English Manyika Ndau Shona 


Furusa Mabasa Avo

Svondo, 28 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Nokuti tinotaura mazano aMwari kana tiine vaya. Vayaruka pamweya. Kwete mazano enyika ino. Kana emachinda enyika ino. Iwo machinda aya ari kuparara (1 Vakorinde 2 ndima 6).

Zvakakosha kunzwisisa Shoko raMwari. Zvakakosha kuritutira mumweya mako. Izvi zvakakosha nokuti tava mumazuva ekupedzisira. Saka kune vanhu vakaronga kurwadzisa vamwe. Vakaronga kutambudza vamwe. Vakaronga kuunza nzara panyika. Vachiparadza zvinhu. Vachiurayisa vanhu panyika. Saka Shoko raMwari rinofanira kugara rakazara mumoyo mako. Uchiritaura nemuromo wako. Unozofurusa mabasa ose evanhu ava.

Ndima yatavhura nayo yati, Nokuti tinotaura mazano aMwari kana tiine vaya. Vayaruka pamweya. Kwete mazano enyika ino. Kana emachinda enyika ino. Iwo machinda aya ari kuparara. Kureva kuti isu tinogona kukurira muvengi. Tinogona kufurusa zvose zvaanoronga. Tinomukurira nekutaura mazano aMwari. Shoko raMwari ndiwo mazano avo aya. Mwari havasi ivo vanomukurira vari kudenga. Tisu tinomukurira. Tisu zvombo zvaMwari. Tisu vavanoshandisa kurwa hondo. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Jeremiya 51 ndima 20.

Kuda ungataura mabasa evanhu vakashata ava. Ivo vaya vanotsvaka kudzvanyirira vanhu. Vachitsvaka kudzvanyirira dzimwe nyika. Ingotaura zvinotaurwa neShoko raMwari pamusoro pavo. Shoko raMwari rinoti vanhu ava vachaparadzwa. Izvozvo ndizvo zvaunofanira kutaura pamusoro pavo.

Taura kuti mazano avo haasi kuzobudirira. Havasi kuzogona kukurira Sangano reVatsvene. Havasi kuzogona kukurira vanhu vaMwari. Mukuru Wacho anogara matiri. Isu Vatsvene tichagara tichikunda. Saka zvinorongwa naSatani hazvisi kuzobudirira. Zvinorongwa nevabati vake zvose zvinoshaya basa. Hareruya!

Ino inguva yeVatsvene. Mwari vakapa nguva ino kuVatsvene vavo. Havana hurumende yavakatendera kuti itonge pasi rose panguva ino. Hapana munhu wavakapa simba rekutonga nyika ino panguva ino. Sangano reVatsvene chete ndiro riri kutonga. Zvarinotaura ndizvo zvoga zvinobata nyika yose. Saka isu tine basa. Iri ibasa rekuvona kuti zvinofarirwa naMwari zvaitika. Saka tinoraira kuti zvinodiwa naMwari zviitike panyika pano. Tinoraira kudai patinonamata. Tinozvirairavo patinenge tiri kungotaura.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Kururama kwenyu kunotonga mudzinyika dzepasi rino nhasi. Rugare rwenyu ruzere mudzinyika idzi. Vanhu vanonzwa nezvekunaka kwenyu. Vanovona kunaka uku. Nokuti nyika ino izere nefuma yenyu yakanaka. Mabasa ose emuvengi anofuruswa. Vanhu vane hutsinye havana kwavanosvika. Tinotonga panyika pano. Tinotonga takamira saMuponesi. Kururama kwavo kunoputira moyo yevanhu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Vakorinde 10 ndima 4 kusvika 5
Varoma 8 ndima 31 kusvika 37

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church