English
Manyika
Ndau
Shona
Mwiya Mutsvene Ndiye Angoyita Basa Racho
Muvhuro, 18 Gunyana 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
"Inene ndiri muna Baba. Iwo Baba wari mandiri. Hawuzvibvumi yere izvezvo? Masoko andirukutawurirani aya tsandi anguba. NdiBaba warutawura kwamuri. Baba awa wangokara mandiri. Ndiwo futi wangoyita minana iyi (Johane 14 ndima 10).
Mundima yatavhura ndiyo, Tenzi Jeso wadotawura wayiti Mwiya Mutsvene ndiBaba wangokara mawari. Ndiwo "muyiti" wemabasa. Hatikwanisi hasu kuwona Mwiya Mutsvene ngemadziso asu kana kumubata ngemawoko asuba, asi huwepo hwashe ngemabasa ashe matiri angowoneka ngekuti ngeedi.
Mwiya Mutsvene ndiMwari; Mwiya Mutsvene hinzwi raMwari. Mwiya Mutsvene ndiMwari. Ndiwo inzwi raMwari. Ndiwozve wangomiririra Mwari. Dzina nguwa wangosenza matiri tiyimbunda hasu kuwona kuti ndiwo warusenza kusharezvi. Tingowona izvi muBhayibheri. Jeso wadobvunza wadzidzi wawo. Wadoti, �Wanhu wangoti inene ndine wani? Wena wadzidzi wetse hawana kukwanisa kunyatsa kudayira mubvunzo uyuba. Pita ndiye adozoti, �Ndimwe Muponesi. Iyeye Murumbwana waMwari wapenyu."
Mhinduro yaJeso kuna Pita idoti, �Sayimoni, hawuna kutawurirwa izvi ngenyama ngeropaba. Wazvitawurirwa ndiBambo wangu. Iwo Bambo waya wari kudenga. Mwiya wako ndiwo wega ugokwanisa kuziwa kuti Jeso ndiwani. Mwiya uyu ungofanira kunga wazvitawurirwawo ndiMwari. Asi Pita haana kuziwa izviba. Ayifunga kuti zvidonga zvandobva mumutsoro mashe.
"Ifefe tine soko ratingofanira kusvitsa patsi retse. Iri hisoko reruponiso. Soko iri harikwanisi kunga ridorongwa ngewanhuba. Harikwanisi kugashirwa ngepfungwa dzewanhuba. Harikwanisi kunzwisiswa ngepfungwa dzewanhuba. Munhu wenyika ino haakwanisi kurigashiraba. Izvi ndizvo tingotawurirwa muna 1 WaKorinde 1 ndima 18. Ingoti, �Ngekuti kuparidzwa kwemuchinjiko hupenzi kune waya, waruparara. Asi kwatiri ifefe tidoponiswa, hisimba raMwari.
Saka tingoda rubatsiro kubva kuna Mwiya Mutsvene kana tiruda kuparidzira kuti wagashire ruponiso, tsezvatidoyitwawo ifefe patidoponiswa. Mapisarema 127 ingoti, �Kunza kwekunga Mwari wawaka umba yacho mbune, wangosenzera mahara awo wangoyiwaka. Tingofanira kukara tiyiziwa izvi tsewanhu wangotendewutsira wanhu kuna Mwari.
Kana uruwaka songano raMwari usingabatsirwi ndiMwiya Mutsveneba, hazviruzosenzaba. Mwiya Mutsvene ndiye muridzi wegoho. Ndiye angosenza basa racho. Izvi ndizvo tidobhuyirwa ndiJeso muna Johane 16 ndima 7 kusvika 8 AMPC: wadoti, �Zvisinenyiba hazvo, ndirukukutawurirani idi chayiro pandingoti zviri nane inene ndiyende. Ngekuti ndikasayendaba, Mwiya Munyaradzi haawuyi kwamuriba.....�Saka ndingofanira kuyenda,kuti ndizomutumire kwamuri. Kana awuya, ndiye ashajekesera ngekupangidza nyika zvezvitadzo ngekururama pamwepo ngezvekutongwa. Hareruya!
Namata Uyiti
Mwiya Mutsvene wandingoda. Ndingokutendani. Ndimwi mungosenza mandiri. Muyindipa shungu dzekuyita zvingofadza Mwari Baba. Muyiita futi kuti ndikwanise kuyita zviro izvi. Ndingoziwa kuti muri kunditungamirira. Simba ranu rirusenza mandiri. Saka ndingokwanisa kuyita zviro zvetse ngesimba ranu riri mandiri. Muzita raJeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
VaFiripi 4 ndima 13 (AMPC)
VaFiripi 2 ndima 13
Johane 14 ndima 10 AMPC)
(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church