English
Manyika
Ndau
Shona
Kubva Jerusaremu Kusvika Kumigumo Yenyika Dzetse
Chishanu, 22 Kurume 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
"Zvino adoti kwawari,Saka zvidonyorwa kuti Kristo ashatambudzika,ayizomuka kuwapfi zuwa reshitatu: Kuti kutendewuka ngekurekererwa kwezvitadzo zviparidzwe muzita rashe kunyika dzetse kuwambira muJerusaremu. (Ruka 24 ndima 46 kusvika 47)
Kune wangofundisa manyepo wayiti shiKristo ndeshewaJudha basi. Izvi tsandizvoba. Ndizvo tingowona mumasoko atavhura ndiwo ayo. Ishe Jeso ndiwo wadowatawura. Wadoti, "" Zita rashe riparidzwe kumarudzi etse. " kuwambira muJerusaremu".
Ruponiso ngerwe munhu wetse. ShiKristo ngeshemunhu wetse. Shidondowambira muJerusarema basi. Saka paridza ruponiso. Ruparidze kuwanhu wetse. Ruparidze kunzvimbo dzetse. Ruparidze kunyika dzetse. Mariko 13 ndima 10 ingoti, "Ruponiso rungofanira kutanga rwaparidzwa kumarudzi etse".
Muna Matewu 24 ndima 14, Jeso wadoti, "Soko reruponiso iri. Iro ringotawura ngezvehushe hwaMwari. Rishaparidzwa munyika dzetse. Rishaparidzwa tsehushapupu kumarudzi etse. Ndipo pashazoguma nyika inoyi". Wadozotirayira futi muna Matewu 28 ndima 19. Wadoti, "Saka endani hanu. Fundisani marudzi etse. Muwabhabhatidze muzita raBaba, ngere Murumbwana ngere Mwiya Mutsvene". Wasati wakwira kudengaba,Jeso wadotawurira wadzidzi wawo muna Mabasa 1 ndima 8 wayiti,"Asi mushagashira simba, kana Mwiya Mutsvene awuya pamuri. Mushawa zvapupu zvangu muJerusaremu, muJudhiya,muSamariya kusvikira kumigumo yetse yenyika." Saka wadzidzi wadowamba kuparidza vhangeri muJerusaremu wayiyenda ngevhangeri kuJudhiya ngeSamariya. Wadobva wayendawo ngekumigumo yenyika dzepatsi dzetse.
Saka vhangeri ridobva muJerusaremu kuyenda kumagumo enyika dzepatsi dzetse. Izvi zvingopangidza kuti vhangeri ngeremunhu wetse.Ringotsandura hupenyu hwemunhu wetse angorinzwa ngekurigashira kwetse kwetse kana kunganyi hako patsi rino. Utsagumise vhangeri munzvimbo yawungokara basiba,bhuyira munhu wetse ngezvaJeso.
Bhuyira mukadzi kana mwamuna wako ngezvaJeso. Wabereki wako, wafundisi wako wekushikoro, wena wapwere weshikoro,wabanze wako,wawurufamba ngewawungosenza nawo. Hwaparidzire ngezvaJeso. Kune wari kura,kunzvimbo dzingosi dzidotokanganikwa,wasinganzwisisi mutawuro wakoba,hwatumire bhuku reRhapsody of Realities.
Tingotenda Mwari, bhuku reRhapsody of Realities ratuwonekwa mumitawuro yetse ingozikanwa patsi rino. Saka ringosenza kuparidzisa ndiro vhangeri patsi retse. Hitsamba yerudo kubva kuna Mwari yawungokwanisa kuparidza ndiyo vhangeri kwetse kwetse,kumunhu wetse hashe. Hareruya!
Namata Uyiti
Baba wandingoda, ndingokutendani ngekusvika kwevhangeri kwetse kwetse tsezvo ririro ringosvitsa ruponiso kumunhu wetse. Hapana waringosiyaba. Inene ndiri mumiririri waKristo muvhangeri. Kuburikidza ndine,vhangeri ranu ringosvika kune wadowanda wamudotsarudzira ruponiso. Muzita raJeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
WaRoma 16 ndima 26
Matewu 24 ndima 14 AMPC
(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church