English
Manyika
Ndau
Shona
Hupenyu Hwako Hudonatsa Kurongwa NdiMwari
Chitatu, 28 Kukadzi 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
"Ngekuti wadotitsarudza nyika isati yawambwaba. Kuti tiwe muna Muponisi. Tiwe wanhu wangoyera. Watsvene. Wasina shawangopomerwaba pamberi paMwari. Wangofarirwa ndiMwari. Mamasure mekunga waronga kutiyita wapwere wawo. Wapwere waya wangomira panzvimbo yawo. Ngekuti ndizvo wadofarira. Jeso Muponisi wariwo wawayizosenzesa kutiyita wapwere wadoshare. Wayida kuti nyasha dzawo dzewaMwari dzirumbidzwe. Idzo dzidoyita kuti tiwe wanhu wadokudzwa. Ngekufarirwa maningi' (WaEfeso 1 ndima 4 kusvika 6).
Ndima iyi ine zviro zvayingotawura ngezwazvo. Izvi zviro zvidotoyitwa. Tsandi zviro zvishazoyitwaba. Saka tiri wanhu wangoshamisa maningi. Ndiyo ndawa usingafaniri kuzviwona tsemunhu asina simbaba. Angokara ayimbunda. Adokurirwa. Murombo. Kana mutenda. Mwari ndiwo wadoronga hupenyu hwawungofanira kurarama. Wadohuronga iwewe usati wabarwaba. Wayida kuti nyasha dzawo dziwonekwe pawuri. Wanhu warumbidze nyasha idzi. Mwari wadokara waronga kuti uwe muna Muponisi. Wayitsvakawo kuti huMwari hwawo hurumbidzwe ngekuti wangotiwona watawure wayiti, 'Hiiiii! Mwari hwakuru diko!'
Izvi zvingoda kufanana ngezvina zvingotawurwa ngeBhayibheri pana WaEfeso 2 ndima 10. Pangoti, 'Ngekuti tiri basa remawoko aMwari. Tidosikwa patsva. Kuri kubarwa patsva. Keshipiri. Tiyibarirwa muna Muponisi Jeso. Kuti tiyite mabasa adonaka. Ngekurarama hupenyu hudonaka. Uhwo tidokara tarongerwa ndiMwari'. Kutawura kuti Mwari wadoronga kuti urarame hupenyu hungoshamisa. Saka tingowakudza tsaMwari.
Hawushafaniri kupererwa ngenzeroba. Hawushafaniri kukara udotsuwaba. Kana kugodokera wena wanhu. Uyichiwa zvawanazvo. Udorongerwa hupenyu hungoshamisa. Zviro zvehupenyu hwako zvetse zvidoyita zvekugarirwa patsi. Zviyirongwa ngehunyanzvi. Hapana kana umwe wasu adondozviwuyira panyika egaba.
Mwari wangoziwa zvetse zvehupenyu hwako. Hapana shingokuwuyira wasingaziwiba. Zvetse wadotozvirongera mafambiro azvo. Werenga ndima yatavhura ndiyo futi. Hitore kusvika kundima yetsere yacho. Ingoti, 'Ngekuda kwetsitsi dzawo dzidowanda. Dzawadotipa dzidowanda. Pamwepo ngenzero dzetse. Ngekungwara kwetse'.
Saka hapana shehupenyu hwako shisingakwanisi kunzwisiswa ndiMwariba. Wadotokuyitira zvetse zvingodiwa. Izvezvo zvingodiwa kuti urarame hupenyu hungofadza. Saka rarama udofara zuwa rimwe ngerimwe. Uyiwarumbidza. Hareruya!
Namata Uyiti
Baba wandingoda. Ndingorarama ndirufara zuwa rimwe ngerimwe. Ndiyikurumbidzani. Ndiyiziwa kuti ndati werudzi rwanu. Ndatine rupawo rwanu. Ndidogadzirirwa kuyita mabasa adonaka. Ndidogadzirirwa kurarama hupenyu hudonaka. Hupenyu huya hwamudokara mandirongera. Mudondirongera ndisati ndabarwaba. Saka handishafaniri kupererwa ngenzeroba. Handishafaniri kukara ndidotsuwaba. Ndati munhu mukuru. Ndidosikwa ngehumhizha hwetse. Hapana shisina kumira zvidonakaba pandiri. Ndingoyita zviro zvetse ngemazvo. Zviyiyita kuti imwemwe mukudzwe tsaMwari. Ameni.
Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Vaefeso 2 ndima 10 (NLT)
Jemusi 1 ndima 18
Jeremiya 29 ndima 11
(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa:https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church