English Ndau Shona 


Gamuchira Shoko RaMwari. Uritaure.

China, 12 Chikumi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Zvino iye oga anogona kutiitira zvinhu zvikuru. Zvinodarika zvatingakumbira. Kana kufunga. Achishandisa simba rake riya. Rinoshanda matiri (Vaefeso 3 ndima 20).

Pane simba riri kushanda mauri. Wanga uchizviziva here? Iwe wakashanduka rudzi. Wava weropa reVamwari. Ndiko kusaka wava nesimba iri. Simba iri rinoita kuti ukurire zvirwere. Iwe une simba rekudzinga mweya yakaipa. Une simba rekuporesa varwere. Wava kugona kukurira zvose zvaunosangana nazvo. Wava kubudirira pane zvose zvaunoita. Simba racho riri mauri hako. Asi rinofanira kumutswa. Saka iwe unofanira kutanga wanzwisisa kuti une simba iri. Wochibva wataura semunhu ane simba iri. Ndiko kuti simba racho rimuke. Ndiko kuti ritange kushanda mauri.

Asi kune vasingadi kuzikanwa kuti vane simba iri. Vanoita izvi vachitsvaka kuita sevanhu vakazvininipisa. Iwe ungataura kuvanhu ava uchiti, Inga une simba rakawanda chose! Ivo vanozopindura vachiti, Ini handina simba randinaro. Jesu ndivo vane simba. Asi ichi hachisi chokwadi. Jesu ndivo vakatipa simba iri. Izvi ndizvo zvatinovona muna Ruka yegumi ndima yegumi nepfumbamwe. Inoti, Asi ndakupai simba. Rekufamba nepamusoro penyoka. Nepamusoro pezvinyavada. Nepamusoro pemasimba ose emuvengi. Hapana chinhu chichagona kukukuvadzai. Kunyangwe chikaidza.

Saka chirega kuti hauna simba. Shinga kutaura kuti unaro. Unenge usiri kuzvikudza kana uchidero. Nzwisisa kuti Jesu vakakupa simba. Utaurevo semunhu akapiwa simba iri. Isimba rekuita zvisingagonekwi nevanhu venyama. Isimba rinokurira zvinhu zvose. Jesu vakatipa Mweya Mutsvene. Mweya Mutsvene ava vanogara mukati medu. Unofunga kuti vari kuitei vari mukati medu kudai? Mweya Mutsvene ava ndiani? Ndivo simba raMwari. Izvi ndizvo zvatinovona muna Mabasa yekutanga ndima yesere. Inoti, Asi muchawana simba. Muchariwana kana Mweya Mutsvene vauya pamusoro penyu. . Saka iwe wakawana simba. Wakariwana paya pakauya Mweya Mutsvene mauri.

Ongorora matauriro aiita Ishe Jesu. Tinoona mamwe mashoko avo muna Johane yeshanu ndima yemakumi maviri netanhatu. Inoti, Nokuti Baba vane hupenyu. Hupenyu uhu huri mavari. Vakapavo Mwanakomana hupenyu uhu. Vakahuisa mukati make. Vamwe vanogona kunge vakafunga kuti Jesu vakanga vari kuzvikudza. Asi izvi hazvisi izvo zvavakanga vari kuita. Vakanga vari kungotaura chokwadi. Zvino 1 Johane 4 ndima 17 inoti, Asi zvavari ivo. Ndizvo zvatirivo isu.

Nzwisisa kuti wava nesimba reVamwari. Utaurevo semunhu ava nesimba iri. Taura saMika. Tinoverenga mashoko ake muna Mika yetatu ndima yesere. Inoti, Asi kana ndirini, ndizere nesimba, noMweya waJehovha, . Izvi ndizvo zvaunofanira kuitavo iwe. Ndiko kuti simba reVamwari rishande mauri. Simba iri rinozouraya zvirwere mumuviri wako.

Pupura Uchiti
Ini ndina Mweya waIshe. Saka ndizere simba. Muponesi ndivo vanondigwinyisa. Saka ndava kugona kuita zvinhu zvose. Ndinogara ndiri mutano saMwari. Fuma yangu haiperi. Ndava nesimba reVamwari. Ndava kushandisa masimba aMuponesi. Ivo vaya vandinorarama mavari. Ivavo vandava werudzi rwavo. Saka ndinokurira zvose zvingandirwisa. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Firimoni 1 ndima 6
2 Pita 1 ndima 3
1 VaKorinte 2 ndima 12 kusvika 13
2 VaKorinte 4 ndima 13
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church