English Manyika Ndau Shona 



Rhapsody of Realities (Shona)

Mufudzi Chris Oyakhilome, DSc, D.D

Chishanu, 2 8 Zvita 2018

Kristu Ndivo Paseka Yedu

"Bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nokuti paseka yedu, yakatibayirwa isu, ndiKristu" (1 VaKorinte 5:7).

Eksodo 12:12 ine nhoroondo yainotipa. Farao akanga awomesa moyo. Nokudaro, kwakatumwa ngirozi. Yakatumwa kunyika yeEgipita. Ngirozi iyi yakanga iri kuzoparadza. Asi Jehovha vakataura kuvana vaIsraeri. Vakaraira kuti vauraye gwaiyana. Vaifanira kutora ropa regwaiyana iri. Vaifanira kuzorera ropa iri pamatanda emisuwo yavo.

Mwari vakabva vataura muna Eksodo 12:13. Vakati, "Kana ndikaona ropa, muparadzi haapfuuri nepamba penyu. Ndinokupfuurai". Apa ndipo pakatanga Paseka. Gwaiyana iri ndiro raimiririra Paseka. Rainzi gwaiyana rePaseka.

Kristu Jesu ndivo Paseka yedu. Izvi ndizvo zvataverenga mundima yatavhura nayo. Kristu ava vakaurawa. Vakafa pataifanira kufa. Ropa ravo rakashandiswa seregwaiyana rePaseka. Ndivo vakapiwa mhosva dzedu. Izvi ndizvo zvakaitwavo kugwaiyana reSungano yeKare. Gwaiyana iri rakaurairwa vaJudha. Izvi ndizvo zvakaitikavo kuna Jesu. Zvino, musi wavakatengeswa. Jesu vakatora chingwa. Vakachimedura. Vakabva vachipa kuvadzidzi vavo. Mushure mazvo, vakatora mukombe. Vakabva vataura vachiti, "... Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira".  Mashoko aya tinoaverenga muna 1 VaKorinte 11:25.

Ruponeso rwedu rwakabva muropa ravo. Saka hatichaverengerwi kuvanhu vanofanira kufa. Tava kudivi revasingafaniri kufa. Hapachina mhosva yatichatongerwa. Tava muna Kristu. Hatichafaniri kuparadzwa. Kristu ndivo Paseka yedu. Vakafira isu.

Muparadzi anouya huri hurombo. Anouya chiri chirwere. Asi haachagoni kuuya kumba kwako. Uri muna Kristu. Saka wakadzivirirwa. Hareruya!

Namata Uchiti

Ndinokutendai, Baba vakaropafadzwa. Shoko renyu raisa rutendo mumweya mangu. Randishingisa. Ndinogara ndiri mutano. Ndiri mufumi. Pahupenyu hwangu ndipo panovonekwa kubwinya kwenyu. Ndipo panovonekwa rumbidzo dzenyu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

1 Johane 2:1-2; Mateo 26:27-28 AMPC; Eksodo 12:23

Muri kukomborerwa neRhapsody here? Tumai mari neEcoCash pa: Star 151 star 2 star 5 star 58225 hash, mubatane nesu kubatsira kuti vakawanda variwanewo. Mwari vakuropafadzei!

(Munogona kuwana Rhapsody rese pa: https://bit.ly/rhapsodylanguages )