English Manyika Shona 


Zviro Zvatsanduka

Svondo, 14 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Ngekuti maari mungokara kuzara kwetse kwehuMwari huri mumwiri wenyama." (WaKorose 2 ndima 9).

Musiyano mukuru pakati paJeso ngewaporofita wekara ngeshekuti Jeso adonga ane kukwana kwetse kwehuMwari maari. Mwiya Mutsvene wayikara maari. Asi Mwiya Mutsvene wayiyita kuwuya pano ngeapo kuwaporofita wekara.

Tsemuyenzaniso, tingowerenga muna WaTongi 6 apo Gidhiyoni adotsarudzwa ndiMwari kusunungura Izirayiri kubva kuwanhu weMidhiyani. Bhayibheri ringoti, ?Asi Mwiya waMwari udowuya pana Gidhiyoni, adoridza hwamanda, waAbhiyaza wadowungana wadomutewera. Nyaya iyi iri pana WaTongi 6 ndima 34.

Mushikamu sheshi 14 zve,tingowona nyaya yaSamusoni uyo adosongana ngekashumba kanyayi ari munzira kuyenda Timunati. Mwiya waMwari udowuya pamutsoro pashe, zvidoyita kuti akwanise kubvarura kashumba " fanika arubvarura kanyenye." Nyaya yashe iyi tingoyiwerenga pana WaTongi 14 ndima 6.

Muna 1 Samero 10 ndima 10, Sauro asati ati mamboba, Mwiya waMwari udowuya pamutsoro pashe,ayibva awamba kuporofita ari pakati peena maporofita. Werengawo futi nyaya yaDhavhidhi muna 1 Samero 16 ndima 13. Musure mekunga Samero azodza Dhavhidhi tsamambo ayizotonga Izirayiri, Mwiya waMwari udowuya pamutsoro pashe ngesimba hombe.

Asi nyamusi,mayitiro iwaya atsanduka. Tati munguwa yaJeso Kristo, Mwiya Mutsvene haashayiti kuwuya patiri tsezvaayiyita muSungano yeKaraba. Atukara matiri adokwana. Mwiya Mutsvene atukara mawuri adozara kusharo wetse zvidokwana tsekutawura kudoyita Pauro pamutsoro paJeso muna WaKorose 1 ndima 19. Adoti ?Ngekuti Zvidofadza Baba kuti maari mukare kukwana kwetse."

Mushikamu shingoteyera shacho Pauro angotizve, ?Ngekuti maari mungokara kukwana kwetse kwehuMwari mumwiri.? Hindima WaKorose 2 ndima 9 yatawamba ndiyo. Pandima yegumi yacho,angonga amana kutitawurira kuti tidokwana maari: ?Zvino mudokwana maari,uyo ari mutsoro wewabati wetse ngesimba."

Saka nyamusi, watukara,watufamba ngekutawura wari mawuri. Hareruya! Hawuri munhu wemangamangaba. Uri mudziyo udotakura Mwari,udozazwa kukwana kwaMwari kwetse,uyiyita zviro zvingoshamisa. Mwari ngawakudzwe!

Munamato
Baba wandingoda, ndingokutendani ngekukara kwaMwiya Mutsvene wanu mukati mangu. Ndiri mudziyo udotakura Mwari,udozara ngehuremu hwetse hwaMwari. Handiri munhu wenhandoba; Ndiri mudziyo une simba raMwari. Ndingoyita zviro zvetse kuburikidza ndiKristo uyo ungondigwinyisa. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
1 Johane 4 ndima 4
Vaefeso 3 ndima 14 kusvika 20
VaKorose 1 ndima 26 kusvika 27

Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church