English Manyika Shona 

​​

Tiri MuChiedza Chavo Chinoshamisa

China, 7 Kurume 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa. Madzimambo. Vapiri. Rudzi rutsvene. Vanhu vaakazviwanira. Kuti vanokuvonai varumbidze Mwari. Ivo vakakutorai. Vakakubvisai murima. Vakakupinzai muchiedza chavo chinoshamisa (1 Pita 2 ndima 9).

Mwari vangaita chinhu. Chinhu ichi chinenge chine kwachakananga. Hapana chinenge chisina kwachakananga. Uye zvachakananga zvacho zvinenge zvichifadza. Mwari havasiiri zvinhu panzira. Tinoona izvi mundima yatavhura nayo. Inoti Mwari vakatibvisa murima. Havana kubva vagumira ipapo. Vakabva vatiisa muchiedza chavo. Chiedza ichi chinoshamisa zvikuru.

Izvi zvinotirangaridza Dheuteronomiyo 6 ndima 23. Inoti, Akatiburitsamo kuti atiunze nokutipa nyika yaakatsidzira madzibaba edu. Mwari ava ndivo vakatibudisa murima. Vakabva vatipinza muchiedza chavo. Icho chiedza chinoshamisa zvikuru. Saka hatisi munzira kuenda kuchiedza ichi.

Vakorose 1 ndima 13 inotaura zvimwe chete izvi. Inoti, Ivo Baba vaya vakatisungunura. Ndokutibvisa munzvimbo inotongwa nerima. Vakatiisa munzvimbo iya. Inotongwa neMwanakomana wavo. Wavanofarira zvikuru. Saka hatichisiri murima. Hatichisiri munzvimbo inotongwa nerima. Tava munyika inotongwa neMwanakomana waMwari. Iye Mwanakomana uya wavanofarira. Izvi ndizvo zvatiri kuziviswa mundima iyi. Munyika iyi ndimo mawava kugara. Hareruya!

Dheuteronomiyo 6 ndima 23 yati, Akatiburitsamo kuti atiunze nokutipa nyika yaakatsidzira madzibaba edu. MuEgipita ndimo mavakanga vavabudisa. Mwari vangataura pamusoro peEgipita. Vanenge vari kureva nyika ino. Vanenge vari kureva rima. Zvino ivo vakatibudisa murima. Kureva kuti vakatibudisa munyika ino. Chinangwa chavo chakanga chiri chekutipinza mune imwe nyika. Iyi inyika iya yavanotonga ivo. Saka vakanga varisi kungotsvaka kutibudisa murima chete. Isu tingabudiswa hedu murima. Hatifaniri kubva tatofarira izvozvo. Tinofanira kubva tapinda muchiedza chavo. Izvozvo ndizvo zvatinofanira kufarira.

Izvi zvinotirangaridzavo mashoko akambotaurwa naIshe. Vakanga vari kuataura kuna Pauro. Tinoaverenga muna Mabasa 26 ndima 18. Inoti, Kuti usvinudze meso avo. Vabve murima. Vapinde muchiedza. Vabviswe pasimba raSatani. Vauye kuna Mwari. . Tinovona mashandiro aMwari zvekare mundima iyi. Vanobvisa murima. Vobva vapinza muchiedza. Vanobvisa munyika inotongwa naSatani. Vachibva vaunza kuna Mwari. Izvi ndizvo zvavakatotiita. Iwe wakatobviswa murima. Wava muchiedza chavo. Icho chiedza chiya chinoshamisa. Chiedza ichi chinodzinga rima.

Namata Uchiti
Hupenyu hwangu hwava hweVamwari. Ndava kugara munyika inotongwa neMwanakomana waMwari. Saka ndinofara zvikuru. Ndava muchiedza chavo. Ndichatonga nekusingaperi. Ndigere pamwe chete naMuponesi. Ndava kutonga pamwe navo. Ndinopenya. Ndichitonga saMwari. Mwari vakandiitira Nyasha. Vakandipa kururama kwavo. Ndiko kusaka ndichitonga kudai. Ndava kurarama hupenyu hweVamwari. Ndinogara ndichikunda. Ndinobudirira pane zvose zvandinoita. Ndakafuma. Ndakaropafadzwa. Hareruya!

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Vatesaronika 5 ndima 5
Vakorose 1 ndima 12 kusvika 13 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church