English Manyika Shona 


Simba ReKuporesa

Chipiri, 16 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Zvinhu zvinotevera ndizvo zvichavonekwa pane vaya. Vanenge vandigamuchira. Vachaporesa varwere. Vanovaporesa nokungovabata nemavoko avo (Mariko 16 ndima 17 kusvika 18).

Isu tisu takarairwa kuporesa varwere. Wanga uchizviziva here? Mwari vakatipa simba rekuporesa. Izvi ndizvo zvatinovona mundima yatavhura nayo. Ishe Jesu ndivo vakanga vari kutaura mundima iyi. Vaitaura pamusoro pevanhu vanenge vavagamuchira. Havana kuti vanhu ava vachakumbira Mwari kuti vaporese varwere. Vakati vanhu ava ndivo vachaporesa varwere. Vachavaporesa nekungovabata nemavoko avo chete.

Ishe Jesu vane mamwe mashoko avakataura zvekare. Tinoaverenga muna Ruka 10 ndima 9. Apa vane kwavakanga vari kutuma vadzidzi vavo. Vakanga vari kuvatumako kunoparidza Ruponeso. Vakavaraira vachiti, Muguta umu mungava nevarwere. Vaporesei. Muvaudze muchiti, Hushe hwaMwari hwava pedo nemi. Vakavataurira zvekare muna Matiyo 10 ndima 7 kusvika 8. Vakati, Mufambe, muchiparidza, muchiti, Hushe hwekudenga hwava pedo. Poresai vanorwara. Mutsai vakafa. Natsai vane maperembudzi. Dzingai mweya yakaipa. Makangopiwa henyu. Chingopaivo henyu.

Ishe Jesu havana kuti, Nyengetererai varwere. Vakati, Poresai varwere. Hareruya! Izvi ndizvo zvatinovonavo Pita achiita. Tinoverenga nhoroondo yake muna Mabasa yetatu. Apa ane murume waakanga asangana naye. Murume uyu akanga akaremara. Akanga azvarwa akaremara kudero. Akanga agere pasuwo reimba yaMwari. Tinoverenga mashoko aPita muna Mabasa 3 ndima 6. Akati, Ini handina sirivheri. Handina ndarama. Asi ndine chimwe chandinacho. Ndicho chandichakupa. Ndine zita raJesu weNazareta. Ndinomira muzita iri. Ndichikuraira kuti usimuke. Ufambe. Pita akanga asiri kukumbira. Akanga asiri kunyengetera. Akanga ari kungoita zvaakanga arairwa naTenzi. Akabva ashandisa zita raJesu. Akarishandisa semudziyo. Zita iri mudziyo une simba.

Pita akazotsanangura masimba ari muzita raJesu iri. Tinoverenga mashoko ake mune Mabasa 3 ndima 16. Inoti, Zita rake ndiro rasimudza munhu uyu. Wamunovona mose. Wamunoziva. Agamuchira zita raJesu. Ndiko kusaka aporeswa. Akanaka zvamunovona mose kudai.

Isu tiri Vakristu. Tinozikanwa nezita raJesu. Saka tine mvumo yekushandisa zita iri. Ichi ndicho chimwe chinofadza pamusoro pekuva Vakristu. Saka ungaraira kuti munhu apore. Uchiraira kudai wakamira saJesu. Munhu uyu anozopora. Saka chitotanga ikozvino. Raira zvirwere zvibve mumuviri wako. Raira kuti hama dzako dzepedo dzipore. Raira kuti varwere vapore. Ivo varwere vaya vari muzvipatara. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti ndizikanwe nezita raJesu. Ndichigona kuporesa varwere. Ndinoraira kuti varwere vapore nhasi. Ivo vaya vari muzvipatara. Kana vaya vakakonekwa nezvipatara. Vangava vanga vamirira kufa. Asi havachafi. Vanova vatano zvekare. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Ruka 9 ndima 2
Mabasa 3 ndima 1 kusvika 8
VaFiripi 2 ndima 9 kusvika 11

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church