English Manyika Ndau Shona 


Kunamata Mumwiya Kungoyita Kuti Upenye

China, 9 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ramba madziso ako ari pana Tenzi! Ungopenya fanika zuwa,hawuzomboringi patsi ngenyadziba.? (Mapisarema 34 ndima 5 CEV).

Udombobuda panze husiku uyiringa nyeredzi mudenga yere? Shiro shidonakitsa maningi kuwona. Asi ungoziwa yere kuti muMwiya, kana ukaringa patsi panyika, mawonero amweyo ungoyita nyeredzi mudenga ndiwo mawonero ungoyitawo nyeredzi dzeshiyedza munyika? Musiyano ngewekuti nyeredzi dzawungowona muMwiya idzi tisu-wapwere waMwari.

Bhayibheri ringoti muna WaFiripi 2 ndima 15, Kuti mutsawe ngeshamungopomherwaba, musingashiba, warumbwana waMwari, wasina kutukwaba,mukati menyika idodzvongama ngekushayishwa, umo mungopenya tsezviyedza zviri munyika.? Tiri hasu nyeredzi tetse kusharo, asi tingopenya zvidosiyana. Wena wasu wangopenyetsa maningi,wenawo hawanyanyi kupenya kusharowoba.

Muna Ruka 9 ndima 29, Bhayibheri ringoti pamutsoro paJeso, Zvino paadonga arunamata, makariro ehope yashe adotsanduka ngehembe dzashe dzidochenetsa dziyiwayima." Pane shiro shiripo pakunamata shingoyita kuti mwiya wako upenye. Wena wangombunda kuwona kupenya kungonga kuri panewe wetse,madziso awo angonga asidovhurwaba kuti azviwone pahope pako, asi pawungonga urunamata munwiya,ungonga uruyita uyitsandurwa kubva pakupenya kuyenda pane kuna kupenya. Ndiyo ndawa tiyinyanya kutawura ngekukurudzira kunamata ngedzina ndimi.

Kana uyinamata ngendimi nguwa ngenguwa, kupenya kwaMwari kungowonekwa muhupenyu hwako ngekuzviwandudza ungonga uruyita uyitenha simba raMwari riri umo uri. Tenzi Jeso wadoti muna Matewu 5 ndima 16, Shiyedza shanu ngashipenyetse....." Izvi zvirutawura kuti ndiwe mbune ungoyita kuti shiyedza shako shiwedzere kupenya. Kunamata kwawungoyita mumwiya kadowanda, ndiko kugwinyawo kweshiyedza shako. Ndizvo zvingoyita kuti ukwanise kuyita basa raMwari zvidonaka ngekukuchengeta uri mutano ngekugwinya. Hareruya!

Namata Uyiti

Baba wandingoda, ndingokutendani ngeshipo shaMwiya Mutsvene ngekundipa mudoyita kukwanisa kunamata ngedzina ndimi. Pandirunamata ngedzina ndimi nyamusi, ndingovheneka petse petse, ndiyipenya maningi ngekuburitsa kunaka kwanu, tsitsi ngenyasha kunyika yangu. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Varoma 12 ndima 11 AMP
Ruka 9 ndima 28 kusvika 29 AMPC
Mateo 17 ndima 1 kusvika 3

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church