English
Manyika
Ndau
Shona
Jeso Wadosvitsa Ropa Rawo Kuna Mwari
Svondo, 9 Chikunguru 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
Ngekuti nzvimbo ingoyera idopindwa ndiMuponisi iyi. Tsandi idogadzirwa ngemawoko ewanhuba. Iyo undori mufananidzo basi. Asi wadopinda kudenga chayiko. Wadowosongana naMwari wadotimiririra ifeife (WaHebheru 9 ndima 24).
Johane 20 ndima 11 kusvika 18 ine nhorowondo yayingotipa. Iyi hinhorowondo yekumuka kwaShe Jeso. Wayiwonekwa kekutanga ngewadzidzi wawo. Jeso wadonga wanererwa pamuchinjiko. Wadowigwa. Mariya adobva ayenda kuguwa rawo. Adoyendako musure memazuwa matatu. Adonga aruda kowozora mutumbi waJeso mafuta. Pamwepo ngekuwuzora zvingonhuhwira. Mariya uyu ndiye uya ayibva kuGadharina. Adosvika paguwa kwatuwona ibwe ridobviswa. Izvi zvidomupatitsa. Ibwe iri ndiro wadonga wasiya ridovhara muromo weguwa iri. Mariya adobva awara kuna Pita naJohane. Adowowabhuyira izvi. Ayiti pane adonga atora mutumbi waTenzi. Pita naJohane wadonga wari wena wewadzidzi waJeso.
Pita adowuya kuguwa kuya. Adowuya pamwepo naJohane basi. Wayiri awa wadozodzokera. Asi Mariya adosara paguwa apa. Arurira. Tingozviwerenga mundima yegumi ngeimwe yacho. Mariya adozochewuka kwatuwona pane mwamuna. Mwamuna uyu adonga adomira. Mariya haana kumuziwaba. Adonga ari Jeso. Jeso wadobva wabvunza Mariya. Wayida kuziwa kuti adonga arurirenyi. Mariya adowadayira ayiti pane adonga atora mutumbi waJeso.
Tenzi wadobva wadayidza zita raMariya. Ndipo adoziwa kuti awa wadonga wari Jeso pachawo. Mariya adofara maningi. Adobva awarira kuna Jeso aruda kowambundira. Asi Jeso wadomurambidza. Wadomuti atsawabateba. Tingowerenga masoko awo muna Johane 20 ndima 17. Wadoti, Utsandibateba! Handisati ndakwira kuna Bambo wanguba. Asi iwewe enda kuwanin�ina wangu. Uwatawurire kuti ndishambokwira kuna Bambo wangu. Wari Bambo wanuwo imwemwe. Iwo Mwari wangu. Wari Mwari wanuwo imwemwe.
Kutawura kuti Jeso wadotanga wambokwira kudenga. Wadowosongana naMwari Baba. Kwatuzodzoka wayisongana ngewadzidzi wawo. Apa ndipo wadonga watubvuma kubatwa ngewanhu. Wadosongana ngewadzidzi awa kuGaririya. Jeso wadonga watiwo Mupirisita Mukuru. Saka wadotanga wawosvitsa ropa rawo kuna Mwari. Sungano yeKara idonga ine wapirisita. Wapirisita awa wane zvibayiro zvawayipa. Wayizvipa gore rimwe ngerimwe. Wayitsvaka kuvhara zvitadzo zvewanhu. Asi izvi tsandizvo zvidoyitwa ndiJesoba. Jeso wadondobayira kamwe basi. Wadobva wasunungura munhu wetse.
Ropa rawo ndisho shidonga shiri shibayiro shawo. Ropa iri ndiro wadoyenda naro kudenga. Wadoworipa kuna Mwari Baba. Mwari wadogashira ropa iri. Izvi tingozviwerenga muna WaHebheru 9 ndima 12. Ndima iyi ingoti, Futizve, hawana kupinda ngeropa rembudziba. Kana remhuru. Asi ngeropa rawo pachawo. Wadobva wapinda mukamuri riya. Ringoyera kudarika ena etse. Wadopindamo kamwe basi. Mumasure mekunga wapedza kutiwanira ruponiso rudokwana. Rusharamba ruripo.
Matiyo adotinyorerawo nhorowondo iyi. Angoti Jeso wadozoyenda kuGaririya. Wadobva wananga kuwadzidzi wawo. Kwatusvika wayiti , Farani metse! Izvi ndizvo tingowerenga muna Matiyo 28 ndima 9. Jeso wadonga waruti, Zvayita manje! Ndapa ropa rangu kuna Baba. Warigashira. Saka munhu wetse asununguka manje". Mwari ngawaropafadzwe!
Pupura Uyiti
Ishe Jeso wadoropafadzwa. Ndingokutendani . Mudotora zvitadzo zvasu zvetse. Mudozvigeza kubva patiri. Mudosenzesa ropa ranu kuzvigeza. Muyibva mazvipedza zvetse. Ndimwi mudowurayiwa. Muyiripa mutongo wezvitadzo. Zvitadzo zvidonga zvaparwa ngewanhu. Wayizvipara wasina simba rekuzviripaba. Zvino inene ndagezwa. Ndatsanangurwa. Ndaruramiswa. Zvitadzo hazvishawonikwi pandiriba. Rufu harushandibatiba. Hapana shishapwesa kundiparadzaba. Zita ranu ngarirumbidzwe. Rifarirwe narini narini.
Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
Vahebheru 9 ndima 11 kusvika 14
Johane 3 ndima 16
VaKorose 1 ndima 12 kusvika 14
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church