English Manyika Ndau Shona 


Kunamata NeNdimi Kunoita Kuti Ubwinye

China, 9 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

'Tarisai kwaari mupenye, naizvozvo uso hwenyu hauzombonyari' (Mapisarema 34 ndima 5).

Wakambobuda panze husiku here? Uchitarisa nyeredzi mudenga? Nyeredzi idzi dzinenge dzichiyevedza zvikuru. Asi izvi ndizvo zvinoitikavo mumweya. Pane nyeredzi dzinovonekwavo panyika. Dzinovonekwa mumweya. Nyeredzi dzacho tisu. Iyesu vana vaMwari.

Izvi ndizvo zvatinoziviswa neBhaibheri. Tinozviverenga muna Vafiripi 2 ndima 15. Inoti, 'Kuti pasawana anokupai mhosva. Musasvibiswa nenyika ino. Asi muve vanakomana vaMwari. Vasina tsvina. Kunyangwe henyu muri pakati pevanhu vasina kururama. Vane pfungwa dzakashatiswa. Vamunogara pakati pavo muchipenya sezviedza. Muri munyika ino'. Vakristu vose inyeredzi. Asi vanopenya zvakasiyana. Vamwe vedu tinopenya zvakajeka. Asi vamwe vanopenya zvishoma.

Bhaibheri rine zvarinotaura pamusoro paJesu. Tinozviverenga muna Ruka 9 ndima 29. Inoti, 'Vakasvika. Jesu ndokutanga kunamata. Chiso chavo ndokutanga kushanduka. Nguvo dzavo dzikatanga kupenya. Dzakanga dzava chena'. Kunamata kune zvakunoita mumweya yedu. Kunoita kuti mweya yedu ipenye.

Iwe ungagara uchinamata. Uchinamata kudai mumweya. Unenge uri kutoshandurwa chimiro. Uchiwedzera kufanana naMwari. Meso evanhu angasava anovona zviri mumweya. Saka angasavona kupenya kwako uku. Asi kunenge kuripo. Ndiko kusaka tichikurudzira vanhu kunamata nendimi zvakanyanya.

Unofanira kugara uchinamata nendimi. Mwari vanozovonekwa muhupenyu hwako. Mweya wako unozogara uchikuchidzirwa. Simba raMwari richiitwa kuti rishande. Iro simba raMwari riya riri mumweya wako.

Ishe Jesu vane mashoko avakambotaura. Tinoaverenga muna Matiyo 5 ndima 16. Inoti, 'Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere ''. Chiedza chako chinofanira kuvonekwa nevanhu. Vanhu vanofanira kuvona kupenya kwako. Asi iwe ndiwe unoita kuti vanhu vavone kupenya uku. Izvi ndizvo zvatinovona mundima iyi. Saka unofanira kunyanya kunamata mumweya. Chiedza chako chinozowandavo. Zvichizoita kuti ugone kuita basa raMwari nomazvo. Uchizogaravo uri mutano. Wakasimba. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa Mweya Mutsvene. Makaitavo kuti ndigone kunamata nendimi. Ndinonamata nendimi nhasi. Saka chiedza changu chinopenya. Chichivhenekera kose kose. Vanhu vachivona runako rwenyu pandiri. Vachivona hunyoro hwenyu pandiri. Vachivona nyasha dzenyu pandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 12 ndima 11 AMP
Ruka 9 ndima 28 kusvika 29 AMPC
Mateo 17 ndima 1 kusvika 3

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church