English Ndau Shona 


Chikristu Hukama Hwedu NaMwari

China, 29 Chivabvu 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Tsvakai muMagwaro. Handiti ndiwo amunoverenga? Muchitsvaka hupenyu husingaperi? Asika ndiwo anondipupurira iwayo (Johane 5 ndima 39).

Isu tiri Vamwari. Tine hupenyu hwatinorarama. Hupenyu uhu hahusi hwekungonamata. Tichidzidza Bhaibheri. Tichingoriverenga sengano. Kwete. Tinotorarama hupenyu uhu. Tinohurarama zuva rimwe nerimwe. Hunotova hupenyu hweVamwari. Ndihwo hupenyu hunoraramiwavo naMwari. Ndihwo hupenyu hwakaiswa mumweya yedu. Hukatiita vanhu verudzi rwaMwari.

Vakawanda vanongorarama. Havanzwisisi kuti Shoko raMwari rinoti Chikristu chii. Havanzwisisi kuti Mukristu munhu werudzii. Iyi imhaka yekuti havadzidzi Bhaibheri ravo. Asi Jesu vakatiraira kuti tidzidze Magwaro.

Mumagwaro mune zvinhu zvakawanda. Zvinhu izvi zvakakosha chose. Ndiko kusaka Jesu vakati tiadzidze. Pauro akatikurudziravo kudzidza Magwaro. Haana kuti tingoaverenga. Iwe unofanira kuita Magwaro ekudzidza. Zvisizvo pane zvimwe zvausingazogoni kunzwisisa. Iwe ungadzidza Magwaro. Unozonzwisisa kuti Vakristu vane hukama hwavanahwo naMwari. Vanotova verudzi rwaMwari. Saka vanotova Vamwari. Havasi vanamati chete.

Tine zvinhu zvatinoita. Zvimwe zvacho kunamata. Kupa mipiro. Kudzidza Bhaibheri. Pamwe nekuungana pamwe paminamato. Zvinhu zvose izvi hazvisi izvo zvinotiita Vakristu. Vakristu vanhu vakatozvarwa naMwari. Saka vanotova vanhu verudzi rwaMwari. Vanotova Vamwari. Kureva kuti vakashanduka rudzi. Vakashanduka paya pavakazvarwa kechipiri.

Saka unotoziva musi wawakashanduka rudzi uyu. Kushanduka rudzi uku kwakakosha. Ndiko kunofanira kutanga kwaitika. Zvisizvo mabasa ekunamata ose haana chaanozoreva. Asi iwe ungatanga wazvarwa kechipiri. Ungazonamata hako. Kunamata kose uku kunozounza simba. Kuchizoshanda mumweya mako.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti ndive nehukama nemi. Makandiita munhu werudzi rwenyu. Ini ndakazvarwa nemi. Ndizere Mweya venyu. Ndinorarama semunhu anoziva kuti ava werudzi rwenyu. Rudo rwenyu ruchivonekwa pandiri. Ndichishandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Simba renyu richivonekwa pandiri. Ndinokutendai. Ini ndava kunzwisisa chokwadi ichi. Ndicho chandava kushandisa pakurarama kwangu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 VaKorinte 5:17
VaKorose 1:26-27
1 Johane 5:11-12
2 Petro 1:4 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church