English Manyika Shona 


ISimba Rinoshanda

Mugovera, 13 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi muchawana simba. Muchariwana kana Mweya Mutsvene vauya pamusoro penyu. Mugogona kuva zvapupu zvangu. Mugondipupurira muJerusarema. MuJudhiya rose. MuSamariya. Kusvikira kumigumo yenyika (Mabasa 1 ndima 8).

Ishe Jesu vane mashoko avakataurira vadzidzi vavo. Tinoaverenga muna Mabasa 1 ndima 8. Vakavati vakanga vachazowana simba. Simba iri rakanga riri kuzouya paizouya Mweya Mutsvene pavari. Simba iri rakanga richazovaita zvapupu zvaJesu. Rakanga riri kuzovaita zvapupu zvinogona basa. Shoko rekuti simba iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, Dunamis. Shoko iri rinoreva simba. Asi simba racho nderiya rinogara riri muchinhu. Uye isimba riya rinoshanda roga.

Chinhu chine simba rakadai chinomuka choga. Hachifaniri kuita zvekumutswa. Simba rakadai ndiro rawava naro nhasi. Isimba rekuita minana.

Simba iri rakakuita chapupu. Wava chapupu kuvanhu vaunosangana navo. Uye wava nyanzvi pakupupura kwako uku. Chapupu munhu ane humbowo. Munhu uya anotaura zvaanoziva. Munhu uya anotaura zvinhu zvaakavona nemeso ake. Iwe wava chapupu chakadai. Asi haufaniri kupererwa nesimba. Iro simba rekupupura. Nokuti simba racho rinotova mauri. Unofanira kungomutsa simba iri. Isu tinofanira kugara takadhakwa naMweya Mutsvene. Ndiko kuti simba iri rishande. Izvi ndizvo zvatinoziviswa naPauro. Tinoverenga mashoko ake muna Vaefeso 5 ndima 18 kusvika 20.

1 Vakorinde 14 ndima 4 inotauravo ichiti, Anotaura nedzimwe ndimi anenge ari kuzvisimbisa iye. Nekuzvivaka . Saka iwe unofanira kutaura nendimi. Unenge uri kumutsa simba kana uchidai. Unenge uri kuita kuti simba iri rishande. Ndiko kunge ranga rakarara. Simba iri riri mukati mako. Isimba rinoshanda. Iwe unogona kushandisa simba iri. Unorishandisa kuita zvose zvaungada.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makaisa simba mukati mangu. Rakauya pakauya Mweya Mutsvene mandiri. Saka ndinogara ndichipfuta. Ndichishingaira kuita mabasa aIshe. Ndichitendeusa vanhu. Nokuti ndiri chapupu chinogona basa. Ndinoshandisa simba raMweya Mutsvene. Muzita raJesu.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vaefeso 3 ndima 20
Varoma 8 ndima 11
Mabasa 1 ndima 8 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church