English Manyika Shona 

Kusimudzwa KweMavoko Edu

Svondo, 21 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuhwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana (Mapisaremas 141 ndima 2).

Kusimudza mavoko kwakakosha. Magwaro anotaura zvakanakira kusimudza mavoko uku. Anozvitaura munzvimbo dzakawanda zvikuru. Mapisarema 134 ndima 1 kusvika 2 inoti, Uyai tirumbidze TENZI imi mose varanda vaTENZI imi munoshanda nousiku mumba maTENZI. Simudzirai maoko enyu kunzvimbo inoera murumbidze TENZI. Isu tingasimudza mavoko edu. Maropafadzo anobva abuda mumavoko edu aya. Simba raMwari rinobuda richibva mumavoko edu aya.

Pane pandakanga ndiri mumunamato. Mumunamato uyu maiva nevamwe vanhu. Vanhu ava vairwadziwa mafupa. Vanhu vacho vakanga vakatowanda. Vazhinji vavo vaisatogona kusimudza mavoko avo. Ini ndakabva ndabvunza Ishe. Ndikati, Sei munzvimbo ino mune vanhu vakawanda vanorwadziwa nemafupa?

Ishe vakabva vandidavira. Davidzo yavo yaishamisa zvikuru. Vakati, Vanhu vanofanira kusimudza mavoko avo. Vachindinamata. Izvi ndizvo zvandakaraira. Zviri muShoko rangu. Kusimudza mavoko kwakadai kwakakosha. Kunoita kuti vanhu vasarwadziwa nemafupa kudai. Asi vakawanda havaiti zvinotaura Mwari izvi. Izvozvo hazvifadzi chose.

Mwari vakazoti, Vanhu ava vaifanira kunge vaisimudza mavoko avo. Vachinyengetera kwandiri. Vachindinamata. Vachindirumbidza. Vachiita zvinorairwa muMagwaro. Mafupa avo angadero asingavarwadzi. Saka Mwari vane zvavanotiraira. Vanenge vari kutotibatsira. Vanenge vasiri kungotipa basa rekuita. Izvi ndizvo zvakaita kusimudza mavoko. Kunobatsira isu. Saka ungava uri kunamata. Pota uchisimudza mavoko ako.

Saka munhu angasimudza mavoko. Achiasimudzira kuna Mwari. Munhu uyu anenge ari kutopupura. Achipupura kuti nyasha dzaMwari dziri muhupenyu hwake. Uye kuti ava kurarama hupenyu hweVamwari. Saka iwe ungasimudza mavoko ako. Uchinamata Mwari. Mwari vanozofadzwa nazvo. Zvinozovafadza kudarika zvibayiro zvehandira. Nezvembudzi. Izvo zviya zvaibayirwa parubairo muSungano yeKare.

Sungano yeKare yaiva neMusasa. Vapiri vaishumira vari muMusasa uyu. Dhavhidhi ainzwisisa basa revapiri ava. Iye akanga ari muvoni zvekare. Saka Mweya Mutsvene vakamutaridza zvinhu zvemuSungano Itsva. Saka akativona tichisimudza mavoko edu. Akaziva kuti kusimudza mavoko uku ndiko kwakanga kuchazotsiva zvibayiro zvekupisa. Izvo zviya zvaibayirwa muSungano yeKare.

1 Timoti 2 ndima 8 inoti, Saka ndinoraira kuti varume vasimudze mavoko avo matsvene. Vachinamata kose kwavanenge vari. Vasina kutsamwa. Vasingaiti nharo. Pauro ndiye akanyora mashoko aya. Akanga ari kutaura nezvekunamata Mwari. Iko kunamata Mwari nemweya yedu. Tichirumbidza Mwari nomoyo yakafara. Tichifarira vanhu. Tichitenda Mwari.

Saka chitotanga ikozvino. Simudza mavoko ako. Unamate Mwari. Uchivatenda kuti vanokufarira. Vane tsitsi. Vanyoro. Vaudze kuvada kwaunoita.

Namata Uchiti
Baba vanoera. Ndinosimudza mavoko angu. Ndichikunamatai. Ndichikurumbidzai. Imi ndimi moga Mwari. Makakodzera kurumbidzwa. Hapana mumwe akaita semi. Muri mukuru sei. Mune masimba ose. Hamuna pamakamboshanduka. Zvamaiva ndizvo zvamunongova nanhasi. Muchakatendeka. Muchakarurama. Muchiri Mwari. Hamuna chamungapomerwa. Ndinokudai Ishe!

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Madzimambo 8 ndima 22 kusvika 23
Mariro 3 ndima 41
Mapisarema 63 ndima 4 ESV
Ruka 24 ndima 50

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church