English Manyika Shona 

Rega Mwari Vakutungamirire Kuita Zvishuvo Zvako

Chishanu, 5 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Nokuti ini ndinoziva zvandakakurongerai, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvirongwa zvacho ndezvokuti zvinhu zvikunakirei kwete kuti zvikuipirei, kuri kukupai upenyu muneramangwana hune chitarisiro (Jeremiya 29 ndima 11).

Mwari ndivo vakasarudza Mosesi. Vakamusarudza kuti ave iye aizodzikinura Vaisiraeri. Izvi ndizvo zvatinoziviswa neBhaibheri. Mosesi akafarira basa iri. Akabva atanga kuda kuriita. Achiriita nenzira yake. Izvi ndizvo zvatinovona muna Ekisodho 2 ndima 11 kusvika 22. Apa Mosesi akavona mumwe Muegipita. Muegipita uyu akanga ari kushungurudza Muhebheru. Izvi zvakatsamwisa Mosesi. Akabva auraya Muegipita uya. Ndokuidza kuviga chitunha chacho.

Mangwana acho Mosesi akavona vamwe Vahebheru. Vahebheru ava vakanga vari kurwisana. Mosesi akatsvaka kuvayananisa. Asi mumwe wacho akabva aramba. Akanga avona Mosesi achiuraya Muegipita. Saka akada kuziva kuti Mosesi uyu aida kuvaurayavo here. Izvi zvakavhundusa Mosesi. Akavona kuti nyaya iyi yakanga yava kuzikanwa. Akabva atiza. Akaenda munyika yeMidhiyani.

Mosesi ane shungu dzaaiva nadzo. Idzi dzaiva shungu dzekusungunura Vaisiraeri. Aifunga kuti Vaisiraeri vakanga vachavona shungu idzi. Vagomugamuchira. Izvi ndizvo zvatinoziviswa naRuka. Tinozvivona muna Mabasa 7. Tinozvivona mumashoko aSitefano. Apa Sitefano akanga ari kutaura kudare reVajudha. Mabasa 7 ndima 25 yacho inoti, Aifunga kuti hama dzake dzakanga dzichanzwisisa. Kuti Mwari vakanga vari kumushandisa kuvaponesa. Asi hama idzi hadzina kunzwisisa.

Mwari vakanga vachida kushandisa Mosesi uyu. Asi iye akabva afarisa. Akaendera Mwari pamberi. Haana kurega Mwari vachimutungamirira kuita zvishuvo zvake izvi. Mwari ndivo vakanga vamusarudza. Vachida kuti asungunure vana vaIsiraeri. Asi iye akada kuita basa iri nenzira yake. Iyi yakanga iri mhosho huru. Asi kune vakawanda vanoita mhosho iyi.

Dzidza kurega Mwari vachikutungamirira kuita zvishuvo zvako. Tevera zvavakaronga ivo. Ndivo vanototsvaka kuti ubudirire. Ini ndakaziva izvi ndichatanga kushumira. Zvakabva zvashandura hupenyu hwangu. Mwari vane zvinhu zvavanokoshesa. Zvinhu izvi ndizvo zvaunofanira kukoshesavo iwe. Ndiko kuti usatambura muhupenyu.

Rangarira zvakarairwa Mosesi naMwari. Vakamuraira izvi paakanga ava kuvaka musasa waMwari. Tinoverenga mashoko acho muna Vahebheru 8 ndima 5. Inoti, Ungwarire kuvaka musasa uyu. Unofanira kubuda zvakanaka. Wakafanana nemusasa wandakakutaridza pandakasangana newe mugomo. Ita zvinhu nemutovo wavo. Ndiko kuti usazofanira kurwira chimwe chinhu. Unozobudirira nyore. Humwari hwako hunozogara huchiwedzera. Zvinhu zvinozokurerukira.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinobvuma kutungamirirwa nemi pazvishuvo zvangu. Ndinos
a. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 3 ndima 5 kusvika 6
Mapisarema 37 ndima 5
Johane 16 ndima 13

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church