English
Manyika
Ndau
Shona
Kucheneswa NgeSoko RaMwari
Svondo, 6 Nyamavhuvhu 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
Wena wanu ndizvo mudonga muri. Asi zvinozvi Mwiya waMwari wasu udokugezani. Wadokuyeresani. Wadokuyitani watsvene. Wadokuchenurami. Wadoyita izvi zvetse muzita raShe Jeso (1 WaKorinde 6 ndima 11).
Pauro ndiye adonyora masoko atavhura ndiwo. Ane watsvene waadonga arutawura ngezvawo. Watsvene awa wadonga wari paKorinde. Angoti watsvene awa wadonga watuzikanwa ngezita raShe Jeso. Saka wadonga wagezwa. Wadonga wacheneswa. Wadonga waruramiswa. Mwiya Mutsvene ndiwo wadonga wawayita zvetse izvi. Masoko aya adodzama maningi.
Mwiya Mutsvene wane masoko awadosenzesa mundima iyi. Natsa kuwongorora. Hawana kuti, Ndizvo zvidoyita wena wanuba. Uuba! Wadoti, Wena wanu ndizvo mudonga muri. Wadonga warutawura kuti watsvene awa wane pawadonga wane kusaruramaba. Kusarurama kwacho ndiko kwanga kwatawurwa mundima dziri pamutsoro dzacho. Asi zvino wadonga wacheneswa. Shidonga shawachenesa shacho chinyi? Ridonga riri Soko raMwari.
Izvi ndizvo tingowona muna Johane 15 ndima 3. Ishe Jeso ndiwo wadonga warutawura mundima iyi. Wadonga warutawura kuwadzidzi wawo. Wadoti, Zvino, imwemwe mudotonatswa. Ngekuda kwemasoko andidotawura kwamuri. Saka Jeso wadonga wachenesa wadzidzi awa. Wadosenzesa masoko awo kuwachenesa. Masoko aya adonga ari ekunatsa. Adonga ari ekururama awadonga wayita zvekutawura kuwadzidzi awa. Wadzidzi awa wadowateerera. Wadowagashira. Kwatubva wacheneswa. Mwari ngawaropafadzwe! Izvi ndizvo zvingoyitikawo nyamusi. Zvingoyitika patingonga tirufundisa wanhu Soko raMwari. Wanhu awa wakateerera kuSoko iri, wayirigashira. Mwoyo yawo ingobva yacheneswa. Zvisidorurama zvetse zviyibviswa mayiri.
Kune wadosotinzwa tirufundisa Soko raMwari. Wenawo wadofunda mangwaro. Wayiwazeya mumwoyo yawo. Wanhu awa wangoti wayibva wazviwona wari muMwiya. Wazara mufaro waMwari. Wayinzwa kufarirwa ndiMwari maningi. Soko iri rine zvaridonga rabvisa mawari. Izvi zviro zviya zvisina kunakaba. Zvisingafadziba. Zvisina kuchenaba. Izvi zvingoshamisa maningi. Saka Soko raMwari ringotichenesa. Hareruya!
Namata Uyiti
Soko raMwari rine zvaringobvisa mandiri. Izvi zviro zviya zvisina kunakaba. Zvisingafadziba. Zvisina kuchenaba. Ringobvisa hosha mandiri. Ringobvisa hurombo. Ringobvisa zvitadzo zvetse. Ngemabasa etse eshidima. Inene ndatuzikanwa ngezita raShe Jeso. Saka ndidogezwa. Ndidocheneswa. Mwiya waMwari ndiwo udondiyita zvetse izvi. Mwari ngawakudzwe!
Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
Johane 15 ndima 3 AMPC
Vakorose 1 ndima 22 CEV
(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church