English Ndau Shona 


Nyengeterera Vatungamiriri Vose

Chishanu, 23 Chivabvu 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Saka ndinokurudzira kuti kutangira zvimwe zvose. Mukumbirire vanhu vose. Muvanamatire. Muvanyengeterere. Nekuvatendera kuna Mwari. Izvi zviitirwevo madzimambo ose. Nevatungamiriri vemhando dzose. Ndiko kuti tive nerunyararo. Tive nerugare. Tichigona kunatsa kushumira Mwari. Nevanhu (1 Timoti 2 ndima 1 kusvika 2).

Vakawanda vanoda rugare munyika dzavo. Asi havaiti zvakarairwa naIshe. Saka isu tingashuva kuti munyika dzedu muve nerugare. Tingada kuti nyika dzedu dzibudirire. Shoko raMwari rinotizivisa zvatinofanira kuita. Rinoti tinofanira kunyengeterera munhu wose. Tinofanira kunyengetereravo vatungamiriri vose vari munyika dzedu.

Saka nyengeterera mutungamiriri wenyika yako. Nyengetereravo vose vaanoshanda navo. Nyengetereravo vatungamiriri veguta rako. Kana vedunhu raunogara. Nyengeterera madzishe. Vatongi vematare. Vanotungamirira mapurisa. Vanotungamirira mauto. Nevanotungamirira mapazi akasiyana siyana.

Nyika yako inozobudirira. Hapana anozoshaiwa mugove wake pafuma yenyika iyi. Isaya yekutanga ndima yegumi nepfumbamwe inoti, Kana muchida uye muchiteerera muchadya zvakanakisa zvenyika. Munyika yako mune fuma yakawandisa. Asi vanhu vaMwari vanofanira kunyengetera. Vachinyengeterera vatungamiriri venyika. Vachinyengetera kudai sezvakarairwa naMwari. Ndiko kuti vanhu vose vawane mugove pafuma yenyika iyi.

Kuda zvinhu zvingasamira zvakanaka munyika. Kuita mhirizhonga hakusi iko kunogadzirisa zvinhu izvi. Kubvisa hurumende iripo hakusi iko kunogadzirisa zvinhu izvi. Mungabvisa henyu mutungamiriri wenyu. Muchimubvisa zvisiri pamutemo. Mobva maisa wamunoda wacho. Asi izvozvo hazvipedzi matambudziko enyika. Kunamata ndiko kunoapedza. Muchinamata nenzira yatarairwa mundima yatavhura nayo. Mweya Mutsvene ndivo vakatitaridza nzira iyi. Vakashandisa Pauro kutinyorera. Vakati tinofanira kukumbirira munhu wose. Tinofanira kumunyengeterera. Tinofanira kumunamatira. Tichimutendera kuna Mwari. Tichiitiravo izvi kumutungamiriri wose zvake.

Chitotanga ikozvino kunamata nenzira iyi. Uchinamata nemoyo wose. Nyengeterera vatungamiriri venyika yako. Ingava nyika yawakazvarirwa. Kana yauri kugara. Uchishanda uri. Ita zvinoita kuti munyika iyi muve nerugare. Vanhu vararame vachitya Mwari. Vakatendeka.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa basa rekunamata. Ndinonyengeterera vatungamiri vose munyika yangu. Nevatungamiriri vose pasi rose. Deno moyo yavo yazara mazano enyu. Ngavashuvire kururama kwenyu. Ndinonyengetereravo vaya vavanoshanda navo. Ngavashuve kuita zvinokufadzai imi. Ngavaite zvinoita kuti Ruponeso rupararire munyika dzose. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Timotio 2:1-4 NIV
Jeremiya 29 ndima 7
Zvirevo 11 ndima 11 MSG

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church