English Ndau Shona 


Shinga Kutaura Kuti Wava WeRudzi RwaMwari

China, 15 Chivabvu 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Ini. NaBaba vangu. Tiri munhu mumwe chete. Tiri verudzi rumwe (Johane 10 ndima 30).

Johane 10 ndima 32 kusvika 38 ine nhoroondo yainotipa. Iyi inhoroondo yaIshe Jesu. Apa vatungamiriri veVajudha vakanga vari kuvapomera mhosva. Vachitsvaka kuvasunga. Ndima yemakumi matatu nepfumbamwe yacho inoti, Vakabva vatsvaka kusunga Jesu. Asi Jesu vakapukunyuka. Vakabva pavari.

Ndima iyi inopera ichiti, Asi Jesu vakapukunyuka. Vakabva pavari. Kune vanofunga kuti Jesu vakanga vari kutya kuurawa apa. Asi ichi hachisi chokwadi. Jesu vakanga vasingagoni kutya. Vane pavakazofanira kufa. Vangadero vakatiza musi uyu. Asi havana kutiza. Asi apa vakanga vasati vava kufanira kufa. Saka vakanzvenga.

Vaigona havo kurega vanhu vachitsvaka kuvauraya. Asi Mwari vakanga vachazopindira. Vachizopedzisira vaparadza vanhu vacho vose. Izvi ndizvo zvatinovona mumashoko aJesu. Tinoverenga mashoko acho muna Matiyo 26 ndima 53. Inoti, Unofunga kuti handigoni kuzvirwira here? Ndinogona kutaura naBaba vangu. Ivo vanogona kunditumira ngirozi. Vanogona kudzituma dzakawanda. Dzaitogona kuuya zviuru makumi mashanu. Jesu vakanga vari Mwanakomana waMwari. Saka vainzwisisa masimba avo. Uye vaiziva ngirozi dzavaiva nadzo. Idzodzo dzavakanga vapiwa kuvarwira.

Chimbofunga pamusoro paErisha. Apa akanga aine muranda wake. Vaviri ava vane hondo yakambovakomba. Muranda akatanga kutya. Asi Erisha akamusimbisa. Tinoverenga mashoko ake muna 2 Madzimambo 6 ndima 15. Inoti, Rega zvako kutya nokuti vatinavo vakawanda kupinda vavanavo. Akazomunyengeterera. Tinoverenga mashoko ake muna 2 Madzimambo 6 ndima 17. Akati, Haiwa Jehovha, svinudzai meso ake kuti aone. Meso emuranda akabva avhurika. Akabva avona gomo rose rizere mabhiza. Pamwe chete nengoro dzehondo.

Izvi ndizvo zvakaitika kuna Erisha. Kureva kuti zvaIshe Jesu zvaitozodarika apa. Jesu vane ngirozi dzavaiva nadzo. Ivo vaiziva izvi. Ngirozi dzacho dzakanga dzakawanda. Saka vaisangoita zvinhu. Vaitoita vachiziva zvavaiita. Vachiziva kuti ndivo vakanga vari kutonga. Saka vaisagona kumanikidzwa kuita zvinhu. Meso avo aigara ari pane zvaifadza Mwari Baba. Ivo vakanga vakashinga chose. Vaivimba naMwari zvachose.

Mweya Mutsvene vava kugara matiri nhasi. Kureva kuti Jesu ava vava kugara matiri. Saka tashinga saJesu. Ivo vaivimba naMwari. Izvi ndizvo zvaunofanira kutevedzera. Gutsikana kuti vanokufarira. Ziva kuti simba ravo ndiro rawava kushandisa pakurarama kwako. Gutsikana kuti vane zvavakakurongera muhupenyu. Mapisarema 118 ndima 6 inoti, Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko?.

Pauro anosimbisavo nyaya iyi. Tinoverenga mashoko ake muna 2 Timoti 1 ndima 7. Inoti, Nokuti Mwari havana kutipa mweya wekutya. Asi wesimba. Nerudo. Newekugona kuzvidzora. Hareruya! Saka shinga kutaura zvawava muna Muponesi. Shinga kutaura kuti wava weropa ravo. Izvozvo ndizvo zvakatsamwisa Vajudha. Jesu vakanga vataura kuti vakanga vari verudzi rwaMwari. Vajudha ava vakatsamwa zvikuru. Asi zvino isu takangofananavo naJesu ava. Tavavo verudzi rwaMwari.

Pupura Uchiti
Ndakashinga saMuponesi. Handina chandinogona kutya. Ndakashinga. Ndinoshinga kutaura kuti ndava weropa raIshe Jesu. Ndinoshinga kurarama semunhu anonzwisisa izvi. Ndinovimba naMwari zvikuru. Ndinoziva kuti ivo ndivo Mwari. Vanonditungamirira. Vane zvavakarongera hupenyu hwangu. Ini ndava muna Muponesi. Saka ndinokurira zvinhu zvenyika ino. Ndinotenda Ishe kuti ndiri kukurira kudai. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 10:32-39
1 Johane 4:4
1 Johane 4:17

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church