English Manyika Ndau Shona 

Kukura NgeSoko RaMwari

Muvhuro, 6 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

'Tsetushiya tusharubva kubarwa,farirani mukaka weSoko, kuti muwone kukura.' (1 Pita 2 ndima 2).

Muna Kristo tine zviro zvetse. 2 Pita 1 ndima 3 ingoti Ngekuda kwesimba rashe rehuMwari adotipa zviro zvetse zvine shekuyita ngehupenyu ngehuMwari, kuburikidza ngekuziwa iye adotidayidza kukubwinya ngekunaka.? Simba rashe rehuMwari ridotipa zviro zvetse zvatingoda zvehupenyu ngehuMwari, asi ungokwanisa basi kuwana izvi kuburikidza ngeruziwo rwako rwaTenzi.

Pandingonga tirukura muna Tenzi tiyiwedzera kuziwa ngezvehuMambo hwashe,uhwo tiri wemo,tingofanira kusenzesa zvetse zvaadotipa. Zvidofanana ngekukudza wapwere. Kana dayi hawo wapwere awa wari wahi wenhaka wezvinganyi hazvo zvewabereki wawo,hawakwanisi kupiwa zvina zvezviro izvi dakara wasvika pamakore angodiwa kana kuti pazera rekunzi wakura,watuziwa. Ndizvowo ngevhangeri.

Bhayibheri ringoti muna WaGaratiya 4 ndima 1, Zvino ndingoti, kana mukari wenhaka asharindori mupwere,haana kusiyana ngemusenziba,kana dayi ari hashe ariye tenzi wezvetse." Mukari wenhaka mhunhu,pamutemo,angofanira kugashira hupfumi, nyembe kana zita. Angokwanisa kuwa mukari wenhaka pashigaro kana kuti hupfumi; asi kana asharindori munyayi,haana kusiyana ngemusenziba. Ngenyi izvi zvidokosha?

Soko rekuti "mupwere" ringoturukirwa kubva kune reshiGiriki ringoti Nepios?. Ringotawura munhu ashari munyayi mupfungwa, asingakwanisi kutawura zvine hungwaru. Saka muKristo ashari mupwere (nepios), haakwanisi kunakirwa ndizvoba ngekuti haakwanisi "kutawura zvidonakaba"

Makomborero angomutswa ngemasoko ako'zvawungopupura iwewe zvingofanira kubva muSoko raMwari hayikona kubva mune zvingofungwa ngenzero dzakoba. Asi munhu ashari munyayi pamwiya nepios? angondotawura zvingobva munzero dzashe. Mumasoko ashe,zvingotowoneka kuti haana kufundiswaba. Ndiyo ndawa Bhayibheri riyiti muna WaGaratiya 4 ndima 2,angofanira kuyiswa patsi pewangofundisa ngemakurukota,kuti afundiswe dakara akura pakuziwa.

Ndisho shina shendawa yekuti umwe ngewumwe wasu angofanira kukura ngeSoko. Ina nzira yekusharo huwa munhu ane shaangoyitawo mumba yaMwari umo Soko raMwari ringofundiswa, iwewe uyifundiswawo ngeSoko kuti rikubatsire kukura ngekutawura zvidonaka.

Namata Uyiti

Baba wekudenga wandingoda, ndingokutendani ngezvetse zvamudondipa muna Kristo ngekundipa mudoyita Soko ranu kuti ndirarame ndiro. Pandingofunda ngeSoko ranu, nyasha dzidowanda dzingowuya kwandiri ndiyibva ndasumukira zvingoshamisa. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
VaGaratia 4 ndima 1 kusvika 2
2 Petro 3 ndima 18
Vahebheru 5 ndima 12 kusvika 14

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church