English Ndau Shona 


Tiri Midziyo YeKururama

Chitatu, 14 Chivabvu 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Saka musarekera zviwi zvichitonga mwiri yenyu inofa. Musazvirekera zvichitungamirira pakurarama kwenyu. Musakurirwa neruchiya rwenyama yenyu. Futi musarekera nhengo dzemwiri yenyu dzichiwa midziyo inoshandiswa kuita zvisina kururama. Asi dzipei kuna Mwari. Seanhu akamuka kuakafa. ane nhengo dzemwiri dzinoshandiswa kuita zviro zvakarurama (Varoma 6 v 12 kusvika 13).

Iwe wawa muna Muponesi. Wakashanduka rudzi. Varoma 6 v 10 kusvika 11 inotsanangura zvataa izvi. Inoti chiwi chaa kukuona semunhu akafa. Asi Mwari wawa kukuona semunhu mupenyu. Hauchatongwi nezviwi. Hauchatongwi nerufu. Kare ndipo pawaitongwa nechiwi. Asi wakazorowerwa pamuchinjikwa. Wakarowerwa pamwepo naMuponesi. Wakazobarwa kechipiri. Ukashanduka rudzi. Ukawa weropa raMwari. Saka wawa munhu mutsva. Warurama. Wawa Mumwari. Wawa kutongwa naMuponesi Jesu.

Izvi zvinotibatsira kuzwisisa zvimweni zvinotaurwa neBhaibheri. Tinozvierenga muna Varoma 6 v 12. Inoti, Saka musarekera zviwi zvichitonga mwiri yenyu inofa. Musazvirekera zvichitungamirira pakurarama kwenyu. Musakurirwa neruchiya rwenyama yenyu. Izvi zvinorewa kuti wawa kukona kutonga mwiri wako wenyama. Wawa kukona kusarudza zvinopinda mupfungwa dzako. Wawa kukona kuronga zvese zvinoitika kwauri. Hazvichakoni kuti ukundikane. Hazvichakoni kuti usakare. Hazvichakoni kuti uparadzwe.

Mweya wako hauchisina kufa. Wawa munzvimbo inorarama zviro. Wawa weropa raMwari. Saka ungabata zviro. Zviro izvi hazviparari. Zvinowandudzika. Nendaa yei zvichidai? Nekuti kururama kwaMwari kunogadzirisa zviro. Kunoraramisa zviro. Kunoita kuti zviro zvibudirire. Kururama kune simba raMwari. Hino iwe uri kururama kwaMwari. Iko kururama kuya kuri muna Muponesi Jesu.

Hapanaba chakasikwa chisingatsakari. Zviro zvese zviri panyika zvinotsakara. Zvinoora. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Varoma 8 v 22. Inoti, Nekuti zvisikwa zvese zviri kugomera. Zvichishungurudzika. Nekurwadziwa. Izvozvo tinozviziya maningi. Zvisikwa izvi zvakamirira chii? Vhesi 19 yacho inotiziyisa. Inoti, Nekuti zvisikwa zvese zvinogara zvichitarisira. Zvakarindira. Zvichitsvaka kuti anakomana aMwari vauye. aonekwe.

Iwe ndiwe uripo kusungunura zvisikwa izvi. Ndiwe uripo kuita kuti zvisasakara. Dzingaa hembe dzako. Dzingaa motokari dzako. Ingaa imba yako. Nezvese zvaunazvo. Simba raMwari rinofanira kuonekwa pazviro[ zvese izvi. Simba iri ndiro riri pauri. Nekuti iwe uri mudziyo wekururama. Izvi ndizvo zvataerenga muvhesi yatabeura nayo. Saka ungasvika panzvimbo. Zviro zvinofanira kutanga kuwandudzika panzvimbo iyi. anhu angasangana newe. anhu aya anofanira kuvandudzika. Nekuti kururama kwaMwari ndiko kuri kushanda mauri.

Uri munhu anoraramisa zviro. Wakatakura simba raMwari. Hauna kungogara panyika pano basi. Uri kutotonga. Unogadzirisa zviro. Unowandudza zviro. Unofanira kugara uchizwisisa izvi. Pauri ndipo panoonekwa kururama kwaMuponesi. Wawa werudzi rwawo. Wawa mugurupu reVamwari. Saka simba rawo ndiro rawawa kushandisa. anhu anoona Mwari pauri.

Pupura Uchiti
Ini ndiri mudziyo wekururama. Ndaa munhu weropa raMwari. Saka ndinoraramisa zviro. Simba rawo rinoonekwa pandiri. Mazano awo anoonekwa pandiri. Kururama kwaMwari kunoonekwa pazviro zvangu zvese. Ndinosungunura zvisikwa. Ndinowandudza zvisikwa. Ndiri mwanakomana waMwari. Iye mwanakomana uya ayaruka. Saka ndinotonga muhupenyu huno. Simba raMwari rinogara richionekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Varoma 8 ndima 19 kusvika 21
2 Vakorinde 5 ndima 17 kusvika 21
Vakorose 3 ndima 9 kusvika 10

Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church