English Manyika Shona 



Zviro Zvenyika Inoyi Hazvikwanisi Kutivhiringiba

Muvhuro, 18 Kurume 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Zvino kana imwemwe mudopfa pamwepo naMuponisi. Zviro zvenyika inoyi hazvishakuwonenyi tsewapenyuba. Ngendawa yenyi musharutongwa ngezviro izvi? Tsezvingonzi musharurarama panyika panapa?" (WaKorose 2 ndima 20).

Zvawudobarwa keshipiri, hawushari wenyika inoyiba,wati wedzawuru, kudenga. WaKorose 3 ndima 1 kusvika 2 ingozvijekesa iyiti, "Kana mudomutswa pamwepo naKristo, tsvakani zviro zvekudzawuru, iyo Kristo adokara kuruhi rwaMwari. Isani rudo rwanu pazviro zvekudenga , hayikona pazviro zvepanyikaba."


Iwewe wati mukari wekudenga. Saka nzero dzako dzingofanira kukara pazviro zvekudenga. Zviro izvi ndizvo zvingofanira kukara zviri mupfungwa dzako. Tonga zviro zvenyika inoyi. Iwewe wati mupenyu. Udomutswa pamwepo naKristo. Ndizvo zvingotawura Bhayibheri. Udokara pamwepo naKristo Nzvimbo yamudokara yacho iri kumatenga. WaEfeso 2 ndima 5 kusvika 6 ndizvo ingotitawurira. Kudenga ndiko kwati kwako. Ndiko waturarama uri. Ndiko watusenzera.

Ngenyi Mwari wayida kuti rudo rwako rwuwe kuzviro zvekudenga,hayikona zvepanyikaba? Hindawa yekuti hupenyu hwako ngehwekudzawuru, kudenga, saka zviro zvepatsi hazvifaniri kukubataba. Soko ringotizve: ??kana mudopfa pamwepo naKristo kuzvinetswa zvenyika inoyi,ngenyi, muyiyita tsemururarama munyika, mungobatwa ngemitemo!?

Iwewe wati mukari wekudenga. Saka nzero dzako dzingofanira kukara pazviro zvekudenga. Zviro izvi ndizvo zvingofanira kukara zviri mupfungwa dzako. Tonga zviro zvenyika inoyi. Wati mupenyu. Udomutswa pamwepo naKristo. Ndizvo zvingotawura Bhayibheri. Udokara pamwepo naMuponisi. Nzvimbo yamudokara yacho iri kumatenga. WaEfeso 2 ndima 5 kusvika 6 ndizvo ingotitawurira. Kudenga ndiko kwati kwako. Ndiko waturarama uri. Ndiko watusenzera.

Wati muna Muponisi. Imoyimo ndimo watukara. Munzvimbo iyi mudosiyana ngenyika inoy. Zviro zvetse zvirimo ngezvewaMwari. Wanhu wangokaramo wangotonga zviro zvenyika inoyi. Hapana shisingasenziba munzvimbo iyi. Hapana shisina simbaba. Hamuna hoshaba. Hamuna huromboba. Hamuna zviro zvidonyangaraba. Mwiya Mutsvene ndizvo wangoda kuti unzwisise izvezvo. Ndizvo tawona mundima yatavhura ndiyo. Hareruya!


Namata Uyiti

Baba wekudenga wandingoda. Ndingokutendani ngekundiyita mukari wedenga, angorarama ngemitemo yekudenga. Ndingorarama munzvimbo ina Kristo umo ndingowona kubwinya, umo ndine kururama,hupenyu ngekusapfaba,mufaro,hutano,rugare, kubudirira ngekuwa ngezvidowanditsa. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi

WaFiripi 3 ndima 20 kusvika 21 (NET)
WaRoma 8 ndima 1
WaRoma 8 ndima 6

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Manyika)

Ringonyorwa ndi:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Mungoriwona pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church