English Manyika Shona 

Isa Zvitsuwiro Zvako Kuhutungamiri HwaMwari

Chishanu, 5 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Ngekuti ndingoziwa pfungwa dzandinadzo pamutsoro pako, ndizvo zvingotawura Tenzi, pfungwa dzerugare,dzisidonyangaraba,kukupa mugumo ungotarisirwa." (Jeremiya 29 ndima 11).

Bhayibheri ringotitawurira matsarudzuro adoyitwa Mozisi kuti awe musununguri weIzirayiri. Zvidosharo hazvo, tarisiro yashe idomukurira ayibva atora zviro kwatuzviyisa mumawoko ashe. Muna Ekisodho 2 ndima 11 kusvika 22, Mozisi adowona munhu weIjipita arutambudza muJudha. Mukushatirwa, Mozisi adowuraya muIjipita uyu ayibva akotsa mutumbi wacho. Remangwani racho Mozisi adozama kurandutsira waJudha wayiri wadonga warukana. Una wacho adoti simba racho rekupindira pakati pawo adonga ariwonepi. Adomubvunza kuti asi ayida kumuwuraya tsezvaadoyita muIjipita. Ngekusha kuti nyaya yashe yekuwuraya mwamuna weIjipita yanga yati pamhene, Mozisi adobva awarira kunyika yeMidhiyani.

Sitefani paadonga arutawura kukanzuru yewaPirisita makuru ngemakurukota, tsemanyorerwe zvidoyitwa ndiRuka muna Mabasa 7, angoburitsa nyaya yekuti Mozisi adofunga kuti hama dzashe, waJudha washamuwona ngekumuziwa kuti ndiye adonga atsarudzwa ndiMwari kuti awasunungure. Mabasa 7 ndima 25 MSG ingoti,?Adofungawo kuti pena hama dzashe dzishafara kuti adonga ari kurutiwi rwawo,wayimuwona tsemunhu arusenzeswa ndiMwari kuwasunungura . Asi hawana kuwona tsekusharoba."

Mozisi adobvumidza shungu dzashe kuti dzimusvimhidze zviyibva zvavhara marongero aMwari. Panguwa iyeyo Mozisi haana kuyisa shitsuwo shashe kuhutungamiri hwaMwariba. Adotsarudzwa ndiMwari kuti ayite musununguri ehunde, asi adoda kuyita izvi ngenzira yashe kwako. Uku hukanganisa kungoyitwawo ngewanhu wadowanda.

Muhupenyu hwako,funda kupa tarisiro ngezvitsuwo zvako kuhutungamiri hwaMwari. Teyera gwanzi raMwari, mayitiro awo ehuMwari. Mwari wangoda maningi kuti ubudirire kutodarika madiro ungonga uruyita iwewe. Inene ndidoziwa izvi kara ndisharuwamba kuyita basa raMwari iri. Zvidotsandura hupenyu hwangu. Funda kuteyera zvingodiwa ndiMwari uyiyita zviro mayitiro awangoda . Zvingobvisa kunetsekana ngekutambudzika mawuri.

Tondera shiga shidozopiwa Mozisi ndiMwari paadonga arufanira kuwaka tabhenekari. Wadoti, ??Ringa?uyite zvetse zviyenderane ngepatani yawudopangidzwa mugomo." Masoko aya ari muna WaHebheru 8 ndima 5. Kana uruteyedzera zvidorongwa ndiMwari,hawufaniri kuyita zvekukanira zviroba, kubudirira kwako hakumbodi simbaba. Ungondoramba uyikura kubva mukubwinya kuyenda kune kuna kubwinya. Zviro zvingokuyitira nyore kana ukararama uyiteyera hutungamiri hwaTenzi uyiyita zviro mayitiro awo.

Munamato

Baba wandingoda, ndingopa zvitsuwo ngezvandingoda muhupenyu kuhutungamiriri hwanu hwehuMwari. Zvetse zvandingoyita muhupenyu hwangu zvingowerengwa pakufamba kweSoko ranu. Mufaro wangu uri pakukufandzani ngekufamba mukuda kwanu kudonaka. Ndingokutendani ngekufarirwa kwanu kubudira kwangu kudarika inene wacho,zvingopangidza rudo rwanu ngekubwinya kudozara. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Zvirevo 3 ndima 5 kusvika 6
Mapisarema 37 ndima 5
Johane 16 ndima 13

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church