English Manyika Shona 



Tiri Mushiyedza Shawo Shidonakitsa

China, 7 Kurume 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Asi muri rudzi rudotsarudzwa, waPirisita wehumambo, nyika tsvene, wanhu waadozviwanira; kuti mupangidze rumbidzo dzewuyo adokudayidzani kubva kushidima kuyenda kushiyedza shashe shidonaka." (1 Pita 2 ndima 9)

Zviro zvetse zvingoyitwa ndiMwari zvine mugumo udonaka. Hawambotisiyi zviro zvisidomira musheba. Ndima yatawamba ndiyo, kwekugumisira kwayo,yati adotidayidza kubva kushidima kuyenda kushiyedza shashe shidonaka.

Magwaro muna Dhuturonomi 6 ndima 23, ?Adotiburitsamo, kuti atiwunze panapa,atipe nyika yaadowimbisa wana bambo wasu.? Adotiburitsa kubva mushidima,kutiwunza mushiyedza shashe shidonaka. Zvinozvi tatitori mushiyedza shashe shidonaka. Hatirufamba kana kuwawarira kuyenda kushiyedza shashe shidonakaba!

Muna WaKorose 1 ndima 13 tingowerenga futi zvidofanana ngezvo; ingoti; ?Wadotisunungura kubva kusimba reshidima wayitiwunza muHumambo hweMurumbwana wawo wawangoditsa." Angoyita kuti tiziwe kuti hatiri munharawunda kana muhutongi hwedimaba. Tidoyiswa muhuMambo hweMurumbwana waMwari wawangoda. Ndiyo nzvimbo yawungokara iyeyo. Hareruya!

Muna Dhuturonomi 6 ndima 23 pangonzi, ?Adotiburitsamo,kuti atiwunze..?.? adonga arutawura Ijipiti. Ijipiti idonga iri mufananidzo wenyika, yayimirira dima. Shinangwa shashe shekutiburitsa mudima ( munyika) shidonga shiri shekutiwunza muhuMambo hwashe. Adonga asiruringa zvekubuda kwasu mudimaba,saka kupembera kwasu tsandi kwekuti tabuda mudimaba asi kwekuti tati mushiyedza shashe shidonaka.

Ina pfungwa ingowuya ingoyenderana iri mune zvidotawurwa ndiTenzi kuna Pauro muna Mabasa 26 ndima 18, ?Kuvhura madziso awo,ngekuwadzokesa kubva kudima kuyenda kushiyedza, ngekubva kusimba raSatani kuyenda kuna Mwari....." Apa tingowona shinangwa shaMwari! Kubvisa mudima kuyenda kushiyedza ngekubva kusimba raSatani kuyenda kuna Mwari. Izvi wadotozvizazitsa kara! Wati mushiyedza shashe shidonaka. Shiyedza shingodzinga dima.

Namata Uyiti

Ndingopembera ngehupenyu hwangu hudonaka muhuMambo hweMurumbwana waMwari wawangoda. Ndiyifara mushiyedza shashe ngehutongi husingaperiba! Ndidogadzwa ndiKristo, ndingopenya ngekutonga ngenyasha kuburikidza ngekururama. Rwendo rwangu muhupenyu ngerwekubwinya,kukunda, kubudirira, mupfuma ngekuropafadzwa. Hareruya!

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi :

WaKorose 3 ndima 1 kusvika 3 (AMPC)
WaEfeso 2 ndima 6 (AMPC)

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Manyika)

Ringonyorwa ndi:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Mungoriwona pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church