English Manyika Ndau Shona 


Tiri Tsamba Mhenyu

Chipiri, 30 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Imi ndimi tsamba yedu. Inova yakanyorwa mumoyo yedu. Inozikanwa. Nekuverengwa nevanhu vose. Vanhu vose vanoziva kuti imi muri tsamba yaMuponesi. Yakanyorwa nesu. Kwete nemavoko. Asi naMweya vaMwari vanorarama. Tsamba yakanyorwa pamoyo. Unova hwendefa renyama. Kwete rebwe (2 Vakorinde 3 ndima 2 kusvika 3).

1 Pita 1 ndima 23 inoti, Nokuti makazvarwa patsva. Kechipiri. Musingazvarwi nembeu inovora. Asi isingavori. Inova Shoko raMwari. Benyu. Rinogara nekusingaperi. Shoko raMwari ndiro rakatizvara. Saka Muponesi vanovonekwa paMukristu wose. Mukristu wose itsamba yaMuponesi. Jemusi 1 ndima 18 inoti, Ndivo vakasarudza voga kutizvara. Vachishandisa Shoko ravo rechokwadi. Vachitsvaka kuti tive zvibereko zvavo. Zvekutanga. Zvavanokoshesa kudarika zvimwe zvisikwa zvavo zvose.

Iwe uri Shoko raMwari. Uri Shoko ravo rakauya ari munhu wenyama. Izvi ndizvo zviri kutaurwa naPauro. Ndizvo zvaanoreva paanoti tiri tsamba mhenyu. Saka vanhu vangatsvaka kuvona Shoko raMwari nhasi. Vanorivonera pauri. Nokuti iwe ndiwe tsamba yaMuponesi. Vatsvene vose itsamba dzaMuponesi. Hareruya!

Ishe Jesu vakanga vari Shoko raMwari. IShoko raMwari rakauya ari munhu wenyama. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Johane 1 ndima 14. Inoti, Shoko iri rakazoshanduka. Rikava munhu wenyama. Akagara pakati pedu. Jesu vakanga vari tsamba yaMwari. Pavari ndipo paivonekwa Mwari. Itsamba yakatumwa naMwari kunyika. Iri tsamba yaizivisa vanhu kuti Mwari vanovafarira. Shoko iroro ndiro rakatizvaravo isu.

Saka isu takazvarirwa munyika yemweya. Takazvarwa takafanana naJesu. Shoko raMwari ndiro rakatizvara. Tinokudza Mwari nokuda kwaizvozvo. Iwe wava weropa reShoko raMwari. Hauna kuzvarwa neropa revanhu venyika ino. Wakazvarwa neropa raMwari. Ndiko kusaka wava weropa raMwari. Vanhu veropa iri havana chingavaparadza. Hareruya!

Pupura Uchiti
Ndinorarama hupenyu hweVamwari. Ndakazvarwa neShoko raMwari. Saka hapana chandisingagoni kuita. Ndava weropa raMwari. Saka ndinokurira zvinhu zvenyika ino. Simba raMwari riri kushanda mandiri. Riri kushanda nesimba guru. Ndinobatsira vakawanda nhasi. Ndichiita kuti vazive Muponesi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Vakorinde 3 ndima 1 kusvika 3
Johane 1 ndima 12 kusvika 14 NKJV
Jemusi 1 ndima 18 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church