English
Manyika
Ndau
Shona
​​
Ndivo Vanotibatsira Kunzwisisa Humwari
Svondo, 24 Kurume 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Ndichishuva kuti Mwari vaIshe wedu Jesu Muponesi. Ivo Baba veVamwari vose. Vakupei mweya wenjere. Vavhure meso emweya yenyu. Mugone kuvaziva (Vaefeso 1 ndima 17).
Ndima yatavhura nayo munyengetero. Munyengetero uyu wakaitwa naMweya Mutsvene. Wakadzama chose. Unotitaridza rimwe basa rinoitwa naMweya Mutsvene. Basa iri rakakosha chose. Ibasa rekutibatsira kunzwisisa zvinhu zvaMwari. Mweya Mutsvene ndivo vanotibatsira kunzwisisa Humwari. Ndivo voga vanogona kukubatsira kuziva Mwari. Ndivo voga vanogona kukubatsira kunzwisisa zvinhu zviri munyika inotongwa naMwari.
1 Vakorinde 2 ndima 9 kusvika 12 inowedzera kujekesa izvi. Inoti, zvinhu zvaMwari hazvinavo angaziva. Kunze kwaMweya vaMwari. Zvino isu hatina kupiwa mweya wenyika ino. Asi mweya waMwari. Kuti tigone kuziva zvinhu zviya. Zvatakapiwa naMwari. Vachitipa pasina mubhadharo.
Mweya Mutsvene ndivo vanokubatsira kunzwisisa zvinhu zviri munyika inotongwa naMwari. Asi vanokubatsira sei? Vanozvizivisa kumweya wako. Pfungwa dzako hadzigoni kuzvinzwisisa. Saka Mweya Mutsvene vanotofanira kutaurirana nemweya wako. Vobva vazivisa zvinhu izvi kumweya wako. Vachiita kuti unzwisise Mwari. Pamwe nekunzwisisa zvinhu zviri muHushe hwavo.
Mweya Mutsvene ndivo mweya vanomira pachokwadi. Saka ndivo vanokubatsira kuziva chokwadi pazvinhu zvose. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Johane 16 ndima 13. Inoti, Asi kana Mweya ava. Vanotaura chokwadi. Vazouya. Vachakujekeserai chokwadi chose. Kuti murarame nacho. Vanenge vasiri kutaura zvavo. Asi zvavakanzwa. Zvekare, vachakuzivisai zvinhu zvichauya.
Ishe Jesu vakanga vatombotaura pamusoro paMweya Mutsvene ava. Tinoverenga mashoko avo muna Johane 14 ndima 26. Inoti, Asi pane Mubatsiri ari kuuya. Iye Mweya Mutsvene. Achatumwa naBaba. Achange ari kushandisa zita rangu. Ndiye achange akandimiririra. Achakudzidzisai zvinhu zvose. Achikuyeuchidzai zvandakambokuudzai zvose.
Mweya Mutsvene ndivo vanoziva zvinhu zvose. Ndivo vane mazano ose aMwari. Iwe ungafamba navo. Hauzombofambi murima zvachose. Hauzombovhiringiki muhupenyu. Ivo ndivo vakasika zvinhu zvose. Saka varege vakubatsire. Varege vaite basa ravo mauri. Unozoziva zvakawanda. Hapana chinozombokuvhiringa. Unozogona kugadzirisa zvinhu zvinonetsa vanhu munyika ino. Iyoyi nyika ine rima. Ine nhamo. Ine vanhu vasingazivi.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ini ndinofara. Nokuti makaita kuti ndidyidzane naMweya Mutsvene. Ivavo vanondibatsira kunzwisisa zvinhu zvemunyika yedu yemweya. Nzira yangu yava nechiedza. Saka ndava kuziva fuma yangu. Iyo fuma iya iri muna Muponesi. Ndiyo yandava kushandisa pakurarama kwangu. Saka ndava kubudirira pane zvose zvandinoita. Ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Ndichiita zvinhu zvinobudirira. Ndichigara ndakafara ndiri muna Muponesi. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Vakorinde 2 ndima 11 kusvika 14
Johane 16 ndima 15 kusvika 15
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church