English
Manyika
Ndau
Shona
Kunzwisisa Zvinhu ZveMweya
Chitatu, 19 Chikunguru 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
Nokuda kwaizvozvo. Isuvo. Kubva pazuva ratakanzwa izvi. Tava kugara tichingokunamatirai. Tichishuva chose kuti munzwisise zvinoda Mwari. Muine huchenjeri hwakakwana. Mweya yenyu ichinzwisisa zvinhu zvemweya (Vakorose 1 ndima 9).
Mweya Mutsvene ndivo vakanamata munamato watavhura nawo. Vakashandisa Pauro kuunamata. Vakanga vari kunyengeterera Vakristu vepaKorose. Vaishuva kuti Vakristu ava vanzwisise Mwari. Vave nehuchenjeri hwakakwana. Uye kuti vanzwisise zvinhu zvemweya. Kureva kuti munhu anogona kunzwisisa zvinhu zvemweya. Anozvinzwisisa sekungonzwisisa kwaangaita zvinhu zvenyika ino.
Mweya Mutsvene ndivo voga vanogona kuvhura meso ako. Vachiita kuti ugone kunzwisisa zvinhu zvemweya. Ndivo vanokuvonesa zviri muHushe hwaMwari. Ivo ndivo vanoziva zviripo pachokwadi. Saka ndivo vanokutaridza zviripo pachokwadi. Iri rinotova rimwe remabasa avanoita. Izvi zvinotirangaridza mumwe munamato zvekare. Munamato uyu wakaitwa naMweya Mutsvene zvekare. Vakashandisa Pauro kuunamata. Tinouwana muna Vaefeso 1 ndima 17. Unoti, Ndichishuva kuti Mwari vaIshe wedu Jesu Muponesi. Ivo Baba veVamwari vose. Vakupei mweya wenjere. Vavhure meso emweya yenyu. Mugone kuvaziva.
Mweya Mutsvene ndivo vanofanira kukubatsira kunzwisisa zvinhu. Zvisizvo unozongofunga sevanhu venyika ino. Uye hauzombozivi zvakakosha nezvisina. Zvinozokunetsa kunzwisisa zvinhu zvemweya.
Izvi ndizvo zvatinovona pavadzidzi vaJesu. Vadzidzi ava vaifamba naTenzi. Asi vakanga vasati vava naMweya Mutsvene. Saka Tenzi vaigara vachivadzidzisa. Asi zvakawanda zvacho vakanga vasingazvinzwisisi. Tenzi vakavaudza pamusoro pekufa kwavo. Vakavaudza pamusoro pekuvigwa kwavo. Pamwe nekumuka kwavo kuvakafa. Asi vadzidzi ava vainetseka kunzwisisa zvinhu izvi. Vakanga vasati vagona kunzwisisa zvinhu zvemweya.
Jesu vakazosvika pakumuka kuvakafa. Asi vamwe vevadzidzi ava havana kuzvibvuma. Jesu ndipo pavakazoshumira kuvadzidzi ava. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johane 20 ndima 22. Inoti, Jesu vakabva vavafuridza. Vakati kwavari, �Gamuchirai Mweya Mutsvene. Apa Jesu vakanga vari kuvhura mweya yavo. Vachiita kuti vagone kugamuchira zvinhu zvemweya. Vazvinzwisise. Jesu vakashandisa simba raMweya Mutsvene kuvhura mweya yavo kudai. Apa ndipo pakatanga vadzidzi ava kunzwisisa zvinhu zvemweya. Ndipo pavakatangavo kunzwisisa mashoko aJesu.
Mweya Mutsvene ndivo vanoita kuti ugone kunzwisisa. Vanoita kuti ugone kunzwisisa Shoko raMwari. Vanoita kuti ugone kunzwisisa hupenyu. Vanoita kuti ugone kunzwisisa zvinhu zvose. Vanoita izvi kana vachinge vapinda muhupenyu hwako. Kunzwisisa uku ndiko kunoita kuti unzwisise kurarama nomazvo. Zvichizoita kuti ubudirire pane zvose zvaunoita. Ugare wakafara. Uchikunda. Wakafuma. Unozotanga kushandisa mazano aMwari pakurarama kwako. Uchirarama hupenyu hweVamwari. Uchirarama semunhu akarurama. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa Mweya Mutsvene. Ichi chipo chinokosha chose. Mweya Mutsvene ava vanoita kuti ndinzwisise zvinhu zvemweya. Vanoita kuti ndirarame nomazvo. Vachiita kuti ndikurire zvinhu zvehupenyu huno. Muponesi ndivo mazano angu. Saka ndava kurarama hupenyu hweVamwari. Ndinohurarama ndiri muShoko raMwari. Ndichishandisa Shoko iri pakurarama kwangu. Ndinohuraramavo ndichibatsirwa nesimba raMweya Mutsvene. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vakorose 3 ndima 16
Mabasa 20 ndima 32
Vaefeso 1 ndima 17 kusvika 18
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church