English Manyika Shona 


Zvinhu Zvashanduka Zvino

Svondo, 14 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Nokuti muna Muponesi ndimo munogara Vamwari vose. Ndimo munogara zvinhu zvose zveVamwari. Zvichigona kuvonekwa zviri mumunhu wenyama (Vakorose 2 ndima 9).

Jesu vakanga vakasiyana nevavoni vekare. Muna Jesu ndimo maigara Vamwari vose. Mweya Mutsvene vakanga vachigara mavari. Asi vaisagara vari muvavoni vekare. Vaiita zvekuuya vachienda.

Tinovona izvi muna Vatongi 6. Apa Mwari vakanga vasarudza Gidhiyoni. Vakamusarudza kuti asungunure Vaisiraeri. Vaisiraeri ava vakanga vakadzvanyirirwa neVamidhiyeni. Vatongi 6 ndima 34 inoti, Ipapo mweya waJehovha wakauya pamusoro paGidheoni, uye akaridza hwamanda, achidana vaAbhiezeri kuti vamutevere.

Vatongi 14 ine imwe nhoroondo yainotipa zvekare. Iyi inhoroondo yaSamusoni. Samusoni uyu akasangana nemwana weshumba. Akasangana nayo achienda kuTimunati. Mweya vaJehovha vakabva vamugara. Vakamupa simba. Iye akagona kubvarura shumba iya. Akaibvarura sezvinonzi akanga ari kubvarura chimbudzana. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vatongi 14 ndima 6.

1 Samueri 10 ndima 10 inotaura pamusoro paSauro. Apa Sauro akanga asati ava mambo. Mweya vaJehovha vakamugara. Iye akabva abatana nevamwe vavoni. Ndokutanga kutaura zvinhu zvemweya. Verengavo imwe nhoroondo yaDhavhidhi. Tinoiwana muna 1 Samueri 16 ndima 13. Dhavhidhi uyu akanga abva kugadzwa mambo weIsiraeri. Samueri ndiye akanga amugadza. Mweya vaJehovha vakabva vamugara. Vakauya paari nesimba guru.

Asi aya haachisiri mashandiro aMweya Mutsvene mazuva ano. Isu tava munguva yaMuponesi Jesu. Mweya Mutsvene havachaiti zvekupota vachiuya patiri. Vachienda. Vava kugara matiri. Uye vakauya matiri vaine twavo twose. Izvi ndizvo zvatinovona mumashoko aPauro. Iwayo atinoverenga muna Vakorose 1 ndima 19. Inoti, Nokuti zvakafadza Baba. Kuti maari muve imo munogara zvinhu zvose.

Pauro anosimbisa izvi mundima dzinotevera dzacho. Vakorose 2 ndima 9 yacho inoti, Nokuti muna Muponesi ndimo munogara Vamwari vose. Ndimo munogara zvinhu zvose zveVamwari. Zvichigona kuvonekwa zviri mumunhu wenyama. Asi isu tiri muna Muponesi ava. Izvi ndizvo zvatinoziviswa naPauro uyu. Anozvitaura mundima yegumi yacho. Inoti, Nemivo muri mavari. Nokudero mune zvose zvinodikanwa. Ivo vari mukuru wevabati vose. Nemasimba ose.

Saka iwe wafanana naJesu. Ungafamba muvanhu. Unenge wakatotakura Mwari. Mwari weMasimba ose vava kugara mauri. Vava kufamba vari mauri. Vava kutaura vari mauri. Hareruya! Izvi zvinoreva kuti wasiyana nevanhu venyika ino. Wava mudziyo. Iwo mudziyo unofamba wakatakura Mwari. Zviri muna Mwari zvose zvavavo mauri. Saka wava kuita minana. Mwari ngavakudzwe!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mweya Mutsvene venyu vava kugara mandiri. Ndava mudziyo. Iwo mudziyo unofamba wakatakura Mwari. Mwari ava vari mandiri netwavo twose. Ndasiyana nevanhu venyika ino. Ndakatakura simba reVamwari. Ndava kugona kuita zvinhu zvose. Ndinozviita ndichibatsirwa naMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene ava ndivo vanondipa simba. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Johane 4 ndima 4
Vaefeso 3 ndima 14 kusvika 20
VaKorose 1 ndima 26 kusvika 27

Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church