English
Manyika
Ndau
Shona
Shandisa Minamato Kukunda Miyedzo
Mugovera, 24 Chikumi 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
Vakasvika panzvimbo yavo. Ndokutaura kuvadzidzi vavo. Vakati, Namatai. Ndiko kuti musakurirwa nemiyedzo . Jesu vakabva vavasiya. Ndokuenda pavo voga. Nechekure nevadzidzi ava. Pangasvika ibwe rekupotsera. Ndokufugama. Ndokutanga kunamata. Vakati, Baba. Bvisai chirango ichi pandiri. Asi itai zvamunoda imi. Kwete zvandinoda ini (Ruka 22 ndima 39 kusvika 42).
Munamato une simba. Simba iri rinogona kukurira miyedzo. Izvi ndizvo zvatinovona pana Ishe Jesu. Vanozvitaridza kudarika vamwe vanhu vose. Ishe Jesu vainamata kuna Mwari Baba. Izvi ndizvo zvatavona mundima yatavhura nayo. Vahebheru 5 ndima 7 inotizivisa kuti sei vainamata kudai. Rimwe Bhaibheri rinoti Jesu ava vaisada kuparadzaniswa naMwari Baba. Vaisada kubva muchiedza chavo (AMPC).
Jesu vaisada kubviswa pana Mwari Baba. Ndiko kusaka vaifugama. Vachinamata. Asi pane chimwe chinhu chakaitika pavakanamata kudai. Tinochiziviswa muna Ruka 22 ndima 43. Inoti, Pakabva paita ngirozi. Yakabva kudenga. Yakauya paiva naJesu. Ikavasimbisa . Ndima yemakumi mana nena yacho inoti, Jesu vakanga vari kushungurudzika. Vakabva vanamata neshungu. .
Rangarira zvinoitwa nemunamato wemunhu akarurama. Iwo uya unobva pamoyo pake chaipo. Munamato uyu unoita kuti pave nesimba guru. Simba racho rinoshanda zvinovonekwa. Ndizvo zvatinoziviswa muna Jemusi 5 ndima 16. Zvino Jesu vakanamata. Vakanamata zvine shungu. Ruka 22 ndima 44 inoti Vakabuda ziya. Ziya iri raiita seropa. Richidonhera pasi .
Munamato waIshe Jesu uyu wakadavirwa. Saka tinotenda Mwari. Jesu vakabva vagamuchira zvaidiwa naMwari Baba. Vakava chibayiro chedu chechivi. Vachitsvaka kuti tive mavari ivo. Tigova kururama kwaMwari. Hareruya!
Ishe Jesu vakazopedza kunamata. Vakabva vataura kuvadzidzi vavo. Tine zvatinodzidza mumashoko acho. Ari muna Ruka 22 ndima 45 kusvika 46. Inoti, Vakazosimuka. Ndokuenda kuvadzidzi vavo. Vakavawana vavata. Nokuti vakanga vasurukirwa. Jesu vakabva vataura kwavari. Vakati, Mavatireiko? Mukai! Munamate. Ndiko kuti musazokurirwa nemiyedzo . Saka kuyedzwa hakusi iko kungakukanganisa. Kukurirwa nemiyedzo ndiko kwakashata. Saka isu tinofanira kunamata. Tichitsvaka kuti tisakurirwa nemiyedzo. Izvi ndizvo zvatiri kutaridzwa naIshe Jesu mundima iyi.
Ishe Jesu vakanga vakatarisana nerufu. Rufu urwu rwakanga ruchazovabviswa pana Mwari Baba. Saka vakanga vari kuyedzwa. Vachimanikidzwa kuti varambe kufa kwacho. Saka vaifanira kunamata. Vachitsvaka kukurira muyedzo uyu. Ivo vakanga vatombodzidzisa vanhu kunamata. Tinovona mashoko avo muna Ruka 18 ndima 1. Inoti, vanhu vanofanira kugara vachinamata. Vasinganeti. Vasingavori moyo .
Iwe unofanira kuita zvakaitwa naTenzi. Unofanira kugara uchinamata. Mweya wako unosimbiswa paunonamata kudai. Zvichiita kuti ugone kunzwisisa zvinofarirwa naMwari. Simba rako rekuvimba naMwari richiwedzerwa. Zvichizoita kuti ukurire miyedzo. Nekutonga zvinhu zvenyika ino. Mweya Mutsvene vanozogwinyisa mweya wako. Vachiita kuti ugare uchikurira zuva rimwe nerimwe. Hareruya!
Namata Uchiti
Ishe vandinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti ndigone kunamata kwamuri. Ichi chiropafadzo chikuru. Mweya wangu unorovedzerwa pandinonamata. Zvichiita kuti ndigone kunzwisisa zvamunofarira chaizvo. Uye simba rangu rekuvimba nemi rinowedzera. Zvichiita kuti ndikurire miyedzo. Nekutonga zvinhu zvenyika ino. Ini ndakashongedzwa. Ndakadzivirirwa. Ndakasimba muna Ishe. Ndinoshandisa simba renyu rose. Ndiri munhu werudzi rweVamwari. Saka ndinokunda. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Vakorinde 10 ndima 13
Vahebheru 5 ndima 5 kusvika 7 AMPC
Mateo 26 ndima 41
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church