English Manyika Shona 



Zvinhu Zvenyika Ino Hazvigoni Kutikanganisa

Muvhuro, 18 Kurume 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Zvino kana imi makafa pamwe naMuponesi. Zvinhu zvenyika ino zvisisakuvonei sevapenyu. Nemhaka yeyi muchiri kutongwa nezvinhu izvi? Sezvinonzi muchiri kurarama panyika pano? (Vakorose 2 ndima 20).

Iwe ungava wakazvarwa kechipiri. Izvi zvinoreva kuti hauchisiri wenyika ino. Wava wekudenga. Vakorose 3 ndima 1 kusvika 2 inojekesa izvi. Inoti, Kana makamutswa pamwe naMuponesi. Vavarirai zvinhu zvekudenga. Uko kugere Muponesi ava. Vari kurudyi rwaMwari. Pfungwa dzenyu ngadzigare dziri pazvinhu zvekudenga. Kwete pazvinhu zvepanyika pano.

Pfungwa dzako dzinofanira kuva pazvinhu zvekudenga. Hadzifaniri kunge dziri pazvinhu zvenyika ino. Izvi ndizvo zvinoshuviwa naMwari. Asi nemhaka yei vachikushuvira izvi? Imhaka yekuti hauchisiri wenyika yepasi pano. Wava wenyika yekudenga. Ndiko kwawava kurarama uri. Saka zvinhu zvenyika ino hazvichagoni kukukanganisa. Ndima yatavhura nayo yati, Zvino kana imi makafa pamwe naMuponesi. Zvinhu zvenyika ino zvisisakuvonei sevapenyu. Nemhaka yeyi muchiri kutongwa nezvinhu izvi? Sezvinonzi muchiri kurarama panyika pano?.

Iwe wava mugari wekudenga. Saka pfungwa dzako dzinofanira kugara pazvinhu zvekudenga. Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kugara zviri mupfungwa dzako. Tonga zvinhu zvenyika ino. Iwe wava mupenyu. Wakamutswa pamwe chete naMuponesi. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Ugere pamwe chete naMuponesi. Nzvimbo yamugere yacho iri kumatenga. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vaefeso 2 ndima 5 kusvika 6. Kudenga ndiko kwava kwako. Ndiko kwawava kurarama uri. Ndiko kwawava kushandira.

Wava muna Muponesi. Imomo ndimo mawava kugara. Munzvimbo iyi makasiyana nenyika ino. Zvinhu zvose zvirimo ndezveVamwari. Vanhu vanogaramo vanotonga zvinhu zvenyika ino. Hapana chisingashandi munzvimbo iyi. Hapana chisina simba. Hamuna zvirwere. Hamuna hurombo munzvimbo iyi. Hamuna zvinhu zvakashata mairi. Mweya Mutsvene ndizvo zvavanoda kuti unzwisise izvi. Ndizvo zvatavona mundima yatavhura nayo. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vekudenga vandinoda. Ndinokutendai. Makandiita mugari wenyika yekudenga. Ndichirarama nemirairo yekudenga. Ndava kugara muna Muponesi. Iyi inzvimbo yeVamwari. Inzvimbo yekururama. Inzvimbo yekurarama. Hapana chinofa munzvimbo iyi. Inzvimbo ine mufaro. Ine hutano hwakanaka. Ine rugare. Ine fuma yakawanda. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vafiripi 3 ndima 20 kusvika 21 (NET)
VaEfeso 2 ndima 4 kusvika 6

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church