English Manyika Ndau Shona 


Mira PaShoko RaMwari

China, 18 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Saka ndinokurudzira kuti kutangira zvimwe zvose. Mukumbirire vanhu vose. Muvanamatire. Muvanyengeterere. Nekuvatendera kuna Mwari. Izvi zviitirwevo madzimambo ose. Nevatungamiriri vemhando dzose. Ndiko kuti tive nerunyararo. Tive nerugare. Tichigona kunatsa kushumira Mwari. Nevanhu. Zvinova ndizvo zvinhu zvakanaka. Zvinogamuchirwa naMwari. Iye Muponesi wedu. Iye anotsvaka kuti vanhu vaponeswe. Vagoziva chokwadi (1 Timoti 2 ndima 1 kusvika 4).

Mundima iyi mune shoko rinoti, kuziva. Shoko iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki iri nderinoti, epignosis. Rinoreva kuziva zvakadzama. Mwari vanoda kuti vanhu vose vaponeswe. Asi vanodazve kuti vanhu ava vanzwisise Shoko raMwari. Vanoda kuti varinzwisise zvakadzama. Kureva kuti vanhu vanogona kunatsa kuziva Shoko raMwari. Zvisizvo Mwari havaitsvaka kuti varizive kudai.

Ndiko kusaka Jesu vakatitumira vashumiri. Vashumiri ava zvinotova zvipo. Zvipo zvakapiwa kuVatsvene. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vaefeso 4 ndima 11 kusvika 13. Inoti, Vakapa nhume dzavo kune vamwe. Vavoni kune vamwe. Vaparidzi kune vamwe. Vafudzi kune vamwe. Nevadzidzisi kune vamwe. Vakavapa kuti vashongedze vatsvene. Kuti vatsvene ava vagone kuita mabasa ekushumira. Vachivaka muviri waMuponesi. Kusvikira tose tabatana pamwe chete. Ruvimbo rwedu rwamira pachinhu chimwe chete. Tava kuziva Mwanakomana waMwari. Takwana. Muponesi vava kuvonekwa patiri zvakakwana.

Mwari vanoda kuti uvakwe neShoko ravo. Vanoda kuti urinzwisise zvakadzama. Vanoda kuti usvike pakugona kuvimba neShoko ravo zvakazara. Uchinzwisisa Mwanakomana waMwari zvakadzama. Saka iwe unofanira kunatsa kunzwisisa Muponesi. Unofanira kunzwisisa zvinhu zvemweya. Unofanira kunzwisisa Shoko raMwari zvakadzama. Ndiko kuti ugone kukurira zvinhu zvenyika ino. Ndiko kuti zvinhu izvi zvisagona kukukanganisa muhupenyu hwako.

Nzwisisa kuti Muponesi ndiani. Nzwisisa zvawakaitirwa naMuponesi ava. Nzwisisa zvavakaita mauri. Nzwisisa zvavakakuitira. Unozogara uine rugare. Wakafara. Uchikurira zvose zvaunosangana nazvo.

Mapisarema 87 ndima 3 inoti, Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari. Mapisarema 50 ndima 2 inotivo, Mwari anopenya ari mugomo reZioni, gomo rakanakisisa kwazvo. Hareruya! Saka Mwari vanopenya vari mauri. Nhuta haisi iyo inofanira kuvonekwa pauri. Zvirwere hazvisi izvo zvinofanira kuvonekwa pauri. Hurombo hausi ihwo hunofanira kuvonekwa pauri. Nhamo dzenyika ino hadzisi idzo dzinofanira kuvonekwa pauri. Mwari ndivo vanofanira kuvonekwa pauri. Runako rwavo ndirwo runofanira kuvonekwa pauri.

Kuda ungazvitarisa chiso chako. Unofanira kubva wataura uchiti, Ndinoziva kuti ndiri munhu werudzi rupi. Ari mandiri ndiye mukuru. Akadarika vari munyika ino. Muponesi ndivo vanogara mandiri. Saka Mwari ndivo vanovonekwa pahupenyu hwangu. Zvinhu izvi ndizvo zvaunofanira kunatsa kunzwisisa. Ndizvo zvaunofanira kumira pazviri.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandibatsira kunzwisisa Shoko renyu. Ndinonzwisisa Shoko iri zvakadzama. Saka handiiti rekufungidzira. Ndinobatsirwa naMweya wenjere pane zvose zvandinoita. Ndinobudirira pamabasa ose akanaka. Muponesi ndivo vanovonekwa pahupenyu hwangu. Nyasha dzavo dzinoita kuti ndikurire zvinhu zvenyika ino. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Petro 1 ndima 2 kusvika 4
Firimoni 1 ndima 6
VaKorose 1 ndima 9 kusvika 10

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church