English
Manyika
Ndau
Shona
Tiri Varidzi VeFuma Yavo
Chishanu, 14 Chikunguru 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
Mweya Mutsvene vanopupuriranavo nemweya yedu. Kuti takazvarwa naMwari pachokwadi. Zvino kana tiri vana vavo, tiri varidzi vefuma yaMwari. Fuma iyi iri muzita redu. NaMuponesi. Tiri pamwe chete. Ndokunge tichitambura pamwe naye. Kuti tiitwevo verudzi rweVamwari pamwe naye (Varoma 8 ndima 16 kusvika 17).
Pauro ndiye akanyora mashoko atavhura nawo. Mweya Mutsvene ndivo vakaafemera maari. Ndima iyi inoti isu tiri varidzi vefuma yaMwari. Vamwe vaturikiri vanonetseka nemashoko aya. Havafungi kuti munhu angava muridzi wefuma yaMwari. Saka vanoiturikira nepasiri ipo. Vachitsvaka kuti tifunge kuti tinongova nemugove pafuma yaMwari chete. Asi izvi hazvisi izvo zvinotaurwa mundima iyi. Inoti isu tisu varidzi vefuma yaMwari. Ndima iyi yakatorwa muChigiriki. Shoko reChigiriki rakashandiswa nderinoti, sugkleronomos. Shoko iri rinoreva kuti tinodya pamwe naJesu. Hatiiti zvekugurirana navo.
Munhu angava nemugove pafuma. Izvi zvinoreva kuti anenge achifanira kuita zvekugurirwa fuma iyi. Anogona kugurirwa shoma shoma. Asi varidzi vefuma havagurirani. Vanodya fuma iyi pamwe chete. Hapana mumwe wavo anodya vamwe vasipo.
Zvino isu tiri varidzi vefuma yaMuponesi. Ndiko kusaka Shoko raMwari richiti zvinhu zvose ndezvedu. Ndezvedu nokuti tiri muna Muponesi. Izvi ndizvo zvatinoverenga muna 1 Vakorinde 3 ndima 21. Mwari ngavarumbidzwe!
Iwe unofanira kunzwisisa izvi. Hapana chaunozoshaiwa muhupenyu hwako. Hauzofungi kuti pane chaungakoniwa kuwana. Unozogona kuwana zvose zvaunoda. Zvisinei kuti unoshanda basa rakaita sei. Iwe uri muridzi wefuma yaMwari. Unodya fuma iyi pamwe chete naMuponesi. Inotova muzita rako nera Muponesi Jesu. Chimbofunga kuti Jesu vane fuma yakawanda zvakadini. Ndiko kuti unzwisise kuti iwe une fuma yakawanda zvakadini. Fuma yako haiperi. Haiverengeki.
Une zvinhu zvose. Zvingava zvinodikanwa muhupenyu. Zvingava zvinodikanwa pakunamata Mwari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna 2 Pita 1 ndima 3. Saka chirega kuzvivona semunhu pasina. Tanga kufunga saMwari. Zvivone semunhu asina chaangashaiwa muhupenyu. Ndiwe muridzi wefuma yaJesu. Ichi ndicho chokwadi. Gara uchichifungisisa. Hapana chaunozokoniwa kuita. Hauzopererwi nemazano. Unozoita zvinhu zvinoshamisa. Uchigadzirisa zvinhu munyika.
Namata Uchiti
Ini ndiri muridzi wefuma yaMwari. Fuma iyi iri muzita rangu neraMuponesi. Ndiri muridzi wemaropafadzo emuHushe hwaMwari. Ndine zvinhu zvose. Zvingava zvinodiwa muhupenyu. Zvingava zvinodiwa pakunamata Mwari. Ndinogara ndiri mutano. Ndakafuma. Ndinorarama semunhu ari muna Muponesi. Akakunda. Anobudirira pane zvose zvaanoita. Ndinobudirira pamabasa ose akanaka. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vagaratiya 4 ndima 7
Vagaratiya 3 ndima 28 kusvika 29 MSG
Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church