English Manyika Ndau Shona 

Ndinorarama Muna Muponesi Jesu

Mugovera, 4 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

'Kana makamutswa pamwe naMuponesi. Vavarirai zvinhu zvekudenga. Uko kugere Muponesi ava. Vari kurudyi rwaMwari. Pfungwa dzenyu ngadzigare dziri pazvinhu zvekudenga. Kwete pazvinhu zvepanyika pano. Nokuti makafa. Hupenyu hwenyu hwavigwa muna Mwari. Hwavigwa pamwe chete naMuponesi' (Vakorose 3 ndima 1 kusvika 3).

Ndine mabhuku andakamboverenga. Mabhuku aya akanga akawanda. Aikurudzira kuti tinofanira kutanga tauraya zvishuvo zvenyama yedu. Ndiko kuti tifadze Mwari. Ini ndakanga ndichiri mudoko. Ndakanga ndiine shungu dzekufadza Mwari. Ndichivashumira. Saka ndaizvambarara panhovo. Ndichinamata. Ndichiti, 'Ishe. Ndinoda kugona kukufadzai. Saka itai kuti zvishuvo zvemuviri wangu wenyama zvife'. Ndaigara ndichinamata kudai. Ndipo pandakazosangana naVakorose yetatu.

Ini ndakanga ndazvidzidzisa kutora Shoko raMwari sezvariri. Ndichingoita semwana mudoko. Saka ndakaverenga Vakorose iyi. Ndakaverenga ndima mbiri dzekutanga dzacho. Dzinotiraira kuti shungu dzedu dzive pazvinhu zviri kudenga. Kwete zvinhu zviri panyika pano. Izvi zvinhu zvandaigona kuita. Asi ndima inotevera yacho ndiyo yakandishamisa. Inoti, 'Nokuti makafa ''.

Izvi zvakabva zvashandura hupenyu hwangu. Ndakabva ndazoverenga Vagaratiya 5 ndima 24. Inoti, 'Asi vaya vari vaMuponesi vakarovera miviri yavo yenyama pamuchinjikwa. Vakaroveravo ruchiva rwenyama yavo'. Ndakafara zvikuru kuziva izvi. Saka ndakabva ndaenda kushamwari dzangu. Ndikadziti, 'Honaiwo zvandawana! Hatichafaniri kuuraya zvishuvo zvemiviri yedu yenyama. Zvishuvo izvi zvakatofa kare. Miviri yedu yenyama yakatoroverwa pamuchinjikwa. Tava nehupenyu hutsva. Tava veropa raMuponesi Jesu'. Hareruya!

Varoma 6 ndima 11 yakabva yajekesa zvose. Inoti, 'Ndiwo mavonero amunofanira kuzviitavo imi. Zvivi zvava kukuvonai sevanhu vakafa. Asi mava muna Muponesi Jesu. Ishe wedu. Saka Mwari vava kukuvonai sevapenyu'. Zvivi zvava kutivona sevanhu vakafa. Asi Mwari ndivo vava kutivona sevapenyu. Kureva kuti wava kugona kushumira Mwari. Uchivashumira wakafara. Usina chaunotya. Wava kugona kurarama hupenyu hunovafadza.

Pupura Uchiti
Ini ndigere pamwe chete naMuponesi. Nzvimbo yatigere yacho ndiyo inogara vanhu vane masimba ose. Ivo vaya vanotonga. Ndava kurarama ndiri pakakwirira. Ndava muna Muponesi Jesu. Saka ndinotonga zvinhu zvehupenyu huno. Ndinorarama mumweya. Saka hupenyu hwangu inongova minana yoga yoga. Shungu dzangu dzinongova dzekufadza Muponesi. Ndine nyika yandava kurarama mairi. Nyika iyi ndeyemweya. Zvinhu zvenyika iyi ndizvo zvandava kushingairira. Mwari ngavakudzwe saMwari.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaEfeso 2 ndima 1
Vagaratiya 2 ndima 20
Vakorose 3 ndima 1 kusvika 4

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church