English
Manyika
Ndau
Shona
Hupenyu Hwavakatipa
Muvhuro, 16 Gumiguru 2023
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
Mbavha inouya kuzongoba. Kuuraya. Nokuparadza. Ini ndakauya kuti muve nehupenyu. Muve nehwakakwana. Muchinakirwa nahwo (Johane 10 ndima 10).
Vakawanda havazivi kuti sei Jesu vakauya panyika. Jesu vane zvavakauya kuzoitira nyika yeIsiraeri. Izvi zvakasiyana nezvavakauya kuzoitira vamwe vanhu vose. Ivo vakauya kuzopa vanhu hupenyu. Vachivapa hupenyu hwacho hwakakwana.
Hapana munhu angapa chinhu chaasina. Asi Jesu vakanga vasina hupenyu chete. Ndivo vaitova hupenyu hwacho. Izvi ndizvo zvatinovona muna 1 Johane 1 ndima 2. Johane 5 ndima 26 inoti, Nokuti Baba vane hupenyu. Hupenyu uhu huri mavari. Vakapavo Mwanakomana hupenyu uhu. Vakahuisa mukati make. Ndiko kusaka Jesu vakagona kutipa hupenyu. Vachitotipa hwakakwana. Ivo ndivo mupi wehupenyu. Ndivo vanoraramisa zvinhu. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna 2 Vakorinde 15 ndima 45. Inoti, Ndiko kusaka kwakanyorwa. Kuchinzi, �Munhu wekutanga. Uya ainzi Adhama. Akanga ari munhu wenyama. Asi munhu wekupedzisira. Anonzivo Adhama. Akaitwa mweya unoraramisa zvinhu.
Jesu vane hupenyu hwavakatipa. Hupenyu uhu hwakasiyana nehwataiva nahwo. Pauro anotibatsira kuhunzwisisa. Tinoverenga mashoko ake muna Varoma 8 ndima 2. Inoti, Kune mutemo wemweya wehupenyu. Mutemo uyu unoshanda muna Muponesi Jesu. Mutemo uyu wakandisungunura. Ukaita kuti ndisafa. Wakandisungunuravo kubva kumutemo wezvivi. Pauro ane mutemo waari kutaura nezvawo mundima iyi. Uyu mutemo waMweya vehupenyu. Anoti mutemo uyu hauna kutisungunura kubva kurufu. Wakatoita kuti tisafa.
Rufu haruchagoni kukubata. Wakabviswa munzvimbo inofiwa. Ukaiswa munzvimbo isingafiwi. Umo zvinhu zvose zvinorarama nekusingaperi.
Pupura Uchiti
Ndiri munhu werudzi rweVamwari. Ndakatakura Mwari. Zvavo zvose zviri mandiri. Ndinogara ndiri mutano. Ndakafuma. Ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Pandiri ndipo panovonekwa nyasha dzaMwari. Ndipo panovonekwa kunaka kwavo. Ndipo panovonekwa rudo rwavo. Ndava muna Muponesi. Kureva kuti ndakashanduka rudzi. Ndava kurarama semunhu anonzwisisa izvi. Saka ndakakunda kare. Ndinokurira zvinhu zvose. Ndinokutendai Mwari Baba. Makandipa hupenyu hweVamwari. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 5 ndima 24
1 Johane 5 ndima 11 kusvika 12
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church