiya washe ungokara mamuri."(WaRoma 8 ndima 11).

Hapana munhu angokwanisa kurarama muna Kristo asina Mwiya Mutsveneba. Hazvimbowiba! Pasina Mwiya Mutsveneba, shiKristo shingodayi shindori shina shezvitendero zvidopfa,zvisina hupenyuba. Wadzidzi wadonga watorina Mwiya Mutsvene,Jeso adonga atorina Mwiya Mutsvene. Wetse wechechi yekutanga wadonga watorina Mwiya Mutsvene. Nyamusi ifefewo tingofanira kuwa naMwiya Mutsvene.

Wena wangofunga kuti Mwiya Mutsvene arindori mukati masu kutibatsira kutawura ngendimi basi; izvi tsandizvoba! Angoyita zvidowanda matiri. Angotiyitira ngekuyita zvidowanda kuburikidza ndisu. Tsezvatawerenga mundima yatavhura ndiyo: Mwiya Mutsvene ari mawuri angoraramisa,angomutsiritsa mwiri wako wenyama ungopfa: Angopa hupenyu kumwiri wako. Hutawura kuti mumwiri mako hamufaniri kunga mune rufuba kana pangopfa ngekuti Mwiya Mutsvene,Mwiya wehupenyu angokara mawuri. Hareruya!

Wanhu wadowanda wangoyita ndima yatavhura ndiyo yekuyimba ngekuyisenzesa maningi mumharidzo dzawo asi hawana kumbobvira wadayira ngekuyita zvayingotawuraba. Soko raMwari ringoda kuti udayire ngekuyita zvaringotawura. Funga ngezvayo futi: Mwiya Mutsvene ari mawuri angopa hupenyu kumwiri wako wenyama ungopfa. Apa ungofanira kudayira uyiti: "mwiri wangu ungogwinyiswa ngehupenyu hwaMwari. Ndingorarama muhutano hudokwana muna Kristo Jeso. Ameni".

Mwari wangoda kuti uwe ngehushingi usingamboshi rufuba. Ita tsaPauro,uyo asina kumbopatikaba paadokoborwa ngenyoka ine huturu husingayitiba, hungowuraya. Wanhu wadonga waripo wadonga wamirira kuti washamuwona agwa ayibva apfa, asi iye adondomizira nyoka iyi mumwoto. Ayiziwa kuti hakuna shiro shingokwanisa kukwadza kana kuwuraya uyo ana Mwiya Mutsvene maariba.

Zvino kana udobarwa patsva,wawunzwa kubva kumunhu angoparara kuwuya kuhupenyu husingaperiba. Kutawura kuti hawushaparadzikiba,hawushaworiba,hawushaperiba,hawushana shawungombundaba,hawushakurirwiba kana kupfa! Ndizvo ungofanira kukara uyiziwa izvi. Kuziwa hupenyu kuburikidza ndiMwiya Mutsvene tsekutawura kungoyita Bhayibheri kuti kana Kristo ari mukati mako, kana dayi mwiri wako udopfa ngekuda kwerutadzo,Mwiya Mutsvene ungowupa hupenyu ngekuda kwekururama. Tingotawurirwa zvidoshare pana WaRoma 8 ndima 10. Kara uyiziwa ngezvehupenyu husingaperiba uhu.

Namata Uyiti

Baba wandingoda, ndingokutendani ngehupenyu hwekukunda hwamudondipa. Mandiwunza kubva kurufu kuwuya muhupenyu bvamandiyita kuti nditsaparadzikeba,nditsaworeba kana kupera. Handishabatwi ngerufuba kana zvingoparadza zvenyika inoyi. Ndine huMwari mandiri,hupenyu husingaperiba hwatusenza mandiri. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
VaRoma 8 ndima 10 kusvika 11 ESV
Johane 1 ndima 12 kusvika 13
2 Timoti 1 ndima 9 kusvika 10

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church