English
Ndau
Shona
Gamuchira Shoko RaMwari
Mugovera, 12 Chikunguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Jesu vakabva vapindura. Vakati, Hapana chinoramba. Zvinongobva nekuti unobvuma here. Kuti ndinogona kukubatsirai (Mariko 9 ndima 23).
Mashoko aya anoshamisa chose. Tenzi ndivo vakaataura. Ivo vane chinhu chimwe chavakasimbisa. Vakati unofanira kugamuchira Shoko ravo. Hapana chinozoramba kuitika. Asi kugamuchira Shoko raMwari kunorevei? Kunoreva kuvimba nemashoko ose avanotaura.
Bhaibheri rine imwe nhoroondo yarinotipa. Tinoverenga nhoroondo yacho muna Mariko yeshanu. Apa Ishe Jesu vakanga vavingwa naJairasi. Uyu akanga ari mutungamiriri mune imwe imba yekunamatira. Mwanasikana wake akanga ari kurwara. Akanga ava pedo nekufa. Jairasi uyu akanga apererwa zvino. Akabva auya kuna Ishe. Ndokudemba kwavari. Achitsvaka kuti vaporese mwanasikana wake. Ishe Jesu vakabvuma. Ndokutanga kufamba vachienda kumba kwaJairasi uyu. Vakanga vachiri munzira. Nhume dzakabva dzasvika. Nhume dzacho dzakanga dzabva kumba kwaJairasi uyu. Dzakabva dzazivisa Jairasi kuti mwanasikana wake akanga afa.
Mariko yeshanu ndima yemakumi matatu netanhatu inoti, Jesu vakanzwa mashoko aya. Vakabva vatauravo kuna Jairosi. Vakati, Usatya iwe! Ramba uchingova neruvimbo. Vakazosvika pamba paJairasi. Vakawana patova nemariro. Asi Ishe Jesu vakabata ruvoko rwechitunha chacho. Ndokutaura kwachiri. Tinoverenga mashoko avo muna Mariko yeshanu ndima yemakumi mana neimwe. Vakati, Tarita kumi! Mashoko aya aireva kuti, Mwanasikana! Muka!. Mwanasikana uya akabva asimuka. Akatanga kufamba famba. Vanhu vakashamiswa chose. Musikana uyu akanga aine makore gumi nemaviri.
Gamuchira Shoko raMwari. Shoko iri ndiro rinotaura chokwadi. Rarama semunhu anorigamuchira. Ikoko ndiko kuvimba naMwari. Iwe hauiti zvekutamburira kuvimba neShoko raMwari. Unongorarama semunhu anovimba naro. Unongorarama semunhu akarigamuchira. Hapana chinozoramba kuitika kwauri. Unozogona kuwana chose chaunofanira kuwana. Uchigona kuita zvose zvaunofanira kuita.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu rinotaura chokwadi. Rinovimbika. Ndinoshinga kushandisa Shoko renyu pakurarama kwangu. Ndakagutsikana kuti zvamakataura ndizvo zvechokwadi. Hazvishanduki. Ndinoshandisa Shoko iri pakurarama kwangu. Saka simba rangu rekuvimba nemi rinowedzera. Rinondiwanisa zvandinoda. Ndinogara ndichiwedzera kufanana nemi. Ndichifamba muchiedza cheShoko renyu. Ndichirarama hupenyu chaihwo hwamakandirongera. Ndichikurira zvose zvandinosangana nazvo. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vahebheru 11 ndima 1
Johane 17:17
VaRoma 4:20-21
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church