English Manyika Shona 


Tidorekererwa "Pasina Shikonzeroba"

Muvhuro, 29 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Kururamiswa mahara ngenyasha dzashe kuburikidza ngeruregerero ruri muna Kristo Jeso.(WaRoma 3 ndima 24)

Muna WaRoma 4 ndima 24 kusvika 25. Bhayibheri ringotitawurira kuti Tenzi Jeso wadowurayirwa zvitadzo zvasu,wayibva wamutswa kuwapfi kuti tiruramiswe. Kururamiswa zvirutawura kurekerwa, kunzi hawuna ndawaba. Zvidoyitika senyi?

Shekutanga, padopfa Jeso ayibva awigwa,pamutemo wekururama,tidopfa ngekuwigwa pamwepo naye. Paadomuka kuwapfi,tidomuka pamwepo naye,tati zvisikwa zvitsva. Izvi zvidoyitika paya padonzi ndiMwari pana Mapisarema 2 ndima 7 naWaHebheru 5 ndima 5, Ndiwe Murumbwana wangu. Wandabara nyamusi.

Jeso adobarwa keshipiri paadomutswa kubva kuwapfi. Apa ndipo ifefe- Chechi-tidobva. Tidobva pakumuka kwashe kuwapfi, hayikona pamuchinjikoba. Kuna Mwari, apo Jeso wadomuka kuwapfi,udobva wamukawo,udobarwa wati shisikwa shitsva ngekuti udonga uri maari.

2 WaKorinde 5 ndima 17 ingoti, Saka kana munhu ati muna Muponisi. Yati inawo mhuka. Itsva. Zvaadonga ari kara hazvisharipoba. Ringa uwone. Zvatipo zvetse zvati zvitsva. Saka kana iwewe udobarwa keshipiri. Kutawura kuti hawushana nhorowondo yehupenyu hwekaraba. Asi nhorowondo iyi idoyendepi? Idopfa pamwepo naJeso. Wanhu wetse wadopfa pamwepo naJeso. Kutawura kuti wetse wadomuka padomukawo Jeso. Saka wetse wangofanira kutsanduka rudzi. Hareruya!

Ndiyo ndawa pawudobarwa patsva, udobarwa udochena. Bhayibheri ringoti muna WaRoma 3 ndima 24, Kururamiswa mahara ngenyasha dzashe kuburikidza ngeruregerero ruri muna Kristo Jeso. Soko ringoti "mahara" ringobva mune reshiGiriki ringoti, do?rean ringotawura "pasina shikonzeroba". Kururamiswa kunzi udochena.

Zvirutawura kuti udoruramiswa pasina shawanga wayitaba kuti zviyitike. Ngenyasha dzashe, udobarwa udosharo. ?? tsekumutswa kudoyitwa Kristo kubva kuwapfi, zvino ifefewo tingofanira kufamba muhupenyu hutsva. Mwari ngawaropafadzwe!

Munamato

Baba wandingoda, ndingokutendani ngerudo,kuwigwa ngekumuka kwaTenzi Jeso uko kudondiyisa muhupenyu hutsva. Ndati shisikwa shitsva muna Kristo Jeso, ndidobarwa patsva ngekururamiswa ngenyasha dzanu. MuZita raTenzi Jeso, ngeMwiya waMwari. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Vagaratiya 2 ndima 16
VaRoma 4 ndima 23 kusvika 25
Mabasa 13 ndima 38 kusvika 39

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church