English Shona 

Basa ReNharirire

Chipiri, 8 Kubvumbi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ndakagadza nharirire pamasvingo ako, iwe Jerusarema; havangambonyarari masikati kana usiku. Imi munodana kuna Jehovha, musazorora, uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema, uye ariita rumbidzo yenyika (Isaya 62:6-7).

Mwari vane zvavakaitira Isiraeri. Ndizvo zvatiri kuvona mundima yatavhura nayo. Zvinhu zvacho zvinoshamisa chose. Vakapa Jerusarema nharirire. Basa renharirire idzi raiva rekunyengeterera Jerusarema. Dzaifanira kurinyengeterera dzisinganeti. Mwari vane zvavakanga vakarongera Jerusarema iri. Nharirire idzi dzaifanira kugara dzichinyengetera. Dzichitsvaka kuti zvinhu izvi zviitike. Dzichitsvaka kuti Jerusarema rive nemukurumbira pasi rose.

Isu tisu vanhu vaMwari varipo nhasi. Tiri madzimambo. Tiri vapiri. Tiri nharirirevo. Saka tine basa ratakapiwavo naMwari. Asi basa racho tinoriita mumweya. Ibasa rekugara tichinyengetera. Tichirindira. Ishe pachavo vakatombosimbisa nyaya yekunyengetera iyi. Vakaisimbisa kuvadzidzi vavo. Apa vakanga vasati vasungwa. Vakatora vadzidzi vavo vatatu. Mumwe akanga ari Pita. Mumwe akanga ari Jemusi. Mumwe akanga ari Johane. Vakabva vavazivisa zvaiva pamoyo pavo. Tinoverenga mashoko avo muna Matiyo 26 ndima 38. Inoti, Mweya wangu uri kunzwa kuremerwa. Hauchina mufaro. Ndiri kutodemba kufa. Garai pano. Murambe makasvinura. Jesu vaida kuti vadzidzi ava varindire navo. Vachinamata. Asi vadzidzi vacho vakazovata havo.

Jesu vakazodzoka. Vakawana vadzidzi ava vakavata. Vakabva vataura kwavari. Mashoko avo tinoaverenga muna Matiyo 26 ndima 40 kusvika 41. Inoti, Makoniwa kusvimura kwenhambo imwe chete here? Garai makamuka. Munyengeterevo. Ndiko kuti musakurirwa nemiyedzo. Nguva iyi yakanga yakakosha chose. Saka Jesu vaida kuti vadzidzi ava vange vakamuka. Vachinamata. Asi ivo havana kugona kuita izvi. Tine zvatinodzidza apa. Tisu nharirire dzacho. Saka tinofanira kugara takamuka mumweya. Tichinyengetera. Tisinganeti.

Isaya 62 ndima 7 ine zvainotiraira. Inoti, musambomupa zvenyu zororo, kudzamara aita kuti guta reJerusaremu rimire; ariita kuti rive nomukurumbira pasi pano. Ezekieri yetatu ndima yegumi nenomwe inotauravo basa renharirire. Inoti, Iwe mwanakomana womunhu ndakuita nharirire yemba yaIsiraeri. Paunongonzwa chete shoko randinoreva nomuromo wangu, unofanira kuti uvape yambiro yangu.

Mwari vane zvavanotsvaka kuti zviitike panyika pano. Isu tisu tinofanira kugara tichinyengetera. Tichitsvaka kuti zvinhu zvacho zviitike. Iroro rinotova basa redu. Hareruya. Saka usatamba panguva dzekunamata. Tinofanira kugara tichinamata. Izvi ndizvo zvatinorairwa neBhaibheri. Tinozviverenga muna 1 Vatesaronika yeshanu ndima yegumi nenomwe. Munamato wemunhu akarurama unoshanda. Unounza simba raMwari panyika. Uchigadzirisa zvinhu. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Jemusi yeshanu ndima yegumi netanhatu.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandiita nharirire. Meso emweya wangu avhurika. Saka ndinongwarira kunamata. Ndichinyengetera kuti zvamunoda imi zviitike panyika pano. Ndinogwinyiswa kuita basa iri. Ndinotendeka kuriita. Ndinobatsirwa nesimba raMweya Mutsvene kuriita. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Vatesaronika 5:17
Ezekieri 22:30
Jemusi 5:16

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church