English Manyika Ndau Shona 


Kuwonekwa Kwehukuru HwehuMambo HwaMwari

Svondo, 26 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

'Zvetse zvamudosika zvishakutendani Tenzi. Watsvene wanu wetse washakutunhidzani; washatawura ngezvembiri yehumambo hwanu; wayibhuya ngezvesimba ranu ngekukutawurira wanhu simba remabasa anu; ngemukurumbira wehumambo hwanu". (Mapisarema 145 ndima 10 kusvika 12).

Ndima yatavhura ndiyo ingotawura pamutsoro penyika ingotongwa ndiMwari. Nyika iyi iri mumwiya. Ndiyo yatatukara mayiri. Nyika iyi hinyika yewaMwari. Ndiyo ingokara wanhu wane masimba etse. Ndima iyi ingotawura ngezvembiri yenyika iyi. Ingoti watsvene waMwari washatawura ngezvembiri iyi. Wayitawurira wanhu ngezvemasimba enyika iyi. Mbiri irutawurwa apa ngeyenyi?

Wena wangodayidza mbiri iyi wayiti, 'kubwinya'. Asi hawanzwisisi zvayingonatsa kutawuraba. Shiro shine mbiri idoshare shingoyita kuti wanhu wakudze Mwari. Shingoyita kuti wanhu wafarire Mwari.

Saka kana munamato ukanzi wanga une mbiri idoshare, ungonga wayita kuti gungano racho rinamate Mwari. Ungonga wayita kuti gungano iri rikudze Mwari. Ungonga wayita kuti gungano iri ritende Mwari.

Jeso wadombotsandura mvura ikayita wayini. Wadoyita izvi pamuchato. Johane 2 ndima 11 ingozoti, 'Munana uyu ndiwo udonga uri wekutanga. Wadowuyita wari paKana. Mbiri yawo idowamba kuwonekwa. Zvikava pamhene kuti wadonga wari werudzi rwaMwari. Wadzidzi wawo wadowagashira'. Saka wadzidzi wadowona munana wekutsandura mvura kuyita wayini uyu. Wadobva washamiswa maningi. Mbiri yaJeso idobva yabuda pamhene kuti wadonga wari Mwari pachawo. Wadzidzi wawo wadobva wakwanisa kuwagashira. Wayiwakudza ngekuwasha

Zvino ndima yatavhura ndiyo yati, 'washatawura ngezvembiri yehumambo hwanu ''. Shiri munyika yaMwari iyi chinyi? Ishesho shatingotawura ngezvasho? Hinyika isina hoshaba. Wanhu wenyika iyi hawana shingowakuriraba. Hapana shingopfaba munyika iyi. Hupenyu ndihwo hungotonga mayiri. Kutsapfa ndiko kungotonga mayiri.

Ndimo munyika tidobarirwa umu patidobarwa patsva,muna Kristo . 1 Pita 2 ndima 9 (AMP) ingoti , 'Asi muri rudzi rudotsarudzwa, wapirisita wehumambo, nyika tsvene, wanhu wadotengwa ndiMwari kuti muyite mabasa adonaka ngekupangidza kuyera ngekunaka kweuyo adokudayidzani kubva kushidima kuyenda kushiyedza shashe shingoshamisa." Pawungofamba mushiyedza shezvawuri muna Kristo, ungonga urutopangidza hukuru ngekupenya kwehumambo hwaMwari
Namata Uyiti

Baba wandingoda, ndingokutendani ngekupenya kweSoko ranu muhupenyu hwangu. Mudondidayidza kuti ndiwe muhuMambo hwanu ngekundiyita muhi wenhaka yewatsvene mushiyedza! Ndingofamba mukupenya kwanu, kutonga, ngesimba nyamusi,ndiyiburitsa kunakitsa kwanu kunyika idondikomberedza. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Isaya 60 ndima 1
Varoma 8 ndima 19
Johane 2 ndima 11 AMPC

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Vatesaronika 5 ndima 23
Jemusi 1 ndima 4 AMPC
(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church