English
Manyika
Ndau
Shona
Funga SeNhume DzaJesu Dzekutanga
Chishanu, 25 Nyamavhuvhu 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
Nhume dzakanga dzichiri muJerusarema. Dzakanzwa nhau idzi. Dzekuti Samariya rakanga ragamuchira Shoko raMwari. Dzikabva dzatuma Pita. Pamwe chete naJohane (Mabasa 8 ndima 14).
Pane nhume dzaJesu dzaiva muJerusarema. Nhume idzi dzakanzwa kuti Samariya rakanga ragamuchira Shoko raMwari. Dzakabva dzatuma Pita naJohane. Dzakavatuma kuti vanoshumira kuvanhu veSamariya ava. Mafungiro enhume idzi aishamisa zvikuru. Ndiwo mafungiro atinofanira kuitavo isu. Shoko raMwari rakanga rasvika kuSamariya. Saka nhume idzi dzakabva dzatovona sekuti Samariya rakanga rava radzo.
Haasi munhu wose muSamariya akanga atendeuka. Asi mbeu yeShoko raMwari yakanga yatosimwa mudunhu iri. Mbeu iyi yakanga yagamuchirwa. Saka nhume idzi dzakabva dzatoverenga kuti Shoko reRuponeso rakanga ratozara mudunhu reSamariya.
Pita naJohane vakaenda kuSamariya uku. Vakasvikoshumira kuvadzidzi vaivako. Vachivagamuchidza Mweya Mutsvene. Izvi ndizvo zvatinovona muna Mabasa 8 ndima 14 kusvika 15. Izvi ndizvo zvakaitwavo naPauro paEfeso. Tinozviverenga muna Mabasa yegumi nepfumbamwe.
Nesuvo tinofanira kufunga senhume dzaJesu idzi. Dzakanga dzagamuchira mashoko aJesu. Iwo aya aifananidza Hushe hwekudenga nemhodzi yemumasitadha. Mhodzi iyi inomera. Yobva yaita zimuti ziguru. Rinodarika imwe miti yose yesango. Hapana anomisa kukura kwemuti uyu. Tinoverenga mashoko aya muna Ruka 13 ndima 18 kusvika 19.
Saka Shoko raMwari raigona kudzvarwa pane imwe nzvimbo. Nzvimbo iyi yaigona kunge riri guta. Kana musha. Kana nyika. Nhume idzi dzaibva dzatoziva kuti Shoko iri rakanga riri kuzopararira munzvimbo iyi. Dzaiziva zvekuita neShoko raMwari munzvimbo.
Isu tinofanira kuzadza maguta neShoko raMwari. Tinofanira kuzadza misha neshoko reRuponeso. Funga senhume dzaJesu idzi. Funga saPauro. Pauro akasvika paEfeso. Akabva aziva kuti akanga asiri kungosvitsa Ruponeso muEfeso chete. Akanga ari kurusvitsa pasi rose.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa basa rekusvitsa Ruponeso kuvanhu vari pandiri. Pamwe nekuvanhu vari kure. Ndakatakura shoko reRuponeso. Chiedza cheshoko iri chinodzinga rima mumoyo yevatadzi. Chinoparadza misungo yezvivi. Chinounza kururama kwenyu mumoyo yavo. Shoko raMwari riri kupararira muguta rangu. Riri kusvika kunzvimbo dziri kure. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Matiyo 28 ndima 19 kusvika 20
Mariko 16 ndima 15
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church