English Ndau Shona 

Kune Vana Vakazvarirwa Muna Mwari

Mugovera, 5 Kubvumbi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru (Isaya 54:13).

Kune vanhu vanokudza Mwari. Zvekare, kune vanhu vasingakudzi Mwari. Vanhu vaviri ava vakasiyana chose. Kunyangwe vana vevanhu ava vakasiyanavo. Izvi ndizvo zvatinovona muMagwaro. Isaya 49 ndima 25 inoti, Asi zvanzi naJehovha, Hongu vatapwa vachatorwa kubva kumhare, uye zvakapambwa kubva kune anotyisa; ndicharwa nevanorwa newe, uye vana vako ndichavaponesa.

Mwari ndivo vakavimbisa izvi. Vakavimbisa kurwira vaya vanovakudza. Vakavimbisa kurwa nevose vanovatambudza. Vakavimbisavo kuponesa vana vevanovakudza. Izvi zvinosimbiswavo muna Isaya 54 ndima 13. Yati, Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru. Kune vanhu vanokudza Mwari. Mwari vakavimbisa kudzidzisa vana vevanhu vakadai. Nokudero vana ava vanova nerugare rukuru.

Asi kune vanhu vasingazivi Mwari. Chii chinoitika kuvanhu vakadai? Mapisarema 58 ndima 3 inotizivisa. Inoti, Vakaipa vakava vatorwa kubva padumbu ramai; Vanotsauka vachangozvarwa, vachireva nhema. Vakaipa vanozvarwa vasina hukama naMwari. Vanozvarwa vakatsauka nechakare. Vachizongotungamirirwa naSatani muhupenyu hwavo. Vanenge vasina Shoko raMwari mavari.

Iwe uri kuverenga chidzidzo ichi ikozvino. Asi kuda hausati wazvarwa kechipiri. Kunyanya kana vabereki vako vakanga vasina kuponeswa. Hupenyu hwako hunogona kunge husiri kufamba negwara rakanaka. Zvinhu zvemweya zvinogona kunge zvisina kukujekera. Bhaibheri rinotsanangura kuti sei hupenyu hwako huri zvahuri kudai. Rinoti wakazvarwa usina hukama naMwari. Wakanga wakarongerwa kufamba negwara risina Mwari.

Asi izvi hazvisi zvinhu zvaunongogadzirisa neshungu dzako chete. Unofanira kuwana tsitsi dzaMwari. Unofanira kuwana nyasha dzavo. Kumbira Ishe kuti vapinde mumoyo mako. Vakumbire vakushandure rudzi. Vakuite werudzi rwavo. Unogona kutoita izvi ikozvino. Namata Munamato weRuponeso. Munamate nemoyo unorevesa. Ndiko kuti Mwari vakushandure rudzi. Vachikuita munhu werudzi rwavo. Vachikuita munhu weropa ravo. Munamato uyu unowanikwa kunoperera bhuku rino.

Asi kune vabereki vari muna Muponesi. Mwari vakatotora vana vavo. Vakavatora vachiri mudumbu. Vabereki ava vangava vazere Mweya Mutsvene. Vana vevabereki ava vanotozvarwa vaine chiropafadzo chaMwari. Ndiko kusiyana kwavakaita nevana vevanhu vasina kuponeswa.

Namata Uchiti
Baba vekudenga vandinoda. Ndinonyengeterera vasati vakuzivai. Ndinonyengetereravo vaya vakagura hukama nemi. Deno vagamuchira tsitsi dzenyu. Deno vagamuchira nyasha dzenyu. Deno vapinda muchiedza cheruponeso rwenyu. Deno vafamba muchokwadi chenyu. Ndinokutendai. Makatipa Mweya venyu. Munoshandura rudzi rwevose vanokudanai. Vachitsvaka Ruponeso rwenyu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 22:6
Mabasa 2:39
2 Timoti 3:15


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church