English
Ndau
Shona
Kuzvarwa KwaJesu Kunotaridza Kuti Jesu NdiMwari
Muvhuro, 14 Chikunguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Tarira mhandara ichava nemimba. Ichazvara Mwanakomana. Vachamutumidza zita rinonzi Emanueri. Zita iri rinoreva kuti, Mwari unesu (Matiyo 1 ndima 23).
Jesu ndiMwari pachavo. Zvakakosha kunzwisisa izvi. Nokuti kune vakawanda vanopokana nazvo. Vanofunga kuti Jesu vakanga vachingova mumwe wevavoni. Vamwe vanofunga kuti Jesu vaingova mudzidzisi ane mbiri. Hongu. Jesu vakanga vari zvose izvi. Asi vakanga vakadarika izvi. Ivo ndiMwari pachavo.
Tinovona izvi pakuzvarwa kwavakaitwa. Kuzvarwa kwavo chaiva chishamiso chaicho. Hapana munhu akanga akambozvarwa nenzira yakadai. Izvi ndizvo zvatinovona muBhaibheri. Matiyo yekutanga ndima yegumi nesere inoti, Kuzvarwa kwaMuponesi Jesu kwakaitika nenzira inotevera. Maria akanyengwa naJosefa. Asi akazowanikwa ava nemimba. Akawana mimba iyi asati asangana naJosefa. Akanga aipiwa naMweya Mutsvene.
Mariya akangowanikwa ava nemimba. Haana kunge aroorwa naJosefa. Haana kunge asangana naye. Mweya Mutsvene ndivo vakamupa mimba iyi. Josefa haana kuziva izvi. Saka akatomboda kuramba Mariya uyu. Iye akanga ari munhu akarurama. Saka akada kumuramba chinyararire. Haana kuda kumunyadzisa.
Ngirozi yaIshe yakabva yamushanyira. Ikamutsanangurira kuti Mariya akanga apiwa mimba naMwari. Akanga asina kupiwa nemunhu. Izvi ndizvo zvatinovona muna Matiyo yekutanga ndima yemakumi maviri. Ngirozi iyi yakarairavo Josefa kuti atumidze mwana wacho zita. Aifanira kumutumidza zita rekuti Jesu. Nokuti mwana uyu ndiye akanga achazoponesa vanhu vake. Akanga achazovaponesa kubva kuzvivi. Izvi ndizvo zvatinovona muna Matiyo yekutanga ndima yemakumi maviri neimwe.
Vavoni vekare vakanga vakataura nezvekuzvarwa kwemwana uyu. Izvi ndizvo zvinonyanya kushamisa. Tinozvivona muna Matiyo yekutanga ndima yemakumi maviri nembiri kusvika makumi maviri nenhatu. Inoti, Izvozvi zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarehwa naShe, nomuromo womuvoni, achiti, Tarira mhandara ichava nemimba. Ichazvara Mwanakomana. Vachamutumidza zita rinonzi Emanueri. Zita iri rinoreva kuti, Mwari unesu.
Vavoni vakanga vava nenguva vataura izvi. Kureva kuti Mwari ndivo vakanga varonga kuzvarwa kwaJesu uku. Zita rekuti Emanueri rinoreva kuti Mwari anesu. Kureva kuti Jesu ndiMwari pachavo. Jesu havana kuzvarwa sevanhu vose vose. Vakazvarwa naMwari. Kureva kuti ivo ndiMwari pachavo.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Manditaridza kuti Jesu ndiMwari pachavo. Manditaridza izvi muMagwaro. Saka ndinobvuma kuti Jesu ndiMwari pachavo. Ndinofara kuziva izvi. Saka ndinopemberera kuzvarwa kwavo. Ikoko kwakaunza ruponeso panyika pano. Ndinokutendai nekuronga kusungunura vanhu. Nekundiitavo ini munhu werudzi rweVamwari. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Isaya 7:14
Isaya 9:6
Mateo 1:18-23 NIV
Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church