English
Manyika
Ndau
Shona
Shingairira Ishe
Mugovera, 20 Ndira 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
'Ndinoziva mabasa enyu. Kuti hamutonhori. Hamupisi. ' Nokuti munotaura muchiti, 'Ndakafuma. Fuma yangu yawanda chaizvo. Hapachina chandisina' '' (Zvakazarurwa 3 ndima 15 kusvika 17).
Mashoko aya akataurwa kune vamwe Vakristu. Vakristu vacho vaiva muguta reRawodhisiya. Guta reRawodhisiya rakanga rakafuma. Vanhu vaisangana vachitengeserana muguta iri. Vanhu ava vakanga vakawanda. Vachibva kunyika dzakasiyana siyana. Dzimwe nzvimbo dzeguta iri dzakatomboparadzwa. Dzakaparadzwa nekudengenyeka kwenyika. Asi vanhu veguta iri havana kuda kubatsirwa kurivaka. Vakarivaka voga. Vakanga vakafuma. Saka vakanga vaine mari yekurivaka.
Vanhu veguta iri vaiva nezvose zvavaida. Saka mweya yavo yakapedzisira yatonhora. Izvi ndizvo zvakaita vamwe mazuva ano. Vanotaura vachiti, 'Ini ndiri Mukristu hangu. Asi handinyanyi kupenga nekunamata. Ndinoda kuzvinamatira ndakanyarara. Ndakadzikama'.
Asi Jesu vane mashoko avakataura kuvanhu veRawodhisiya ava. Ndiwo ataverenga muna Zvakazarurwa 3 ndima 15 kusvika 16. Yati, 'Ndinoziva mabasa enyu. Kuti hamutonhori. Hamupisi. Asi ndinoshuva kuti deno maitonhora. Kana kupisa. Zvino zvamunodziya. Musingatonhori kana kupisa. Ndichakupfirai. Mubude mumuromo mangu'. Jesu vakanga vasiri kufadzwa nezvaiita vanhu ava. Saka vakada kuvarutsa. Asi vanhu ava vaisaziva izvi. Vaipota vachiungana havo. Asi Tenzi vaisauya pagungano ravo. Vaisapinda mumisangano yavo. Ndiko kusaka vakazotaura muna Zvakazarurwa 3 ndima 20 vachiti, 'Tarirai ndimire pamukova. Ndichigogodza ''. Tenzi vaisafanira kunge vari kunze kudai. Vaifanira kunge vari mukati. Asi vakanga vari kunyangadzwa nevanhu ava.
Jesu vane zvavakaraira vanhu veRawodhisiya ava. Vakavaraira kuti vasavimba nehufumi hwavo. Asi kuti vashingairire Ishe. Izvi ndizvo zvatinoverenga muna Zvakazarurwa 3 ndima 19. Inoti, 'Vose vandinofarira ndinotsiura. Nekuranga. Saka shingairai. Mutendeuke'. Ishe havadi kuti utonhore. Havadi kuti udziye zvishoma. Vanotoraira kuti uvashingairire.
Iwe haufaniri kutonhora. Unofanira kushingairira Ishe. Ivo havazombokuti wanyanyisa kushingaira kwacho. Saka shingaira kusvika taenda kudenga. Usanyengerwa nevanhu. Vachikuti uri kunyanya kushumira Mwari. Raramira Mwari ava. Uvaitire madanha.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinogara ndiine shungu dzekukushumirai. Mweya wangu unogara uchipisa. Ndichishingaira kuparidza Ruponeso kuvanhu. Ndiri chiedza chinopfuta. Ndiri chiedza chinopenya. Ndiri kusvitsa chiedza chehupenyu hweVamwari kuvanhu. Ndichisungunura vakawanda kubva murima. Ndichivapinza murusungunuko rweVanakomana vaMwari. Ndinokutendai. Chiedza chenyu chiri kupenya mandiri. Vanhu vari kuchivonavo kupenya pandiri. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 12 ndima 11
Tito 2 ndima 13 kusvika 14
Johane 2 ndima 17
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church